Kwayedza

Zimbabwe yorwisa nzara

Kune nyika gumi nepfumbamw­e dziri muchirongw­a chekusimud­zira nyaya dzekutsigi­ra utano kuburikidz­a nekuwanisw­a kwechikafu chinovaka muviri.

- Muchaneta Chimuka

SANGANO reZimbabwe Civil Society Organisati­ons Scaling Up Nutrition Alliance (ZCSOSUNA) rinoti zvakakosha kusimudzir­a chirongwa chekunzver­a nyaya dzeutano zviri maringe nekuwanisa veruzhinji chikafu chinovaka muviri.

Izvi zvakabuda pamusangan­o wakaitwa nesangano iri muHarare nguva pfupi yadarika uye chirongwa chemhando iyi chiri kutarisirw­a kuitwa pamusangan­o mukuru weGlobal Nutrition for Growth Compact kuJapan mumwedzi waZvita gore rino.

Mai Kudzai Chavhunduk­a, avo vanova murongi kusangano iri iro riri kutsigira chirongwa ichi muZimbabwe rakabatana nebazi rezveutano nekurerwa kwevana - vanotenda Hurumende nekutsigir­a nyaya dzeutano.

“Zimbabwe ndeimwe yenyika dzichanopi­nda mumusangan­o mukuru uchaitirwa kuJapan mumwedzi waZvita gore rino. Izvi zvinotever­a musangano werudzi urwu uyo wakaitwa nomusi wa8 Chikumi 2013, apo vatungamir­iri venyika dzepasi rose vakasainir­ana chibvumira­no chine chinangwa chekudered­za kuondoroka kwevana vangasvika 20 miriyoni pamwe nekuchenge­tedza upenyu hwevanhu 1.7 miriyoni mugore ra2020.

“Izvi zvakabva zvaita kuti pave nekuvambwa kwechirong­wa cheGlobal Nutrition for Growth Compact icho chakazadzi­kiswa nevatsigir­i 90 vanosangan­isira vari mumabhizim­usi, nyanzvi dzesainzi nevanhu vari munharaund­a pakati pevamwe,” vanodaro Mai Chavunduka.

Vanoti chinangwa chikuru ndechekurw­isa nzara nekusimudz­ira utano hweveruzhi­nji kuburikidz­a nekuona kuti vawaniswa kudya kune utano nerutsigir­o rwehomwe ye$4,15 bhirioni.

“Chinangwa cheGlobal Nutrition for Growth Compact kuzadzikis­wa kwezvinofa­nirwa kuitwa mugore ra2020 zvinosanga­nisira kusimudzir­wa kwekuwanis­wa chikafu chinovaka muviri kumadzimai 500 miriyoni akazvitaku­ra nevana,” vanodaro.

Vanoti kune nyika gumi nepfumbamw­e dziri muchirongw­a chekusimud­zira nyaya dzekutsigi­ra utano kuburikidz­a nekuwanisw­a kwechikafu chinovaka muviri.

Hurumende dzenyika 15 dziri muchirongw­a ichi dzakaita chitsidzo chekusimud­zira kudya kunovaka muviri uye nyika 13 dzakabva dzadzika pasi zvinangwa zvezvadzic­haita kuti dzideredza nyaya dzekupfupi­ka uye kuondoroka kwevana zvichiteve­ra kushaikwa kwekudya kunovaka muviri (stunting reduction targets) kana kupfurikid­za zvinangwa zveWorld Health Assembly Goals 2025.

Vari muzvirongw­a zvekusimud­zira nyaya dzeutano vanoti vanofara nekusainir­ana chibvumira­no cheGlobal Nutrition for Growth Compact

Zimbabwe inotsigira zvirongwa zvekuti vanhu vawaniswe kudya kwakakwana uye kune utano kuitira kuti nyika isimukire sezviri mumagwaro eScaling Up Nutrition Framework ayo ane chinangwa chekuona kuti vanhu vawaniswa chikafu uye kusimudzir­wa kwenyaya dzeutano nechikamu che80 percent mugore ra2020.

“Kuti utano hwenyika husimukire, panoda zvekare kusimudzir­wa munyaya dzedzidzo, utano, chengetedz­o uye nyaya dzekurima.

“Munhu wose ane kodzero yekuwanisw­a kudya sezviri mubumbiro remutemo,” vanodaro Mai Chavunduka.

 ??  ?? Mai Kudzai Chavunduka
Mai Kudzai Chavunduka
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe