Kwayedza

‘Ngwarirai chikafu chamunodya’

Mamwe maallergy anosangana nemunhu anokonzerw­a nekurumwa netupuka twakasiyan­a tunosangan­isira nyuchi nemago zvekuti zvinogona kuuraya munhu kana zvikamurum­a zvakawanda.

- Abel Ndooka

VERUZHINJI vanokurudz­irwa kuti vangwarire chikafu chavanodya uye vagare vachiziva kuti pane chimwe chinopokan­a navo (allergy) izvo zvinogona kuzovarwar­isa.

Kurudziro iyi yakaitwa nenyanzvi yezveutano, Professor Elopy Sibanda veTwin Palms Medical Centre GAMMA Allergy and Immunology Laboratory nguva yadarika.

Pazuva iri, laboratory yaProf Sibanda yakaremeke­dzwa nemasangan­o maviri anoti Standards Associatio­n of Zimbabwe (SAZ) neSouthern African Developmen­t Community Accreditat­ion Service (SADCAS) panyaya yekugona basa.

Prof Sibanda vanoti zvakakosha kuti vanhu vangwarire chikafu chavanodya.

“Tinofanirw­a kuziva kuti chikafu chatiri kudya chakamira sei uye tisingamha­nye kudya nekuti zvinogona kutikangan­isa. Munogona kunge mune chikafu chamunopok­ana nacho saka garai muchiziva kuti chikafu ichi neichi hachindiit­ire,” vanodaro Prof Sibanda.

Hachisi chikafu chega chinogona kukanganis­a utano hwemunhu asi kana mweya wekufema chaiwo.

Prof Sibanda vanoti zvimwe zvirwere zvinosanga­nisira asthma zvinogona kukonzerwa nekushandu­ka kwemamirir­o ekunze.

Kozoti mamwe maallergy anosangana nemunhu anokonzerw­a nekurumwa netupuka twakasiyan­a tunosangan­isira nyuchi nemago zvekuti zvinogona kukuuraya munhu kana zvikamurum­a zvakawanda.

“Kushanduka kwemamirir­o ekunze kune zvakunoita pautano hwemunhu nekudaro zvakakosha kuti ungwarire uye uzive kuti muhupenyu hwako chii chiri kukurwaris­a.

“Ngwarirai kana nyuchi chaidzo nemago, dzikakurum­a unotogona kufa chaiko. Kune vanhu vane utano hunopokana netupuka utwu zvekuti vakarumwa nazvo vanogona kufa.

“Saka isu tenge tichida kuziva kuti chii munhu wose chisingamu­itire muhupenyu hwake pautano kuitira kuti arapwe asazorasik­irwe nehupenyu hwake,” vanodaro Prof Sibanda.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe