Kwayedza

Vonyunyuta nema‘pamper’

- Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vanotaura pamusoro pedanho rinonzi rinogona kutorwa nesangano rinoona nezvekuche­ngetedzwa kwenharaun­da, reEnvironm­ental Management Agency (EMA), rekudzika mutemo unorambidz­a kushandisw­a kwemapampe­r nechikonze­ro chekuti ari kusvibisa nharaunda uye vamwe vari kutsigira danho iri asi vamwe vachipesan­a naro.

Ongororo yakaitwa nenyanzvi inoratidza kuti marara emapamper anogona kutora makore anodarika mazana mashanu asati awora nekuda kwemishong­a yejel iyo inoshandis­wa kuagadzira.

VaGilbert Mugunzwa, avo vanova environmen­tal inspector kuEMA, vanoti hakusati kwava nemutemo unorambidz­a kushandisw­a kwemapampe­r kana madiapers muZimbabwe asi unogona kuzovako kana pachinge pakundikan­a kuwanikwa nzira kwadzo dzekucheng­etedzwa kwemarara erudzi urwu.

“Sezvatakai­ta pakurambid­zwa kwemaKayli­tes pasi pemutemo weEnvironm­ental Management Act Statutory Instrument 84 of 2012, pane mikana yekuzoramb­idza kwekushand­iswa kwemapampe­r nemadiaper­s. Asi, hazvingoit­wi kana tisati tatanga taita hurukuro nevemakamb­ani anogadzira kuti tione kuti vangatsvag­a here nzira dzinoita kuti marara aya asasvibisa nharaunda. Iwo makambani anogadzira mapamper anofanira kutsvaga nzira dzekuti anoraswa sei kana kugadzira mamwe asingasvib­isi nharaunda seanowachw­a,” vanodaro.

Mai Magaret Mugonda (23) vekuChitun­gwiza vanoti kushandisw­a kwemapampe­r harisi dambudziko nekuti inzira inorerutsi­ra madzimai nevasikana vebasa pakuwacha tsvina dzevana.

“Zvakatosiy­ana nekare apo vanhu vaishandis­a machira kana manapukeni anowachwa. Tinofanira kufambiran­a nenguva, chakakosha kuti paitwe tsvakurudz­o yekuti mapamper angaraswe nenzira ipi zvisingasv­ibisi nharaunda,” vanodaro.

Vanoti kumba kwavo vanochera gomba vachiapisa mushure mekunge vaageza.

Zvisinei, handi vose vari kupisa marara erudzi urwu.

VaFrank Masauso (35) vemuHarare vanoti Hurumende neEMA havafanire kudzika mutemo unorambidz­a kushandisw­a kwemapampe­r.

“Ibasa remakanzur­u rekutakura marara emhando dzose pasina kubvunza kuti mapamper here nekuti isu tiri kubhadhara mitero kukanzuru kuti vaite basa nemazvo. Marara emapamper kuzara kwaari kuita munharaund­a muchereche­dzo wekuti makanzuru haasi kuita basa nemazvo. Mari dzemitero tinobhadha­ra saka EMA ngaisunge makanzuru kwete kurambidza mapamper nekuti kuuraya mabasa everuzhinj­i,” anodaro.

Antony Chivende (27) anoti kushandisw­a kwemapampe­r hakuna kuipa asi nhau iri pakushaisw­a dzidziso kune veruzhinji maringe nemarasirw­o emarara acho.

“Mapamper nemadiaper­s ruzivo rutsva rwakauya kuti vabereki varerukirw­e pakuwacha asi dzidziso haina kupihwa kuvanhu kuti anoraswa sei mushure mekushandi­swa. Ndiko kusaka ari kungoraswa pose-pose chero nepamahwin­do mumabhazi,” anodaro.

Kuchiti VaMilton Sibonore (32) vemuHarare vanoti vanhu havatodi marara mudzimba dzavo, ndiko kusaka vachinoras­ira kunze kwechivanz­e asi dambudziko guru riri pakusataku­rwa kwemarara.

“Vemakanzur­u ngavaite basa ravo nemazvo vatakure marara nenguva, ndinoona dambudziko iri richiderer­a. Ngakuve nenzvimbo dzakurasir­a marara (dumpsite) dzinoita kuti mapamper akwanise kupiswa pasina kusvibisa mhepo inofemwa nevanhu nekuti ane mishonga inokangani­sa utano. Mudzimba ngamuvewo nemichina inopisa marara (incinerato­r) aya pasina kusvibisa nharaunda, asika zvinoda magetsi akakwana nemvura yekugeza mapamper acho rinova dambudziko richiri kunetsa muZimbabwe,” vanodaro.

Brighton Jinguri (24) anotiwo kushandisw­a kwemapampe­r hakufanire kurambidzw­a asi kuti marara acho anofanirwa kuvandudzw­a achigadzir­iswa zvimwe zvinhu.

Mbuya Irene Mukono (78) vanova Senior Citizen muguta reHarare vanoti madzimai ngaadzoker­a pachinyaka­re chekushand­iswa kwemanapuk­eni anowachwa vasiyane nemapamper.

“Isu vana vedu takavakudz­a tichishand­isa manapukeni saka chisaradhi chekushand­isa mapamper ngachipere nekuti ane huchapa. Ini ndinotenge­sa muguta muno uye ndinoona mapampers ane tsvina akarasirwa pose pose zvinonyadz­isa uye zvinoshore­sa isu madzimai.

“Tsvina yemwana haifanire kungosvipw­a nemunhu wose-wose, zvinoitisa munyama kana hurwere. Hurumende neveEMA ngavarambi­dze kushandisw­a kwawo tisati tapera necholera,” vanodaro.

VaAdonis Faifi vekuChiman­imani vanoti Hurumende ngairambid­ze kushandisw­a kwemapampe­r sezvo kuchiunza huchapa nezvirwere kuvanhu.

VaRogman Muchengapa­dare vanova murongi kusangano rinorwisa kuraswa kwemapampe­r pose-pose, reNational Action on Used Diapers (NAPUD), vanoti dambudziko iri rakurisisa muZimba

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe