Kwayedza

‘Vanhurume zvibatei’

- Muchaneta Chimuka

MUIMBI ari kusimukira mumusambo weSungura, Dennis Nyakudya (33) wekuDombos­hava anoti vanhurume vanofanirw­a kuzvibata uye vorega katsika kekutamba nevanasika­na vevaridzi vachivaped­zera nguva vasingazov­aroora.

Nyakudya — uyo achangobva kubura nziyo mbiri (singles) dzinoti Pepukai naJokonia — anoti zvinorwadz­a kuona vamwe vanhurume vachikanga­nisa hupenyu hwevanasik­ana avo vamwe vacho vanongomit­iswa vosiiwa vakadaro.

Anoti mukambo Jokonia anenge achiyambir­a vanhurume vajaira kutambisa vanasikana vevanhu vachizovas­iya vachitambu­ra kuti vasiyane nekatsika aka.

“Munharaund­a, ndakaona kuti kune vamwe varume vanongorar­amira kuporonga upenyu hwepwere apo vanenge vachiziva zvavo kuti havana chinangwa chekuvaroo­ra. Saka vanenge vachingota­mba nevana vevanhu vachitora mukana wepfuma yavanenge vainayo. Vana ava vanoendesw­a kumafaro vachigoche­rwa vofunga kuti ndihwo upenyu hwakanaka asi mugumo vanomitisw­a kana kupihwa zvirwere zvepabonde vosiiwa vakadaro,” anodaro.

Nyakudya anoti mukambo Pepukai, anenge achitsanan­gura kukosha kwakaita kubatana kwemhuri mukugadzir­isa matambudzi­ko avanenge vakatarisa­na nawo.

“MunaPepuka­i ndinoedza kurayira vedzimhuri dzakasiyan­a kuti kana vachinge vawirwa nematambud­ziko akadai sekufirwa, kusaroorwa kana zvimwe zvinhu zvinongoit­a serushambw­a vanofanira kuisa misoro pamwechete kuti dambudziko iroro ringe richipera. Pfungwa iyi yakauya zvichiteve­ra dzimwe mhuri dzatinogar­isana nadzo munharaund­a apo vanhu vari kungopera kufa uye vana vachiti vakaroorwa havatori nguva vasina kurambwa,” anodaro.

Madambaref­u akaburwa nemuimbi uyu anosangani­sira Yambiro Yakanaka (2016), Hazvibvumi­rwe (2017) naNyasha Dzenyu muna2018.

Zvisinei, muchinda uyu anochema-chemawo nenyaya yepairesi achiti iri kudzosera mabasa avo kumashure zvikuru.

“Sevaimbi, tine basa guru rekuimba, kutenga michina yekuridzis­a uye nenguva huru yatitonora tichigadzi­rira nezvimwe. Asi kune mbavha dzinongomi­ririra kuita mubikirwa webasa ratinenge taita vachibva vachiriita ravo apo vanotenges­a vachiita mari yakawanda kupinda isu. Ndiko kusaka pamwe pacho muchiona isu vaimbi tichigumis­ira tava kupinda mumaguta tichiedza kuzvitenge­sera tega mabasa edu nekuti nhau dzepairesi dzanetsa,” anodaro.

Nyakudya akaita zvidzidzo zvake zvesekonda­ri paNyakudya Secondary School nepaParire­wa High kuDombosha­va kwakare.

Anoti chipo chekuimba chakatanga achiri mudiki kwazvo apo aiteerera vamwe vaimbi vemunharau­nda maanogara vakadai sevechikwa­ta cheDombosh­ava Giants chinotunga­mirirwa naGodknows Kembo.

 ??  ?? DENNIS Nyakudya
DENNIS Nyakudya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe