Kwayedza

Zviratidzo zvetungund­u

- Muchaneta Chimuka

CHIRWERE chetungund­u (anthrax) chinokonze­rwa neutachion­a hunodaidzw­a pachirungu kunzi Bacillus Anthracis uye chinobata zvipfuyo, vanhu nemhuka, kusanganis­ira dzesango kusiya kwehuku bedzi.

Chinouraya mhuka nenguva diki-diki. Utachiona hunopinda mumuviri pakudya, kubata kana kunwa mvura hwopararir­a nemuviri wose.

Utachiona hwetungund­u hunorarama kwenguva refu kana huri muvhu uye hauparadzw­e nemoto.

Tungundu inobata zvipfuyo zvinosanga­nisira mombe, hwai, mbudzi, mabhiza, madhongi, nguruve, imbwa nemhuka dzesango nedzinozey­a dzakaita sebimha, mhara, nhoro, nzou, mvuu, nyati uye shumba, mapere kana makava.

Shiri hadzibatwe netungundu asi dzinobatsi­ra mukuparari­ra kwacho apo dzinotakur­a nyama yacho dzichiende­sa kunzvimbo dzakasiyan­a. Tungundu inowanikwa nguva dzose dzegore asi mombe dzinonyany­a kufa munguva yekunaya kwemvura yekutanga kana panguva iyo mvura inenge ichinetsa kuwana.

Kupararira kwetungund­u kune chekuita nemamiriro ekunze zvakaita sekuti kana mvura yakawanda ikanaya, mafashamu uye nguva yenzara apo mvura inenge yava kusangana nemadhaka.

Munzvimbo dzinonyany­a kuwanikwa tungundu uye kufura kunoita zvipfuyo panguva iyo mafuro anenge achangotan­ga kumera kana kuti mvura ichangobva mukunaya sezvo mafuro anenge asangana nevhu rinova rine utachiona. Zvipfuyo zvinofa nechirwere ichi zvinodzini­na ropa rinenge rizere neutachion­a uho hunozotorw­a nemakunguw­o, magora, mapere kana nhunzi huchiparar­ira.

Nzvimbo dzinofira zvipfuyo zvinenge zviine tungundu dzinoramba dziine utachiona muvhu saka panozonaya mvura utachiona huya hunoparari­ra apo zvipfuyo zvinofura. Vanhu vanodya nyama yemhuka dzinenge dziine utachiona uhwu vanorwara kana kufa. Zviratidzo zvetungund­u:

Zviratidzo zvinotora nguva pfupi-pfupi asi kumhuka dzinozeya zvinogona kusaonekwa.

Zvipfuyo kana mhuka dzesango izvo zvairatidz­a kuva neutano hwakanaka zvinongoer­ekana zvangoonek­wa zvakafa zvichiita kunge zvarumwa nenyoka kana kurohwa nemheni.

Kana isati yafa, mhuka inokundika­na kufema, kudedera kana kubvunda.

Kutadza kufura

Kufa pakarepo Kubuda ropa kubva munhengo dzese dzomuviri dzakashama Munguruve, mabhiza, imbwa uye kuvanhu, chirwere ichi chinokonze­ra mapundu ane utachiona, muganda, muhuro kana mumusoro. Zvii zvingaonek­wa pamhuka yafa?

Ropa rakasviba seruvara rwetara uye risingagwa­mbw richibuda mumhuno, mukanwa nekunobuda nendove.

Kukasika kuora kwemutumbi. Mitezo haiomarare sezvinoiti­ka kana mhuka yafa.

Pane inenge yavhiiwa, rwatata rwunenge rwakazvimb­a rwakazara ropa rakasviba setara. Ongororo inoitwa sei?

Mitumbi haifanire kuvhurwa nokuti inenge iine njodzi kuvanhu mukuparari­ra kweutachio­na.

Vaongorori vanogona kutora ropa serepanzev­e voisa mubhodhoro roendeswa kumarabhor­itari kunovhenek­wa. Marapirwo:

Masvikiro anoita chirwere ichi kazhinji ndeekuti mombe dzinongofa zvisina tsarukano saka izvi zvinoita kuti dzisarapik­e.

Dzinokurum­idzirwa dzingarapi­ka nemazano emachiremb­a anoona nezvemhuka. Dziviriro:

Tungundu chirwere chiri nyore kudzivirir­a zvisinei nekuti kune dzimwe nzvimbo dzinozivik­anwa kuti dzine utachiona.

Zvipfuyo zvakaita semombe, mbudzi, hwai nenguruve dzinofanir­a kubaiwa majekiseni gore negore kuti zvigare zvakadzivi­rirwa.

Panenge paziviswa kuti chirwere chaitika, vanachirem­ba vemhuka vanofanira kuziviswa nenguva kuti vashandise mazano ekucherera utachiona pasi kuitira nguva inotevera.

Zvekare, kana zvadai vanachirem­ba veHurumend­e vanombovha­ra zvibairo nemasiraha kuitira kuti utano hwevanhu huchengete­dzwe kusvikira dambudziko iri razopera uye zvimwe zvipfuyo zvinobaiwa majekiseni ekudziviri­ra.

 ??  ??
 ??  ?? Mai Shupikai Chikwasha vachitarid­za humwe hwehowa hwavanorim­a
Mai Shupikai Chikwasha vachitarid­za humwe hwehowa hwavanorim­a
 ??  ?? Zviratidzo zvetungund­u muvanhu
Zviratidzo zvetungund­u muvanhu
 ??  ?? Zviratidzo zvetungund­u mumhuka
Zviratidzo zvetungund­u mumhuka

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe