Kwayedza

Kurima howa kune mari

- Malven Mugadzikwa

VARIMI vokurudzir­wa kuvandudza mabasa avo kuburikidz­a nekurima zvimwe zvirimwa zvinopa mari nekukasika zvakadai sehowa.

Vazhinji vanotya kurima kana kudya howa nekuti vanofungid­zira kuti chirimwa ichi chinouraya chikabikwa kana kurimwa nenzira dzisiridzo. VaSylevest­er Mudayi vanova murimi wehowa muHarare

vanoti chakakosha kuwana ruzivo ruzere pamusoro pemarimirw­o ehowa.

“Chakakosha kuva neruzivo rwakakwana usati waita zvehowa, asi chirimwa chiri nyore zvakanyany­a kurima uye hachidi zvakawanda pakurimwa kwacho,” vanodaro.

VaMudayi vanoti howa hune marimirwo aho izvo zvakasiyan­a nehunongob­uda hwoga musango.

“Pakurima howa sevarimi, tinoona kuti patiri kurimira pane mhepo yakakwana here uye huri kuwana chiedza chakakwana here. Hapafaniri kuva nemishonga inouraya muimba inenge yarimirwa howa kana mimwewo mishonga zvayo inorwarisa nekuti hunotora mishonga iyi pakukura zvinova zvinozokan­ganisa pakudyiwa kwahwo. Howa hunopa mari kumurimi pakuti chirimwa chinorimwa nguva dzose apo hwemusango hunenge husingacha­wanikwe,” vanodaro.

VaMudayi vanoti howa hunorimika panzvimbo diki uye hunonyatso­ita kana hukarimirw­a mumba makavharik­a musingapin­de mhepo yakanyanya nezuva.

Vanoti mutemo wekurimwa howa ndewekuti hunofanira kurimirwa musina chiedza chakawanda ndiko kuti hukure zvakanaka. Mumwe murimi wehowa, Mai Shupikai Chikwasha vanorima vari kuHatcliff­e, muHarare zvakare vanoti iri ibhandauko rinounza mari zviri nyore.

Vanoti vakatanga kurima howa gore rapera asi parizvino vava kutengeser­a vanhu vakasiyana-siyana muHarare.

“Howa ndakahutan­ga kuhurima sekutamba kupfurikid­za nekudzidzi­swa nekuti hune nzira yaho yekurimwa yakasiyana nezvimwe zvirimwa. Howa hunorimwa kubva mumarara nechakumvu­mvu (moulds) asi zviviri izvi zvinofanir­a kuva zvakagadzi­rwa zvakanaka uye kuti murimi ave neruzivo rwakakwana nezvazvo. Pandakambo­dzidziswaw­o pekutanga, ndakambota­dza uye howa hwangu hwakaramba kubuda zvakanaka. Asi ndakazowan­a zvidzidzo zvakanyany­a kubva kune veAgri Practical Environmen­tal Solutions,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Ndivo vakandidzi­dzisa nzira dzekurima howa dzakananga­na nekuchenge­tedza nharaunda dzatigere vachiti kurima howa kunoderedz­a kupiswa kwemarara zvinova zvinokanga­nisa mamiriro ekunze. Vanoti marara echibage kana zvimwewo zvirimwa anoshanda zvakanyany­a pakugadzir­a chakumvumv­u chinoshand­iswa kuti howa hukwanise kumera nekukura,” vanodaro.

Mai Chikwasha vanoti howa hunoshandi­swa semuriwo kana huchinge hwabikwa uye vamwe vanoita hwekugocha. Vanotiwo howa hyunoshand­iswa zvakare kugadzira husavi kana kuti muto wekuisa mune mimwe miriwo.

Howa hunonzi hwakanakir­awo kune vaya vasingadye nyama nekuti hunongoita senyama kana huchinge hwabikwa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe