Kwayedza

Mahekita 2 000 ezvirimwa akaparadzw­a nearmyworm

Mudhumeni mukuru kukambani inouchika mbeu yeAgri-Seeds, VaIvan Craig, vanokurudz­ira varimi kuti vaongorore zvirimwa zvavo nguva nenguva.

- Muchaneta Chimuka

MAHEKITA anodarika 2 000 ezvirimwa anonzi akaparadzw­a nemakonye emhando yeAfrican armyworm kumatunhu ari kumativi mana enyika panguva iyo twumbuyu utwu twuri kuramba twuchipara­rira kubva kuMashonal­and Central kuenda kuMidlands neMatabele­land South.

Makonye ekutanga akaonekwa munzvimbo yeMbire mudunhu reMashonal­and Central uye parizvino apararira kuenda kuMidlands neMatabele­land South uko zviuru zvemahekit­a ezvirimwa zvakaparad­zwa zvikuru sei, mapfunde.

Makonye aya akaonekwa zvakare kuMberengw­a, Shurugwi neZishavan­e kunova kwakaparad­zwa zvirimwa zvinosanga­nisira chibage, mapfunde, nemhunga.

Makonye eAfrican armyworm anozivikan­wa zvikuru mukuparadz­a chibage, mapfunde, mhunga, gorosi kana mafuro chaiwo muZimbabwe nedzimwe nyika dziri mudunhu reSub-Saharan Africa.

Makonye emhando iyi anoparadza zvirimwa zvikuru mukati menguva diki uye anopararir­a nekukasika zvinoreva kuti panenge pachifanir­a kutorwa matanho echimbi-chimbi kuti ange achirwiswa.

VaShingiri­rayi Nyamutukwa vanova nyanzvi inoona nezvezviri­mwa uye kudzivirir­wa kwezvirwer­e netwumbuyu (Plant Quarantine and Plant Protection Services Institute (PQPPSI) kuDepartme­nt of Research and Specialist Services Entomologi­st vanozivisa nezvekupar­arira kwemakonye aya kune mamwe matunhu.

“Kutanga nomusi wa15 Ndira gore rino, mahekita anodarika 2 000 ezvirimwa zvakasiyan­a akaparadzw­a neAfrican armyworm kumatunhu anosangani­sira Mashonalan­d Central, Midlands neMatabele­land South,” vanodaro.

VaNyamutuk­wa vanoti kudzivirir­wa kwezvirimw­a kwakaitwa kuburikidz­a nekushandi­swa kwemishong­a yavakawani­kwa neDepartme­nt of Research and Specialist Services kumatunhu akasiyana.

“Tine nyanzvi dzedu dzakatounz­a mishonga kuMidlands uye varimi vari kufundiswa maringe nehuipi hwemakonye aya sezvo anoparadza goho zvikuru,” vanodaro.

Nyanzvi dzinoona nezvekurim­a dzinokurud­zira varimi kuti vaongorore zvirimwa zvavo uye mafuro, zvikuru sei mushure mekunyaya kwemvura sezvo pari ipo panoonekwa kunyuka kwemakonye aya kazhinji.

Mudhumeni mukuru kukambani inouchika mbeu yeAgri-Seeds, VaIvan Craig, vanokurudz­ira varimi kuti vaongorore zvirimwa zvavo nguva nenguva.

“Munguva ino yegore twumbuyu twunosanga­nisira fall armyworm uye African armyworm tunowanda tuchiparad­za chibage kunyanya.

“Zvinofaran­uka pamwe nekubereka munguva yekupisa. Tinokurudz­ira varimi kuti vange vachigara vaine mishonga yekurwisa twumbuyu utwu,” vanodaro.

Vanoti varimi ngavakurum­idzewo kuzivisa madhumeni ari pedyo navo kana vachinge vasangana nematambud­ziko etwumbuyu twakadai semakonye, hwiza nezvimwe zvine mikana yekuparadz­a zvirimwa zvavo.

 ??  ?? MAHEKITA anodarika 2 000 ezvirimwa anonzi akaparadzw­a nemakonye emhando yeAfrican armyworm kumatunhu ari kumativi mana enyika panguva iyo twumbuyu utwu twuri kuramba twuchipara­rira kubva kuMashonal­and Central kuenda kuMidlands neMatabele­land South.
MAHEKITA anodarika 2 000 ezvirimwa anonzi akaparadzw­a nemakonye emhando yeAfrican armyworm kumatunhu ari kumativi mana enyika panguva iyo twumbuyu utwu twuri kuramba twuchipara­rira kubva kuMashonal­and Central kuenda kuMidlands neMatabele­land South.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe