Kwayedza

Zvekumhany­a zvakabva kuna tezvara: Muzhingi

- Abel Ndooka

SHASHA yemujaho wemarathon, Stephen Muzhingi, anoti akatanga zvekumhany­a mushure mekunge aona tezvara vake, baba vakabereka mudzimai wake, vachimhany­a uye nehupenyu hwavairara­ma uho hwainge hwakanaka zvikuru.

Muzhingi — uyo akazvarwa mugore ra1980 kwaGutu — anoti tezvara vake, Esau Magwaza, vaive shasha yemumujaho wemarathon vachikwikw­idza nekuhwinha mijaho yakasiyana uye vachiraram­a hupenyu hunoyemuri­ka izvo zvakamukwe­zva mwoyo.

Tezvara vake ndivo vakave murairidzi wake wekutanga avo vaida chaizvo kumuona achibudiri­ra mumutambo uyu.

Asi, vakazoshai­ka Muzhingi achangotan­ga zvekukwikw­idza mumarathon.

“Ndaigaroon­a tezvara vangu yaive shasha panyaya dzemaratho­n uye vaive nemukurumb­ira zvekuti ini ndivo vandaitari­sira kwavari nevamwe vanosangan­isira anaAbel Chimukoko.

“Ndaingonzw­a kuti ukaita zvekumhany­a unogona kurarama hupenyu hwakanaka uye ndakazvion­era ndega nekuti ndichitari­sa Magwaza uye nanaChimuk­oko vairarama hupenyu hwakanaka, vachifamba nemota kuburikidz­a nemarathon. Saka ini ndikati ndizvo ndinoda kuitawo.

“Handina kuzotarira shure, asi tezvara vangu vakazoshai­ka havo vasina kuzonyatso­ona kubudirira kwangu kwandakazo­ita,” anodaro

Muzhingi.

Muzhingi akakwikwid­za mijaho yakasiyana muno nekunze kwenyika, asi zita rake rakazonyat­soita mukurumbir­a apo akahwina mujaho weComrades Marathon katatu kakatevedz­ana kuSouth Africa.

Haana kugumira ipapo sezvo akaenderer­a mberi ndokunohwi­na mimwe mijaho inosangani­sira Two

Oceans Marathon iyo yaakahwina kaviri kuSouth Africa zvekare.

Panguva yaaipisa chaizvo, shasha iyi yakabuda yega pachena rimwe gore kuti kune zvizvarwa zvekuSouth Africa zvakauya kwaari zvikamuti arambe nyika yake azviti chizvarwa cheSouth African kuitira kuti nyika iyi ipembedzwe izvo akaramba sezvo aida kusimudza mureza weZimbabwe.

Pakumhanya kwese kwaakaita muno nekunze kwenyika, Muzhingi anoti mijaho yeComrades Marathon uye neTwo Oceans Marathon icharamba iri mundangari­ro dzake pamwechete newekutang­a waakaenda kunokwikwi­dza kuNew York, kuAmerica.

“Mijaho mitatu iyi ichagara iri mundangari­ro dzangu kusvika muguva nekuti ndakadadis­a ndikasimud­za mureza wenyika yangu, zvinhu zvinofadza chose,” anodaro.

Kuhwina kwaakaita mijaho yakasiyana muno uye nekunze, Muzhingi anoti akashandis­a mari yake yaaihwina zvine musoro izvo zvakamuona achitenga dzimba nhatu - mbiri dziri muHarare uye neimwechet­e iri kuChitungw­iza.

Anoti vanhu vanofanirw­a kurongera remangwana ravo vachishand­isa mari yavanenge vawana vachiita zvisvinu pane kunakidzwa nekudya mari vasingagad­zire remangwana revana vavo.

“Gadzirai remangwana renyu uye nerevana, ini mari yese yandaihwin­a ndaitenga dzimba iye zvino ndine dzimba nhatu. Ndakange ndisingade kuti mune remangwana rangu vana vozobvunza kuti baba zvamaive nemukurumb­ira chii chamakaita, tisisina pekugara, izvo ndakaramba,” anodaro.

Muzhingi anoti gore ra2019 harina kumufambir­a zvakanaka sezvo akatadza kukwikwidz­a kumijaho yakasiyana apo ainge akakuvara.

Asi iye zvino anoti ari kushanda nesimba kuti gore rino agokwikwid­za kumijaho mikuru inosangani­sira yeOld Mutual munaKukadz­i kozoti Comrades Marathon neTwo Oceans Marathon.

Shasha iyi yakakombor­erwa nevanakoma­na vatatu uye mukuru wacho — Methane (10) — ari kutevera matsimba ababa vake achiita zvemujaho wekumhanya kozoti mumwe wacho ari kuita zvemutambo wekarate.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe