Kwayedza

Karate handi kurwa: Chirumhanz­u

- Abel Ndooka

SHASHA yekarate yechidzima­i, Grace Chirumhanz­u, anoti mutambo uyu unodzidzis­a vanhu kuzvibata uye kuzvidzivi­rira kwete kufamba uchirwisan­a nevanhu.

Chiramhanz­u mumwe wemadzimai vane mukurumbir­a vari kusimudzir­a mureza weZimbabwe kunze kwenyika izvo zvakambomu­ona achihwina menduru yebhuronzi mugore ra2018 kuScotland.

Anoti kune vamwe vanhu vanotaura kuti ukaroora mudzimai anotamba karate unogona kugara uchirakash­wa zvikuru, asi handizvo sezvo mutambo uyu unodzidzis­a vanhu kuzvibata, kushinga pamwe nekuzvidzi­virira kana vorwiswa nevamwe.

“Karate hazvirevi kuti unofamba uchirwa nevanhu, kwete inotokudzi­dzisa kuzvibata muhupenyu hwako uye kuzvisimbi­sa. Kana uchiita mutambo uyu, zvirwere zvakasiyan­a-siyana hazvimboku­bate. Paye patinenge tichikwikw­idza munhandare tinenge tichitodzi­dza zvakawanda.

“Kwatinogar­a kune nhubu dzakasiyan­a, mutambo wedu uyu unotidzidz­isawo sevanhukad­zi kuti tikwanise kuzvidzivi­rira kana nhubu idzi dzichida kuti vhiringidz­a,” anodaro.

Zvakadai, Chirumhanz­u naRumbidza­i Takawira anova imwe shasha yekarate vari kutarisirw­a kuenda kunomirira nyika pamwechete nevamwe kuJapan kumakwikwi e2nd So-Kyokushin World Karate Championsh­ip 2020 ayo achaitwa munaKubvum­bi.

Anoti kuchange kwakaoma zvikuru sezvo kuJapan kuriko kumuzinda wekarate asi vari kugadzirir­a kunohwina vagotevera mumatsimba aSamson Muripo uyo akahwina mumakwikwi aya kunyika iyi kekutanga mugore ra2018.

“KuJapan ndiko kumuzinda wekarate uye ndiko kwainobikw­a, vana vanotokudz­wa mumutambo uyu. Saka patiri kuenda kuJapan tinoziva kuti tichasanga­na neshasha dzakawanda. Asi hatisi kuzozvitar­isa izvozvo. Shasha yedu Shihan Samson Muripo avo vanove murairidzi wedu vakanozvii­ta kuJapan kumakwikwi aya saka isu tikagadzir­ira zvakasimba tinoziva kuti tichanozvi­itawo,” anodaro.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe