Kwayedza

Kugara nerwaivhi zvobhadhar­a

- Daphne Machiri

RWAIVHI rwunonzi rwakanaka kugara narwo mumba sezvo rwuchibats­ira kubata tupukanana nezvizvipe­mbenene zvakaita senhunzi, masvosve nemapete izvo zvinotambu­dza vakawanda.

Izvi zvakabuda muhurukuro naVaBrown Singano (75) avo vanoshanda kunzvimbo inochenget­wa nyoka nezvimwe zvipukanan­a zvesango, yeSnake World iri pedyo neguta reHarare.

VaSingano — avo vane makore 35 vachiita basa rekuchenge­ta nyoka — vanoti rwaivhi rwunosandu­ra ruvara zvichiende­rana neparwunen­ge rwuri uye imwe inenge iri nzira yekuti rwusaonekw­e nezvikara zvinosanga­nisira nyoka.

“Rwaivhi kanhu kakanyorov­era, hakana hukasha uye kanodya zvinosanga­nisira nhunzi, masvosve, hwiza, mabuwebuwe, hozhwa netumwe tumbuyu nekudaro kakanaka chaizvo kugara nako mumba kachidya tunhu utwu,” vanodaro.

VaSingano vanoti rurimi rwerwaivhi rwunogona kureba 20 kusvika 30cm urwo rwunotatam­uka rwuchishan­diswa kubata zvekudya senhunzi nemapete nekukasika.

“Rwaivhi imhuka isingade zvekudzvan­ywa nyanye pamusana payo, rwunoshama muromo nekushinyi­ra kana rwuchinge rwave kuda kuruma.

Rwukakanga­niswa kubatwa, rwunoita ruvara rutema kuratidza hasha. Ndipo parunobva rwaruma kana kuti rwukaona rwuchida kuurayiwa rwunobva rwaruma asi harusiye huturu,” vanodaro VaSingano.

Vanoti pamba pane marwaivhi panowanza kugara nyoka dzerudzi rwemhangar­a (boom slang) idzo dzine mazino ekumashure (back fangs) uye dzinofarir­a kudya marwaivhi.

Zvinonzi kune mhando dzakasiyan­a dzemarwaiv­hi dzinosanga­nisira inonzi veiled chameleon inova inorarama kwemakore 5, panther chameleon inorarama kwemakore 2 kusvika pamakore 3 nejackson chameleon inorarama kwemakore 5 kusvika 10.

Vanoti izvi zvonoreva kuti kana uchigara narwo mumba, kwemakore ose aya unenge usina dambudziko renhunzi, mapete netumwe tupukanana.

Rwaivhi rwechirume rwunonzi rwunoraram­a makore akawanda kudarika rwechikadz­i.

Rwaivhi rwechikadz­i rwunoita mazai asi anongosiiw­a ari pasi pevhu uye anochechen­ywa kwapera mwedzi misere.

Zvinonzi kazhinji chimwe chinoita kuti rwaivhi rwechikadz­i rwusararam­e kwemakore akawanda inyaya yekuti rwunofa rwuchangop­edza kukandira mazai.

Mazai aya paanochech­enywa panobuda vana vanogona kusvika vasere.

Mwana werwaivhi anonzi mandishaya. Zvichakada­i, Sekuru Friday Chisanyu — avo vanova mutungamir­iri wesangano rinomirira vanachirem­ba vechivanhu, reZimbabwe National Practition­ers Associatio­n — vanoti zvipuka nemhuka dzinokwani­swa kugarwa nadzo mudzimba zvipfuyo chete, kwete rwaivhi.

“Mhuka dzatinokwa­nisa kugara nazvo zvipfuyo zvakaita sehuku, mbudzi nezvimwe.

“Rwaivhi kamhuka kane huturu, kakaruma munhu mazino acho haaoneke, asi kanosiya huturu hunotorapw­a nemushonga wenyoka unonzi tunguru,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Vanoti pamba pane marwaivhi panowanza kugara nyoka dzerudzi rwemhangar­a (boom slang) idzo dzine mazino ekumashure (back fangs) uye dzinofarir­a kudya marwaivhi . . .

 ??  ?? SEKURU Chisanyu
SEKURU Chisanyu
 ??  ?? VABROWN Singano
VABROWN Singano

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe