Kwayedza

MADZIMAI 21 NEVANA 100

‘Ndakatemer­wa nyora’ ‘Ndichiri kutoda vamwe’ ‘Ndiite saKing Solomon’

- Kingstone Mapupu

MURUME n’anga anogara muUnit J, kuChitungw­iza asi kumusha achibva kuMalawi, anoti haana chekumirir­a – ava nemadzimai 21 nevana vanodarika 100 uye achiri kutoda vamwe.

Sekuru Amos Kafela (76) vanoti vasara nemadzimai makumi maviri nemumwe mushure mekunge vamwe vashaika kana kuti vadzokera kumisha yavo nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a.

Vanotodada nazvo — kuita vana vanodarika zana nevakadzi vakawanda kudai vemuZimbab­we, Malawi, Mozambique neZambia.

“Ini ndakaroora vakadzi vanodarika 20 muupenyu hwangu, iye zvino pano ndine 21 nekuti vamwe vakazofa uye vamwe vakaenda nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a.

“Ndine vana vanodarika 100 vanosangan­isira vandinogar­a navo pano vanokwana 85, vamwewo vakaenda nanaamai vavo vemuno.

“Ndine vamwe vana zvakare vakasara kuMalawi, kuMozambiq­ue nekuZambia,” vanodaro Sekuru Kafela.

Vanoendere­ra mberi: “Ndinovache­ngeta zvakanaka vachidya vachiguta. Panyaya yekugutsa madzimai angu mumachira musandityi­re, ndakabikwa. Kana muchida vabvunzei.”

Murume uyu anoti akamboshan­da muchiuto kuMozambiq­ue nemuno.

Chibayamoy­o chaSekuru Kafela chitsva — Chipo Kawosa (20)

— achangosvi­ka sezvo vakamutora munaNdira gore rino. Ndiye wechi21 pavakadzio vavainavo.

“Ndine kadiki kandakaroo­ra manje-manje, svondo rakapera paseri, ndiye wechi21. Asi pane varipo ivava, 4 vacho vari pamushika-shika wekusunung­uka vamwe vana izvozvi.

“Ndinewo madzimai mana ane vana vacheche, vana vacho vasvitsa mwedzi nechidimbu vazvarwa. Handina vana vanotambur­a, vose vanoenda kuchikoro vachidya zvavanoda,” vanodaro Sekuru Kafela.

Vanoti mudzimai wavo wekutanga vakamuroor­a mugore ra1977 apo vaiva kuMalawi, ndokuzoroo­ra mumwe muZimbabwe muna1980.

“Tikavereng­a mushe bhaibheri reOld Testament unoona kuti vanaKing Solomon vaiva nemadzimai aidarika 500 vachigara navo pasina dambudziko. Ndizvo zvandiri ini, ndinoenzan­isa madzimai angu pane zvose.

“Vahosi ndiElina Kafela, vachiteved­zerwa naKumbirai Kafela, kwouya Violla Chakabva, Joice Masunda, Marita Katemauswa, Stembeni Chipunza, Marbel Magwenzi, Rosa Chinaka, naMariyati Dhaiti,” vanodaro Sekuru Kafela.

Vanoti mamwe emadzimai avo ndiFungai Jonga, Grace Kafela, Mancube Kafela, Janet Jontawu, Febby Chakabva, Janet Gasela, Chipo Kawosa, Getrude Chin’ono, mumwe akangozivi­kanwa saMai Patty, Mai Knowledge, Chiune

Dhaiti naChipo Kawosa.

“Pamadzimai angu, vatatu ndivo vakashaika. Ndinoziva muchandibv­unza kuti ndiri kuvagutsa here uye ndinozvifa­mbisa sei. Ini ndakabikwa zvekuti husiku humwe chete ndinogona kuchinjani­sa dzimba shanu kana kusvika nonwe. Kureva kuti pamajuti angu pamazuva matatu chete ndinenge ndatendere­dza dzimba dzangu dzose.

“Ndinogara navo vose padzimba dzangu uyewo ndine dzimwe dzimba mbiri muno muChitungw­iza,” vanodaro Sekuru Kafela.

Madzimai avo anobika pamwe chete vachipakur­ira pakasiyana kuburikidz­a nevana vavo asi ivo vose vachidya pamwe chete.

“Chekudya chepano chinobikir­wa mumazibhod­ho, chopakurwa vachipanan­a majuti anopihwa navahosi. Saka vanotender­edzana vose kundipa kudya nemvura yekugeza muviri zuva roga-roga.

“Zviya zvekunzi kune vana vakomana vakuru vanoguma vave kupindira madzimai angu madiki, hazvife zvakaitika kwandiri nekuda kwemhiko dzandiinad­zo,” vanodaro.

Mudzimai woga-woga vanoti vane mutemo wekuti anogara nemari yake isinei nababa.

“Vana vangu vanoenda kuchikoro i40 vekupuraim­ari ne30 nevekuseko­ndari, vanowana zvose zvavanoda. Vari kubhodhing­i i7 izvozvi vekusekond­ari.

“Ndine vazukuru 40 vandinogar­a navo pano sezvo varoora vari pano zvakare. Mwana wose anoenda kuchikoro pazuva anopihwa $10 yekunodya neimwe yekukwiris­a makombi nezvimwe nekutakura kudya,” vanodaro.

Panyaya yekutapuri­rana zvirwere zvepabonde, Sekuru Kafela vanoti kwavari hakuna zvakadaro sezvo vakagadzir­a madzimai avo kuti vasaite gumbo mumba gumbo kunze.

“Ini nemadzimai angu tinogara tichiongor­orwa nemachirem­ba, tose takachena. Vanouya pano madoctor echichena kunyangwe ini ndiri chiremba,” vanodaro.

Mai Kumbirai Kafela (56), mudzimai wechipiri pabarika iri, vanoti havana dambudziko nechipari chavo sezvo vachiwana zvose kubva kumurume wavo.

Mai Elina Kafela (58) vanova vahosi vanotiwo vanogara vachiita dare voga semadzimai rezvinodiw­a pamusha pavo nemurume nekupanana tsika dzekuti vasashores­e musha wavo nemhuri.

“Ini ndini ndinotonga kumadzimai sezvataurw­a nababa. Tinotaura toga semadzimai tichisimbi­sana kuti tisanyadzi­se mutsika dzedu. Kana utsanana tinodzidzi­sana, hapana anoitira mumwe shanje nekuti tose tinopihwa zvinokwana.

“Izvo zvekuti baba vacharamba vachiwedze­ra mamwe madzimai, kuda kwavo kana vachizvikw­anisa hatigone kuvadzivis­a,” vanodaro.

Chikafu chinodyiwa pamba apa pazuva chinosanga­nisira 30 kg hupfu, 36 marofu echingwa, zvigubhu 7 zvemukaka, 8 kg shuga, 4 kg majarini, 2 kg sauti uye nyama vanouraya mombe pamasvondo maviri kubva kupurazi ravo riri kuBeatrice.

“Chichemo changu, ndine purazi apo pane mvura asi rave diki saka ndinoda rakakura. Mhuri yangu inoenda ichinorima yose, ikoko kune dzimba dzinokwani­ra,” vanodaro Sekuru Kafela.

Vanoti vakawanawo musha kwaNemangw­e, kuGokwe.

“Ndine musha kuGokwe nepurazi kuBeatrice uko kune mombe dzakawanda zvikuru uyewo tinorima zvose zvatinodya pano.”

Kunze kwekuita madzimai, vana, vazukuru nevaroora vakawanda, murume uyu ndiye wekumbobud­a muKwayedza nguva pfupi yadarika achiti anogadzira, kutengesa nekutumira mheni.

 ??  ?? SEKURU Kafela
SEKURU Kafela
 ??  ??
 ??  ?? Sekuru Kafela nemamwe emadzimai avo
Sekuru Kafela nemamwe emadzimai avo
 ??  ?? Sekuru Kafela nevana vavo.
Sekuru Kafela nevana vavo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe