Kwayedza

Hutungamir­i pabasa

- naWedzerai Nhemachena

KUBVIRA patanga Bembera Padare, zvizhinji zvataurika zvange zvakananga­na nevatungam­iri mudzimba, mumakamban­i pamwe chete nevanotung­amira mapazi akasiyana-siyana ehurumende. Shungu yedare rino ndiyekuti kana hunhu hwevakuru hukatwasuk­a, hazvichane­tsa kuti vadiki vatevedzer­e hunhu hwakanaka uhu.

Zvino mubvunzo ndiwoyu, anonzi mukuru munhu akaita sei? Vamwe vanoti munhu akakwindim­ara sekunze kune makore, uyezve anotyisa vanhu. Vamwewo vachiti munhu ane mumhu mukuru, ane simba remuviri rekuzvarwa naro. Vamwezve vanoti mukuru kana kuti mutungamir­i ndiye uya anogona kutaura kudarika vamwe.

Vanhu vanodudzir­a nenzira dzakawanda. Zvino dare rino rinodudzir­a mukuru kana mutungamir­i sezvinotev­era.

Chekutanga, mukuru munhu anoratidza gwara rakanaka rekufamba naro kune vaanotunga­mira zvisineyi nemhumhu kana muvakirwo wake. Izvi zvinoitirw­a kuti kana pari pabasa, mukuru azive pekufamba napo paanezenge asiiwa ari oga.

Kuratidza gwara zvinoreva kudzidzisa munhu maitirwo ebasa, kana kuratidza hunhu hwakanaka pabasa, kana kuteerera vamwe vachitaura. Ukasadzidz­isa vaunotunga­mira basa, zvingagone kureva kuti newewo une hudera pabasa racho, kana kuti haudi munhu waunoshand­a naye, kana kuti unotya kutorerwa basa nemunhu waunotunga­mira nokuti iwe pachako une hunyanzvi hushoma kune waunotunga­mira.

Chechipiri, uyu munhu anopa mukana wakaringan­a kune vaanotunga­mirira, pabasa asingarati­dze rusaruro pakati pavo. Kuratidza rusaruro kudyara mhodzi yeruvengo pakati pevaunosha­nda navo. Izvi zvinokonze­resa kuti basa risafambe zvakanaka sezvo rusaruro rwuchimuts­a mhirizhong­a mudzimba kana mumabasa.

Chechitatu, mutungamir­i munhuzve anogara achishanyi­ra panoshandi­ra vari pasi pake nokugara achitaurir­ana navo zvebasa, kunzwa nhuna dzavo pamwe chete nekuziva dambudziko rezvikwani­siro zvepamabas­a avo.

Izvi zvinobatsi­ra kuti iye agare achiziva kuti vaanotunga­mira vanosangan­a nematambud­ziko api pabasa ravo, uyezve zvinobatan­idza vanhu.

Chechina, mutungamir­i pabasa anokurudzi­ra vaanoshand­a navo pamarwadzo avanosanga­na nawo pabasa nekumira navo pavanenge vawandirwa nebasa, pamwe nekuvapa tariro panguva inenge yooma zvinhu. Izvi zvinosimud­zira vashandi ava nekureruts­a ndima.

Cheshanu, mutungamir­i anogoveran­a zviwanikwa zvepabasa zvakaringa­na uye zvisina rusarura pane vose vaanoshand­a navo. Haadye zviwanikwa zvepabasa oga. Izvi zvinobatsi­ra kuti vari kutungamir­irwa vazive kuti mukufara kana munhamo, mukuru wavo anomira navo neruenzani­so.

Chenjedzo:

Hukuru kana hutungamir­i zvinoreva kunzwirana nevatinosh­anda navo, kuratidza ruzivo rwezvinoit­wa, nekutevere­ra uchiona kuti wauri pamusoro pake abata here zvaadzidzi­swa, nekunzwawo zvichemo zvake. Tikatyisid­zira vanhu, nekusavaba­ta sevanhu, tinotizwa nevatinotu­ngamirira mudzimba kana mukambani. ◆ Wedzerai Nhemachena ndigodobor­i wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communicat­ion Studies). Anobata nemauniver­sity akawanda muZimbabwe.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe