Kwayedza

‘Idya tsvina yako upore’

- Kingstone Mapupu

MURUME anogara mubhuku raDyora, kwaMambo Nyajina, kuUzumba, anoti hurwere hwake hwekupunzi­ka kuburikidz­a nedenda retsviyo kana kuti pfari hwakakonze­ra kuti adyiswe tsvina yake nezvimwe zvinhu zvisingait­e nen’anga nemaporofi­ta achinzi ndiko kumurapa asi hapana chakabatsi­ra.

VaCephas Shupika Matanhire (73) vanoti vakatanga kutambudzw­a netsviyo mugore ra1977 apo vaiva mukuru weimwe kambani yaiva muguta reSalisbur­y (yava Harare).

“Ndaishandi­ra Super Visor Capital Bag apo ndaiva supervisor. Rimwe zuva ndakangoti ndichangob­uda pabasa, ndakaita dzungu ndokupunzi­ka ndokuzoben­genuka vanhu vakandiung­anira ndichidirw­a mvura. Kubva ipapo dambudziko retsviyo rakabva ratanga,” vanodaro.

Vanoti vakaenda kuzvipatar­a asi denda iri rakaramba kupera zvakasvika pakuvaburi­tsisa basa mugore ra1992.

“Ndakatanga zvino kuchifamba ndoga, dzimwe nguva nehama dzangu, tichiedza zvose. Hama dzakazotan­ga kundisudur­uka, mudzimai wangu wekutanga akandiramb­a.

“Mukufamba umu, ndakadyisw­a zvakawanda kusanganis­ira tsvina yangu chaiyo ndichinzi ndiko kuti ndipone ini ndikadya,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Kana watambura unoita zvose-zvose. Ndakadya tsvina yangu ndanzi ndiite izvi nen’anga yandakanga ndanoona kuChiweshe. N’anga iyi yakaisanga­nisa nemishonga, ikapika kuti ndizvo zvinondipo­nesa saka ini ndakaikamb­ura nekuda kupona.”

VaMatanhir­e vanoti n’anga iyi yakavapa mwedzi miviri ichiti dambudziko ravo rinenge rapera asi hapana chakasandu­ka zvisinei kuti vakabhadha­riswa mombe semuripo nemari pamusoro.

“Unodyiswa zvose-zvose kana warwara. Kumwe ndainodyis­wa magakanje mambishi, ndichiteng­eswa nyama yakawanda yehuku nemazai apo ini ndainzi ndidye zvishoma zvizhinji zvosara n’anga kana maporofita. Mari nezvipfuyo zvakapera ndichiedza kurapwa,” vanodaro.

Murume uyu anoti akaroora madzimai mashanu vachimutiz­a nekuda kwedambudz­iko iri uye akazogara newechitan­hatu uyo waakasanga­na naye achirapwaw­o neimwe n’anga yekuChipin­ge.

“Izvozvi ndine mudzimai wechi6 anonzi Idah Mungana (70) uyo akazvipira zvake kugara nemunhu ainzi nevamwe ave kufa, ndinomuten­da,” vanodaro.

VaMatanhir­e vanoti vakazoramb­a vachitsvag­a anovabatsi­ra kusvikira vazorapwa mugore ra2003.

“Ndakazorap­wa ndikaita zvakanaka mugore ra2003, saka handichapu­nzika,” vanodaro.

Vanoyambir­a vamwe vanhu kuti vakange vawirwa nedambudzi­ko rakaita seravaiva naro, vasabvume kudyiswa zvose-zvose sezvavakai­twa.

N’anga nemaporofi­ta vari kuita zvinorova. Nguva pfupi yadarika Kwayedza yakaburits­a nyaya yevanhukad­zi vechikuru vaviri vekuBuhera avo vakafa mukati memazuva maviri akatevedza­na mushure mekunge vabaiwa majekiseni 32 – mumwe 17 mumwe 15 – nemumwe murume anozviti muporofita apo vakaenda kwaari vachitsvag­a kubatsirwa.

Izvi zvakaitika kwangopera svondo rimwe chete vamwewo amai nemwanasik­ana wavo vekuBulawa­yo vafa mushure mekunge vanwa muteuro weraki wavakapihw­a nemuporofi­ta weko.

VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano reZinatha, vanoti machiremba echivanhu anodyisa vanhu zvakaita setsvina ngavasungi­swe.

“Hatibvumid­ze zvakadaro, n’anga nemaporofi­ta vanodaro tinoti kuvarwere kurumidzai kumhan’ara vanhu ivava vasungwe. Uku kuwedzera chirwere kumunhu pane kumurapa,” vanodaro VaKandiyer­o.

Mashoko avo anotsinhir­wa naSekuru Friday Chisanyu vanove mukuru wesangano reZimbabwe National Practition­ers Associatio­n vachiti n’anga kana muporofita anoita izvi vari kupara mhosva.

“Ngatiende kun’anga kana maporofita akanyoresw­a nemasangan­o anozivikan­wa. Mukaona mave kuda kuitiswa zvinhu zvisizvo zivisai mapurisa vanhu ava vasungwe,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Kuchiti Sekuru Bonface Katerere vanoti kune machiremba vanotsaudz­ira mubasa ravo.

“Chokwadi here kuti munhu idya tsvina yako kuti upore? Hutsinye uhwu, machiremba ngatirapei nenzira kwadzo,” vanodaro.

 ??  ?? VAMATANHIR­E
VAMATANHIR­E

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe