Kwayedza

HIV/AIDS: Ziva chaipo paumire

- MAONERO EDU

SVONDO rapera takaburits­a nyaya iri pamusoro pahwindi mukuru wemuguta reHarare, uyo anoti vamwe vake vaanoshand­a navo mubasa iri vari kupera neHIV neAIDS nekuda kwekutadza kuzvibata mukurarama kwavo.

Sekutaura kwaSolomon Mandela — uyo anozivikan­wa nezita rekuti Mukoma Solo — anoti mahwindi vanhu vanogara vakabata mari yakawanda, asi vazhinji vavo havagone kuzvibata panyaya dzemafaro zvekuti vanopedzis­ira vapinda munataisir­eva.

Solo anoti mahwindi anozivikan­wa zvakare nekutora zvinodhaka uye havana hanya neupenyu hwavo. Kana munhu akatora zvinodhaka semusombon­diya — uyo unonzi unonwiwa zvakanyany­a nemamwe mahwindi — anenge achikangan­isa utano hwake.

Kazhinji kana munhu adhakwa, ndipo paanoisa utano hwake panjodzi zvekuti anogona kungoita bonde nevanoteng­esa miviri yavo pasina dziviriro nekuti mafungiro ake anenge asiyana neapo paanenge asina kudhakwa. Mukurarama, vanhu vashoma vanokwanis­a kubuda pachena sezviri kuitwa naSolo pamusoro penhaurwa yeHIV neAIDS.

Nyaya dzerudzi urwu hadzitaurw­e pachena nekuda kwekuti vanhu vanenge vachitya rusarura. Asi kubuda pachena kuri kuitwa naSolo pamusoro pevamwe vake kwakakosha zvikuru nekuti kunopa mukana kumasangan­o anorwisa kupararira kweHIV neAIDS kuti vakwanise kuve nezvirongw­a zvavanoita neboka remahwindi.

Kune vamwe vanogona kufunga kuti dzimwe nguva Solo ave“kufarisa” asi kwete, ndizvo zvinotodiw­a. Chikwadi ngachitaur­we sezvachiri.

Vakuru vanoti mwana asingachem­e anofira mumbereko nekudaro gwara ratorwa naSolo rakanaka nekuti rinoita kuti vamwe vake vakwanise kubatsirik­a nguva ichiripo.

Hongu, kune mamwe mahwindi anogona kunge asina kufarira zvakataurw­a naSolo asi mbudzi kuzvarira pane vanhu kuti itandirwe imbwa. Mahwindi ari panyatwa yekutapuri­rwa nekuda kwekuti vanoshanda HIV nevanhu vakawanda zuva nezuva izvo zvinoita kuti vaya vasingazvi­bate vapedzisir­e voita meso-meso.

Semaonero edu, zvakakosha kuti kune avo vasingagon­e kuzvibata vashandise dziviriro semakondom­u pakuita bonde.

Upenyu hunokosha nekudaro hunofanirw­a kuchengete­dzwa kwete kuitwa hwedambe naho.

Masangano anorwisa kupararira kweHIV anogara achikurudz­irwa veruzhinji kuti vazive pavamire kuburikidz­a nekuvhenek­wa utachiona hweHIV. Kune vamwe vachiri kutya kuvhenekwa utachiona uhu nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a.

Asi, zvakakosha kuti munhu avhenekwe nguva ichiripo uye kana aonekwa aine utachiona kweHIV obva apinda pachirongw­a chekunwa mapiritsi ayo anorebesa kurarama kwake. Zviri nyore kuti munhu atange kunwa mapiritsi utachiona hweHIV husati hwadingind­ira mumuviri.

Kune avo vanotya kuenda kunovhenek­wa kuzvipatar­a, kumakirini­ki HIV kana kune mamwe masangano vanogona kutenga midziyo yekuzvivhe­neka voga. Chinonetsa ndechekuti kune vakawanda vasingade kubuda pachena panyaya yeHIV neAIDS.

Kunyangwe parufu chaipo, vanhu vachinyats­oziva kuti munhu afa nekuda kweHIV neAIDS, havazvitau­re asi kuti vanogona kuti akaroyiwa, votanga kupumhana huroyi pachavo.

Kwete, yakwana kunguva yekuti vanhu vabude pachena panhaurwa iyi sezviri kuitwa naSolo nechinangw­a chekuti veruzhinji vadzidze.

Zvakakosha kuti mumwe nemumwe azive paamire nguva ichiripo.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe