Kwayedza

Tiudzei 0714 200 007

-

PAKAIPA, small-house yokutora murume weshamwari vanaamai vacho ngavatsvag­e vanasahwir­a weshamwari yaakatorer­a murume vomunyemge­tedza, zvinoita. – Elford Chayambuka, Kaanika, Rushinga.

* * * Kwayedza makanyanya, rambai makadaro. Muri nyanzvi yedu pakutipa nyaya dzinozipa. – Newman20, Norton, Marshlands, 0777 136 355.

* * * Panyaya yeupfu, tayaura sekuno kwaMutoko upfu hunouya makoronyer­a otora hwese hwotengesw­a pasi pemuti 10kg $150. Hurumende ngaitibats­ire. – AG, Mutoko.

* * * Mapurisa itai basa sebasa, musanete sungai vemabemba vese. Tava kutya kufamba tichinoona hama dzedu dziri kuBindura. – Jackson Chawana, Domboshawa.

* * *

Ko mai vaye vekuenda kuchikoro vachiri kuenda here? Kana vachiri kuenda vava muFomu 6. – 0773 872 537.

* * * Munyaradzi Gunduza tinomutend­a nekupakura Shona yakanaka. – Chomunorwa Mukayana.

* * * Makadii veKwayedza? Ini ndinonzi Tino, ndiri kutsvagawo mukadzi anonzi Rumbidzai Sithole aigara kuChegutu. Vanoziva nezvake ngavandiba­te pa0777 124 856.

* * * Cartoon yeweek rino yakanyanya. Kwayedza kwakuseri. – Josphat Mabika, Chi-town.

* * *

Mai vekubuda majuru vakanyanya. – Primrose Tavarasa, Zvishavane.

* * * Ndokukwazi­sai veKwayedza. Chokwadi nemanakiro akaita musikana uyu wakatadza kuwanikwa? Varume vanotsvaka vokuroora ihobho, ndiSatan here choita

kudaro? – Ratibu, Vugwi, Zvishavane.

* * * Kwayedza makapenga. “Moms” vekurumwa nemajuru avo vakanyanya. Murambe muchitiudz­awo kuti vakazoaisa kupi majuru iwawo. – 0774 603 218, Queensdale.

***

Bt bra Solo vakanyanya, dzidziso kumapenzi anofamba akarembedz­a mabhurugwa. Makapenga dai muchiita vekurova chaiko! – Baba Tee.

* * *

Ndiri kutsvakawo mwana wehanzvadz­i yangu Patronella mwana waRichard, mai vake vaibva kuOdzi kuZvipirip­iri. Kana pane anomuziva ngaandibat­e pa0777 665 158.

* * * Pachirongw­a cheZiva maimbosaru­dza muchihwinh­isa ko zvakazoper­a sei? Hwinhisayi vanhu! – Norman Makopa, Zvishavane, 0717 219 965.

* * * Ndotsvagaw­o baba wangu wanonzi Stewart Zimunya, wakandisiy­a 1996 kumapurazi ndichiri mudiki. Wanomuziwa kana hama dzacho ngawandiba­te pa0787 772 139.

* * *

Aaa Kwayedza ndimi mune chimuti, murambe makadaro. Musikana uyo akubuda majuru apinda ma1 wena, ahazvipamh­i apfidza. – Eeee, Chi-town.

* * * Handichada varume vevanhu . . . Atambura Lewis asi chivi chinodya mwene wacho. Oraradza nemari yemendenen­zi ndiko kushaya hunhu ka. Akaroverwa rendi yeEcoCash, aaah atombobhad­hara hake. Vamwe havabhadha­ri. – Tinago, Bulawayo. * * * “Tapera neAIDS”, mahwindi shuwa ngavaite serious, vakasadaro chimoto. Vakaramban­iswa netsono pari trick but ivo vari 2 vanozivana game ravo, pane umwe tsotsi ipapo. – 0712 304 459.

* * * Kwayedza sando kwamuri kuti bvuuu, ndimi mune chimuti. Wekubuda majuru uyu mazvokuda mavanga enyora. – Miriem Shambi, Southlea Park, Harare, 0787 378 020.

* * * Ngatisaome­serana kubhadhari­sana mari yekunze (US$). – Nyashadzam­wari Kawere, Mutoko.

* * *

Uyo wekubuda majuru nyaya yake yakanaka. Anotoziwa hake zvakamudar­o? Mazvokuda mawanga enyora. – Nyadzamwar­i Kawere, Mutoko.

* * * Mukoma Mabasa chokwadi ngatishany­ei zvakaronge­ka. – 0771 452 861.

* * * Mukadzi ari kurumwa nemajuru uyo, haa mazvokuda mavanga enyora. Ngaazive kuti varume vevamwe havabatwi. Ngaanokumb­ira ruregerero kumuridzi wemurume obva asiyana nemurume wacho. Akasadaro anofa akasiya vana vake vachitambu­ra. – VaPfachapf­acha Claudia, Karoi.

* * *

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe