Tiudzei 0714 200 007
PAKAIPA, small-house yokutora murume weshamwari vanaamai vacho ngavatsvage vanasahwira weshamwari yaakatorera murume vomunyemgetedza, zvinoita. – Elford Chayambuka, Kaanika, Rushinga.
* * * Kwayedza makanyanya, rambai makadaro. Muri nyanzvi yedu pakutipa nyaya dzinozipa. – Newman20, Norton, Marshlands, 0777 136 355.
* * * Panyaya yeupfu, tayaura sekuno kwaMutoko upfu hunouya makoronyera otora hwese hwotengeswa pasi pemuti 10kg $150. Hurumende ngaitibatsire. – AG, Mutoko.
* * * Mapurisa itai basa sebasa, musanete sungai vemabemba vese. Tava kutya kufamba tichinoona hama dzedu dziri kuBindura. – Jackson Chawana, Domboshawa.
* * *
Ko mai vaye vekuenda kuchikoro vachiri kuenda here? Kana vachiri kuenda vava muFomu 6. – 0773 872 537.
* * * Munyaradzi Gunduza tinomutenda nekupakura Shona yakanaka. – Chomunorwa Mukayana.
* * * Makadii veKwayedza? Ini ndinonzi Tino, ndiri kutsvagawo mukadzi anonzi Rumbidzai Sithole aigara kuChegutu. Vanoziva nezvake ngavandibate pa0777 124 856.
* * * Cartoon yeweek rino yakanyanya. Kwayedza kwakuseri. – Josphat Mabika, Chi-town.
* * *
Mai vekubuda majuru vakanyanya. – Primrose Tavarasa, Zvishavane.
* * * Ndokukwazisai veKwayedza. Chokwadi nemanakiro akaita musikana uyu wakatadza kuwanikwa? Varume vanotsvaka vokuroora ihobho, ndiSatan here choita
kudaro? – Ratibu, Vugwi, Zvishavane.
* * * Kwayedza makapenga. “Moms” vekurumwa nemajuru avo vakanyanya. Murambe muchitiudzawo kuti vakazoaisa kupi majuru iwawo. – 0774 603 218, Queensdale.
***
Bt bra Solo vakanyanya, dzidziso kumapenzi anofamba akarembedza mabhurugwa. Makapenga dai muchiita vekurova chaiko! – Baba Tee.
* * *
Ndiri kutsvakawo mwana wehanzvadzi yangu Patronella mwana waRichard, mai vake vaibva kuOdzi kuZvipiripiri. Kana pane anomuziva ngaandibate pa0777 665 158.
* * * Pachirongwa cheZiva maimbosarudza muchihwinhisa ko zvakazopera sei? Hwinhisayi vanhu! – Norman Makopa, Zvishavane, 0717 219 965.
* * * Ndotsvagawo baba wangu wanonzi Stewart Zimunya, wakandisiya 1996 kumapurazi ndichiri mudiki. Wanomuziwa kana hama dzacho ngawandibate pa0787 772 139.
* * *
Aaa Kwayedza ndimi mune chimuti, murambe makadaro. Musikana uyo akubuda majuru apinda ma1 wena, ahazvipamhi apfidza. – Eeee, Chi-town.
* * * Handichada varume vevanhu . . . Atambura Lewis asi chivi chinodya mwene wacho. Oraradza nemari yemendenenzi ndiko kushaya hunhu ka. Akaroverwa rendi yeEcoCash, aaah atombobhadhara hake. Vamwe havabhadhari. – Tinago, Bulawayo. * * * “Tapera neAIDS”, mahwindi shuwa ngavaite serious, vakasadaro chimoto. Vakarambaniswa netsono pari trick but ivo vari 2 vanozivana game ravo, pane umwe tsotsi ipapo. – 0712 304 459.
* * * Kwayedza sando kwamuri kuti bvuuu, ndimi mune chimuti. Wekubuda majuru uyu mazvokuda mavanga enyora. – Miriem Shambi, Southlea Park, Harare, 0787 378 020.
* * * Ngatisaomeserana kubhadharisana mari yekunze (US$). – Nyashadzamwari Kawere, Mutoko.
* * *
Uyo wekubuda majuru nyaya yake yakanaka. Anotoziwa hake zvakamudaro? Mazvokuda mawanga enyora. – Nyadzamwari Kawere, Mutoko.
* * * Mukoma Mabasa chokwadi ngatishanyei zvakarongeka. – 0771 452 861.
* * * Mukadzi ari kurumwa nemajuru uyo, haa mazvokuda mavanga enyora. Ngaazive kuti varume vevamwe havabatwi. Ngaanokumbira ruregerero kumuridzi wemurume obva asiyana nemurume wacho. Akasadaro anofa akasiya vana vake vachitambura. – VaPfachapfacha Claudia, Karoi.
* * *