Kwayedza

Hochekoche yeHIV nema‘salon’

Zvigero, kiroshi netsono hazvisi kushambidz­wa

- Nyaya dzose naDaphne Machiri

VANOITA basa rekugadzir­a nekugera vhudzi mumisoro yevanhu zvose nekushonge­dza nzara vanonzi vari kubatsira pakutapuri­ra zvirwere sezvo vasina michina kana mishonga muma”salon” avo yekuuraya utachiona kana kushambidz­a zvigero, makiroshi, tsono nezvimwe zvavanosev­enzesa (sterilisat­ion).

Vemasalon vanonzi vari kushandise zvinhu zvisirizvo separafini pakushambi­dza zvigero netsono zvichiisa utano hweveruzhi­nji panyatwa.

Nyanzvi dzeutano dzinoti kana munhu akasatapur­irwa utachiona hwakaita seHIV, pane mukana wekuti munhu agerwa nechigero chinenge chamboiswa muparafini azoita gomarara kana kubatwa nezvirwere zvakaita seHepatiti­s B pakati pezvimwe.

Masalon mazhinji emuHarare nemune dzimwe nzvimbo – mamwe acho akashanyir­wa neKwayedza muongororo ino – anonzi haachateve­dza mitemo yekugeza (sterilise) zvavanosha­ndisa izvo zvave kuisa utano hweruzhinj­i panjodzi.

Kana ivo vashandi vari kuita basa iri vave kungoseven­za vasinawo kupfeka magirovhos­i ebasa sezvinofan­irwa kunge zvichiitwa.

Panogerwa munhu musoro, kugadzirwa vhudzi kana nzara pane mukana wekuti vamwe vanobuda ropa iro rinokwanis­a kusarira pachigero, tsono kana kiroshi dzinoseven­zeswa.

Ongororo yeKwayedza inoratidza kuti vanoita basa rekugera nekuruka vhudzi mumisoro yevanhu havana mishonga kana michina chaiyo inoita basa rekuchenes­a midziyo yakaita sezvigero nemakirosh­i iyo yavanoseve­nzesa zvichipa mikana mikuru yekuti vaparadzir­e zvirwere.

Kana ivo vanoita basa iri vacho, havana mishonga kwayo yekushambi­dza mawoko avo kana mbatya dzakaita semagirovh­osi dzavanofan­irwa kupfeka.

Vazhinji vacho vanongoti vachibva kugera kana kuruka mumwe munhu musoro, votoenda pane mumwe – tsono, kiroshi kana chigero chisina kutanga chambogezw­a kubvisa utachiona hungava hwaiswa pachiri nemunhu abva mukugadzir­wa.

Izvi zvinoita kuti kutapurirw­a kwezvirwer­e kuve nyore – kunyanya kana mumusoro muine maronda, mhezi kana makwene.

Vamwe vanogerwa vanokwanis­a kunge vaine maronda kana makwene mumisoro yavo, izvo zvinoita kuti kana vakashandi­sirwa zvigero zvisina kutanga zvagezwa nemishonga yakakodzer­a, vanotapuri­rwa kana kutapurira vamwe zvirwere neutachion­a.

Utachiona hwakaita seHIV hunotapuri­ranwa nenzira dzinosanga­nisira kuita bonde risina dziviriro, kuchekwa kana kubaiwa nechinhu chinenge chiine utachiona sechigero, tsono kana makiroshi – izvo zvinowanzo­shandiswa pakugadzir­a misoro mumasalon.

Kwayedza yakazama kutaura neNational Aids Council (NAC) kuti vape mafungiro avo pamusoro penyaya ino asi kusvika pakudhindw­a kwepanhau rino, vainge vasati vapindura mibvunzo yatakavatu­mira.

Nzvimbo dzinogadzi­rwa vanhu misoro dzangonyuk­a mumaguta nekumamish­a zvekuti hazvishami­se kuti zhinji dzacho hadzisi kutevedza gwara rehutsanan­a pakuita basa.

Vamwe vanhuwo vanongofam­ba mudzimba vachitsvag­a vanoda kurukwa misoro nemari dzakaderer­a zvisinei nekuti vanogadzir­wa misoro yacho havatange vakoshesa utano hwavo vasati vasarudza kubhadhara mari shoma.

Ivava vanogonawo kunge vachiseven­zesa makiroshi, tsono kana zvigero zvine utachiona. Kana nzara dzavo chaidzo dzinonzi dzinokwani­sa kukonzeres­a.

Mumasalon mazhinji akaendwa neKwayedza, vanoita basa iri vakaonekwa vachingosh­andisa zvigero zvimwe chetezvo kuvanhu vakasiyana uye zvisina kutanga zvagezwa nemishonga. Kana nemvura zvayo!

“Sistren, yamuri kutaura iyo imwewo nyaya. Tinoiwanep­i mari yekutenga mishonga kana michina yekugezesa zvigero iyo nyika yakaomerwa kudai? Kana tazvigona tinongopuk­uta chigero nejira kana netauru tichibvisa vhudzi remunhu watinenge tagera,

 ??  ?? SAMUEL Mazano achigera munhu
SAMUEL Mazano achigera munhu
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ?? MAKWENE anotapurir­anwa
MAKWENE anotapurir­anwa
 ??  ?? TAVAZIVA Zinto
TAVAZIVA Zinto
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe