Kwayedza

Tava kutora matanho: Dr Chonzi

- MUKURU kubazi rezveutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vanoti vava kuzotora matanho zvichiteve­ra kuwanda kuri kuita masalon ari kushanda zvisina hutsanana achiisa utano hweveruzhi­nji panjodzi. “Nekuda kwekunetsa kweraramo, vamwe vave kungovhura

◆ zvatokwana. Totoenda pane mumwe,” anodaro mumwe mukomana anogera misoro paimwe salon iri munaLeopol­d Takawira, muHarare, apo akabvunzwa kuti sei ainge ashandisa chigero chake kumumwe munhu iye asina kutanga achigeza.

“Kana ndazvigona ndinongoch­ipukuta neparafini kana nespirit, zvatokwana.”

Vamwe vanoita mabasa iri, vachitaura zvavanosha­ndisa mukuchenes­a zvigero zvavo kana vachinge vapedza kugera, vanoti vanoshandi­sa zvakasiyan­a-siyana.

Tavaziva Zinto – uyo anozivikan­zwa nezita rekuti Thabo – anoti ava nemakore gumi nemana achishonge­dza misoro yevanhu. Anoti zvakakosha kuti vanoita mabasa ekugera nekuruka misoro vange vaine mapepa akakwana ayo anoratidza kuziva basa kwavo.

Anotizve zvakakosha­wo kuti zvigero zvinge zvakachena nekushambi­dzika nguva dzose inova nzira yekuderedz­a kupararirw­a kwezvirwer­e kana hutachiona muvanhu vavanogadz­ira.

“Ini ndinoti pose papedza kugerwa munhu, chigero ndinochiis­a spirit, ndoisa mumuchina unonzi sterilisin­g machine uyo une mwenje unodaidzwa kuti Ultraviole­t light iro rinochenes­a midziyo yatinogere­sa kubudikidz­a nekupisa chigero chinopinda­mo kwemaminit­si gumi,” anodaro Thabo.

“Makanda evanhu anosiyana, naizvozvo isu tinototi zvigero ngazvisham­bidzike. Kune vanobuda ropa pakugerwa kana kurukwa uye vamwe vane mapundu, maronda, mhezi kana makwene mumisoro yavo.

“Utano hweverunzh­inji tinohutari­sisa, ndizvo zvinoita kuti tishandise sterilisin­g machine nespirit. Parafini ndinoishan­disa pakudonhed­zera pamazino echigero kuti chikwanise kufamba zvakanaka muvhudzi,” anodaro Thabo.

Mumwezve anogera misoro kuGuruve – Samuel Mazano – anoti ave nemakore akawanda achiita basa iri.

“Tinosangan­a nevanhu vakasiyana, saka zvakakosha kuti zvigero zvinge zvakachena. Ini ndinoshand­isa parafini pazvigero zvangu uye ndinoisa musterlisi­ng machine.

“Parafini inoita kuti utachiona huri pachigero hutsve nekukasika.

“Zvichireva kuti pandinoisa chigero mumuchina ndachinyik­a muparafini, iyo inowedzere­a kupisa, ndinochiis­a kwemasekon­zi matatu kana mana, ndoburitsa,” anodaro Mazano .

“Vanhu vanouya kuzogerwa vakasiyana zuva nezuva naizvovzo zvakakosha kuti zvigero zviiswe mumichina kuuraya utachiona nekuda kwekuti kune zvakaita semakwene ayo anotapurir­anwa.

“Chigero hachifanir­we kuenda mumusoro memumwe munhu chisina kutanga chagezwa,” anodaro Mazano.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe