Tava kutora matanho: Dr Chonzi
◆ zvatokwana. Totoenda pane mumwe,” anodaro mumwe mukomana anogera misoro paimwe salon iri munaLeopold Takawira, muHarare, apo akabvunzwa kuti sei ainge ashandisa chigero chake kumumwe munhu iye asina kutanga achigeza.
“Kana ndazvigona ndinongochipukuta neparafini kana nespirit, zvatokwana.”
Vamwe vanoita mabasa iri, vachitaura zvavanoshandisa mukuchenesa zvigero zvavo kana vachinge vapedza kugera, vanoti vanoshandisa zvakasiyana-siyana.
Tavaziva Zinto – uyo anozivikanzwa nezita rekuti Thabo – anoti ava nemakore gumi nemana achishongedza misoro yevanhu. Anoti zvakakosha kuti vanoita mabasa ekugera nekuruka misoro vange vaine mapepa akakwana ayo anoratidza kuziva basa kwavo.
Anotizve zvakakoshawo kuti zvigero zvinge zvakachena nekushambidzika nguva dzose inova nzira yekuderedza kupararirwa kwezvirwere kana hutachiona muvanhu vavanogadzira.
“Ini ndinoti pose papedza kugerwa munhu, chigero ndinochiisa spirit, ndoisa mumuchina unonzi sterilising machine uyo une mwenje unodaidzwa kuti Ultraviolet light iro rinochenesa midziyo yatinogeresa kubudikidza nekupisa chigero chinopindamo kwemaminitsi gumi,” anodaro Thabo.
“Makanda evanhu anosiyana, naizvozvo isu tinototi zvigero ngazvishambidzike. Kune vanobuda ropa pakugerwa kana kurukwa uye vamwe vane mapundu, maronda, mhezi kana makwene mumisoro yavo.
“Utano hweverunzhinji tinohutarisisa, ndizvo zvinoita kuti tishandise sterilising machine nespirit. Parafini ndinoishandisa pakudonhedzera pamazino echigero kuti chikwanise kufamba zvakanaka muvhudzi,” anodaro Thabo.
Mumwezve anogera misoro kuGuruve – Samuel Mazano – anoti ave nemakore akawanda achiita basa iri.
“Tinosangana nevanhu vakasiyana, saka zvakakosha kuti zvigero zvinge zvakachena. Ini ndinoshandisa parafini pazvigero zvangu uye ndinoisa musterlising machine.
“Parafini inoita kuti utachiona huri pachigero hutsve nekukasika.
“Zvichireva kuti pandinoisa chigero mumuchina ndachinyika muparafini, iyo inowedzerea kupisa, ndinochiisa kwemasekonzi matatu kana mana, ndoburitsa,” anodaro Mazano .
“Vanhu vanouya kuzogerwa vakasiyana zuva nezuva naizvovzo zvakakosha kuti zvigero zviiswe mumichina kuuraya utachiona nekuda kwekuti kune zvakaita semakwene ayo anotapuriranwa.
“Chigero hachifanirwe kuenda mumusoro memumwe munhu chisina kutanga chagezwa,” anodaro Mazano.