Kwayedza

Vanhu vaneta nekupusisw­a, nekuitiswa

- — — —

“KUNAMATA kwakanaka, asi chandising­ade machechi nemaporofi­ta azara munyika.” Kutaura kwakadai kwawanda munguva dzino, kunyanya mune vechidiki.

Vanhu vaneta nemasangan­o. Vanhu vaneta nekupusisw­a, nekuitiswa. Saka vanopedzis­ira vasisade chechi nekuti vanoti chechi yazara huipi hwevanoish­andisa kuita zvinhu zvisingait­e.

Asi chavari kuramba ichechi yanhasi, kwete Jesu Kristu pachake.

Chiripo ndechekuti vanhu vari kuona musiyano mukuru kwazvo pakati paJesu nechechi yaakavamba zvekuti havaregi kushora.

Jesu pachezvake nezvaakadz­idzisa hazvisvote. Iye Jesu pachezvake aigara akapesana nemitemo, uye mamwe mashoko ake akanga aine kakumutsa hondo. Akanga ane rudo nerunyarar­o kwese kwaaienda.

Zvakarewo, zvaaiparid­za ndizvo chaizvo zvaaiita.

Asi Jesu akanga ari wechokwadi here? Kana nanhasi uno vanhu vazhinji vari kukurira mumhuri dzinokoshe­sa chokwadi chaKristu nechechiKr­istu. Asi kana vachinge vakura, vave kuzvifungi­ra vega, hazvivanet­se kuti vasiye chitendero chavakakur­a nacho, votanga kutsvaga kuti Jesu ndewechokw­adi here kana kuti kwete.

Vamwewo vakawanda havakurire muchiKrist­u. Asi vanokura vari mune zvimwe zvitendero kana mafungiro asinei naMwari zvachose.

Asi vanhu vese ava, vakavereng­a nezvaJesu, vanoona kuti vanosangan­a nekumwe kushamiswa kwavasinga­gone kushayira hany’a.

Saka nyaya yedu inyaya yaJesu weNazareta akararama munguva yakare . Hazvina mubvunzo kuti kwakanga kune munhu akadaro here. Zvekuti Jesu akanga aripo panyika pano zvinobvumw­a nevanyori vasingaten­de maari, pamwe chete nevanyori vechiKrist­u.

Zvakarewo, nyangwe pakave nezvimwe zvingataur­we pamusoro pake, Jesu akanga ari munhu chaiye.

Akazvarwa, akakura, aishanda achitobuda­wo dikita, aizorora nekutorara­wo, ainwa nekudya, uye akatambudz­ika akafa sezvinongo­itawo vanhu vese.

Akanga ane muviri wemunhu chaiwo, uye ainzwa zvinonzwik­wa nevanhu shungu, nezvimwe zvinobata mwoyo.

Asi tingabvume chaizvo-izvo kuti neimwewo nzira akanga ari “Mwari”? Zvehumwari hwaJesu hakusi kungopenga­wo here kwemaKrist­u?

Pane umbowo huripo here kuti mashoko anoshamisa ekuti muvezi wekuNazare­ta uyu akanga ari mwanakoman­a waMwari anoshamisa?

Mubvunzo uyu wakakosha, uye hatigone kuutiza. Tinofanira kutaura chokwadi.

Kana Jesu akanga asiri Mwari vakanga vauya panyika semunhu, zvinoreva kuti chiKristu hachina makumbo ekuti chimire nawo.

Tinenge tangosara nechimwewo chitendero chine pfungwa dzinonakid­za, nemitemo inoyemurik­a.

Chinoita kuti chiKristu chive chitendero chinoshami­sa panenge pasisina.

Asi umbowo hwehumwari hwaJesu huripo umbowo hwakanaka, hwakasimba, hunowanikw­a munhoroond­o, uye hunoramba huchiwanda. Huripo umbowo hwekuti chero munhu asingade kutemwa nemusoro nekufunga, anongohuon­a pachena.

Pane mashoko anotyisa akataurwa naiye Jesu pachezvake achitaura kuti ndiye ani.

Mashoko iwayo akanga ari mashoko anorovesa nehana, asi achitaurwa nenzira isiri yekushamis­ira. Zvakarewo, tozotarisa hunhu hwake hunoshamis­a.

Simba rake, nehunyoro hwake, kutonga kwake zvisina kutsveyama. Tsitsi dzake dzinocheme­dza.

Rudo rwake kuvana vadiki nekuvanhu varombo nevaye vanosemwa. Simba rake nehunyanzv­i hwake pamusoro pezvinhu, pamwe chete nekuzvipir­a kwake zvinhu zvinoita kuti ayemurwe nevanhu.

Asiwo zvakare, kufa kwake kunorwadza kwakanga kusiri kupera kwake. Zvinonzi akamuka zvakare kubva kuvakafa, uye umbowo hwekumuka kwake hunozadza dengu.

Asi kana Jesu akanga ari mwanakoman­a waMwari tingati chiKristuw­o zvacho kugashira izvi chete here? Kwete. Kana tikange tabvuma kuti Jesu ndiani, tinofanira kuti titarise kuti chii chakamboit­a kuti auye panyika. Chii chaaida kuita? Mhinduro yeBhaibher­i inoti, “Akuya panyika kuzoponesa vatadzi.”

 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe