Kwayedza

Potorwa matanho ekupedza kufoira

- Daphne Machiri Cletus Mushanawan­i

ZVIKORO 36 zvepuraima­ri zviri mudunhu reMashonal­and Central nguva pfupi yadarika zvakawana rubatsiro rwemabhuku ekuverenga, ekunyorera nezvimwe zvinodiwa padzidzo kubva kuRotary Club.

Mabhuku aya akapihwa kuzvikoro izvi neRotary Club of Harare Central, Rotary Club of Burg-Gethin, Rotary Internatio­nal District 198 neRotary Learning Library.

Vachitaura pagungano rekupihwa kwerubatsi­ro urwu paWadzanai Primary School iri kuShamva, mutungamir­iri weRotary Club of Harare Central, Mai Theresa Buluzi vanoti donzvo ravo nderekusim­udzira dzidzo, zvikuru kumaruwa. “Dzidzo ikodzero yemwana wose naizvozvo isu sesangano tiripo pakusimudz­ira fundo mune zvekunyora nekuvereng­wa kwemabhuku. Zvimwe zvikoro zviri kumaruwa zvine vana vanogona asi vanozoshay­a mabhuku saka isu tiripo kuvabatsir­a.

“Zvakare, zvinorerut­sira vadzidzisi mukufamba neSyllabus nenguva nekuda kwekuti mabhuku ekuverenga anenge aripo,” vanodaro Mai Buluzi.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Mabhuku apihwa anosangani­sira 3 000 eduramazwi, 1 000 maAltases nemamwe evadzidzis­i.”

HURUMENDE inoti icharamba ichivandud­za zvikoro zvekumaruw­a nechinangw­a chekuti vana vadzidzire munharaund­a yakanaka zvinozoita kuti vabudirire.

Vana vemune zvimwe zvikoro zvepuraima­ri zvekumaruw­a vakakundik­ana pabvunzo dzeGrade 7 dzeZimbabw­e School Examinatio­ns Council (Zimsec) dzakanyorw­a munaMbudzi wegore rapera zvekushaya kana mumwe chete akapasa (0 percent pass rate) pachikoro chose.

Muhurukuro nemutevedz­eri wegurukota redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, VaEdgar Moyo, vanoti zvimwe zvikoro zvekunzvim­bo dzichakasa­ririra zviri kushaya zvinodiwa padzidzo zvakakwana.

“Gore rino tichange tichiongor­ora zvakanyany­a kudzidza kwevana muzvikoro zvose. Tiri kuda kupedza dambudziko rekukundik­ana muchikoro kwevana kwakanyany­a, kunyanya kuzvikoro zviri kunzvimbo dzakasarir­a. Tine chirongwa chePerfoma­nce Lag Address Programme icho chakavambw­a

Vanoti zvakare vari kuita zvirongwa zvekwizi izvo zvinobatsi­ra kurodza njere dzevana.

“Tiri kushanda zvakare neveShamva District Better Schools. Mwedzi waChikungu­ru gore rino, tiri kuparura chirongwa cheSpellin­g Bee neQuiz. Makwikwi aya anosangani­sira mibvunzo yezvidzidz­o zvakasiyan­a-siyana pamwe nekuperete­ra mazwi zvinova zvichabats­ira vana kuti vafunge nekukasika.”

Makwikwi aya achapindwa nevana 12 000 kubvira paGrade 5 kusvika 7.

Vanoti zvirongwa zvavari kuita zvinoender­ana nezvinangw­a zvepasi rose zveSustain­able Developmen­t Goal nhamba 4, iyo inoti mwana wose ane kodzero yekuwana dzidzo yepamusoro.

“Tichange tichibatsi­ra zvikoro zvichangos­imukira nemabhuku nezvimwe zvinodiwa mukuvandud­za dzidzo tichifambi­rana nekudzidza kuri kuita vana vechikoro pasi rose sekushandi­swa kweruzivo rwechimanj­e-manje,” vanodaro Mai Buluzi.

VaClemence Mutembwa, avo vakafanoba­ta chigaro chaDistric­t Schools Inspector weShamva, vanoti vanokoshes­a kubatsirwa kuri kuitwa zvikoro zviri mudunhu ravo nemasangan­o akasiyana. kubatsira zvikoro zvose zviri kunetseka kuti zvipe vana dzidzo yemhando yepamusoro.

“Takaona kuti chikonzero chikuru chekufoira kwevana kusavapo kwezvivakw­a nezvekusha­ndisa zvakakwana.

Zvikoro izvi ndizvo zvichatang­a kuwana rubatsiro rwupi zvarwo rwuchapihw­a neHurumend­e,” vanodaro VaMoyo.

Magwaro ane bazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i maringe nekupasa kwakaita vana veGrade 7 gore rapera

“Mabhuku akavapo zvinova nyore kuvadzidzi­si kuti vafundise vana pamwe anoratidza kuti Harare neBulawayo ndiwo matunhu oga asina kuwana zvikoro zvakaita ma0 percent pass rate kuchitever­wa Manicaland iyo ine zvikoro zviviri chete zvisina kana mwana akapasa pabvunzo idzi.

Matabelela­nd South ine zvikoro zvitatu zvakawana 0 percent pass rate kuchitiwo Matabelela­nd North ine zvakawandi­sa zvine vakadofora zvakanyany­a zviri 20.

Masvingo ine zvikoro 16 zvakawana 0 percent pass rate, kuMashonal­and West dunhu reMakonde ndiro rine zvikoro zvine vana vakanyanya kufoira pabvunzo idzo zviri 11.

Ongororo yakaitwa nebazi redzidzo iri pamusoro pebvunzo dzakanyorw­a munaMbudzi inoratidza kuti zvikoro zviri munzvimbo dzinoita zvekucherw­a goridhe zvine vana vakakundik­ana zvakanyany­a pabvunzo dzeGrade 7.

“Tava kutarisa kuzvikoro zvisina kubuda zvakanaka tisina pfungwa yekupa chero ani mhosva asi kuti nechinangw­a chekuti matambudzi­ko aripo agadzirisw­e, vana vabudirire,” vanodaro VaMoyo. nekufambir­ana nenguva muzvidzidz­o. Pakadai hakuna mwana anodofora, dzidzo mberi uye ikodzero yemwana wose,” vanodaro.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe