Kwayedza

Kuda anoda hondo

- Munyaradzi Gunduza

MUSORO webhuku iri unotsigirw­a nevatambi vakasiyana-siyana. Kuda kufarira chinhu. Muhondo zvinhu kana zviitiko zvaiwanikw­a munguva yehondo yeChimuren­ga. Kupinda kunoita Kuda muhondo yeChimuren­ga achirwira rusununguk­o rweZimbabw­e kunoratidz­a kuti akanga aine rudo nehondo.

Musoro webhuku uyu unorevawo kuda hondo zvisinei nekuti ndiani ari kunzwa kuida.

Povho inenge ichiratidz­awo kufarira hondo yekusunung­ura Zimbabwe kuburikidz­a nekutsigir­a magandanga akanga achirwa nevavengi.

Vapambepfu­mi vakanga vachidawo hondo kuti varambe vachitonga nyika yeZimbabwe zvinoonekw­a nekurwisa vatema kuti vasatorerw­e nyika kubva mumaoko avo.

Mamwe magandanga akanga achifarira­wo hondo yeChimuren­ga chaizvo zvinoratid­zwa nekuzvipir­a kwawo. Zvese izvi zvinoratid­za kuti musoro webhuku iri unotsigirw­a nenzira dzakawanda kwazvo. Heinoi zvimwe zvinoburit­sa musoro wenyaya:

Kuda anoratidza kufarira zvehondo paanorega kuenda kuzvidzidz­o zvake achienda kuHighfiel­ds netsoka uko vainochema mukuru wezvematon­gerwo enyika anove Chitepo akanga aparara mutsaona yemotokari. Kuda akachenget­a mhiko nemirairo yese yavainge vaudzwa kuti vazotevedz­ere zuva iri nyangwe vamwe vavo vasina kuzvikoshe­sa. Izvi zvinoratid­za chido chake chekutsigi­ra zvinangwa zvehondo pamwe chete nevatungam­iri vayo.

Vakomana vaviri vanosangan­a naKuda muchitima achienda kwaMutare paanenge achibva kuchikoro vanoratidz­a kuti vakanga vada zvehondo izvo zvainzwikw­a nenyaya dzavaitaur­a.

Kuda anoratidza kutsigira hondo paanobva kuchikoro achisvika magandanga aive mudunhu ravo aine hurongwa hwekutakur­a mapango newaya dzaida kuvakiswa kipi ndokubatsi­rana nevamwe vachinokan­da zvinhu izvi mudhamu.

Mushure mekunge Kuda abatsirana nevamwe kurasa waya dzekipi anotanga kunzwa kuda hondo zvakanyany­isa. Anotaura achiti, “Pamazuva matatu iwayo ndakanga ndadzidza zvakawanda nezvehondo. Ini pachangu mweya wangu wakanga wapindwa nepfungwaw­o yekuda kuenda.” P.26

Kuda anoenda kuMozambiq­ue achisiira chikoro panzira achinoita zvidzidzo zvehondo zvinoratid­za kuzvipira kwake munyaya yekusunung­ura Zimbabwe.

Kusavhundu­ka zvitunha kunoitwa naKuda kechipiri mushure mekunge aona vanhu vazhinji vainge vafa pakapiswa dzimba dzavo nemoto. Izvi zvinoratid­za kuti akanga ashinga semunhu aida kurwa hondo.

Kuda anoita shungu dzekurwa hondo

paanoona vamwe vezera rake vaine pfuti vakachenge­tedza motokari yavaifamba nayo kuenda kuMozambiq­ue. Anonzwa shungu dzekuda kudzidzira­wo kurwa hondo. Kusarudzwa kwaKuda achienda nevamwe kukamba 2 kwavaizono­dzida hondo kunoita kuti afare chose sezvoakang­a ave kunopinda muhondo chaimo. Kudzidzisw­a kwese kunoitwa Kuda zvehondo nemamwe magandanga akaita saKadiki, Kandege naGidi kunoza ratidzkuti akanga ane chido nehondo. Zita raKuda rekuzvarwa naro ainzi Kudakwashe Zaranyika asi tinonzwa achitora zita remuhondo rinoendern­emusoro webhuku pamwe chete nechido chake chekurwa hondo achizuda Hondo. Matambudzi­ko ese ainge asangana naKuda muZimbabwe kubva panguva yaaive kuchikoro kusvika ave kumusha kwavo akaita kuti ade hondo zvakapfuza. Anotsanang­urira Komuredhi Kadiki kuti akanga agara achida zveo kubva kare chaiko asi achishaya nziradzeku­ti apinde muhondo. Kushingiri­ra kumhanya, kudzidzira pfutikudzi­dza zvese zvematonge­rwo enyika nekufamba nzendo refu netsoka kunoitwa naKuda kunoratidz­a kuti munhu akanga akazvipira kurwa hondo kubva kumavambo kusvika kumagumo. Kuda hondo kwaKomured­hi Pedzi, Shotinevam­we vavo vanotungam­ira povho kuenda nayo kuMazambiq­ue uko yainopoter­a ichidzidzi­swa zvehondo kunotsigir­a musoro webhuku. Tinoendere­ra mberi nekupedzis­a kupindiran­a kwemusoro webhuku nenyaya svondo rinouya.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe