Kuda anoda hondo
MUSORO webhuku iri unotsigirwa nevatambi vakasiyana-siyana. Kuda kufarira chinhu. Muhondo zvinhu kana zviitiko zvaiwanikwa munguva yehondo yeChimurenga. Kupinda kunoita Kuda muhondo yeChimurenga achirwira rusununguko rweZimbabwe kunoratidza kuti akanga aine rudo nehondo.
Musoro webhuku uyu unorevawo kuda hondo zvisinei nekuti ndiani ari kunzwa kuida.
Povho inenge ichiratidzawo kufarira hondo yekusunungura Zimbabwe kuburikidza nekutsigira magandanga akanga achirwa nevavengi.
Vapambepfumi vakanga vachidawo hondo kuti varambe vachitonga nyika yeZimbabwe zvinoonekwa nekurwisa vatema kuti vasatorerwe nyika kubva mumaoko avo.
Mamwe magandanga akanga achifarirawo hondo yeChimurenga chaizvo zvinoratidzwa nekuzvipira kwawo. Zvese izvi zvinoratidza kuti musoro webhuku iri unotsigirwa nenzira dzakawanda kwazvo. Heinoi zvimwe zvinoburitsa musoro wenyaya:
Kuda anoratidza kufarira zvehondo paanorega kuenda kuzvidzidzo zvake achienda kuHighfields netsoka uko vainochema mukuru wezvematongerwo enyika anove Chitepo akanga aparara mutsaona yemotokari. Kuda akachengeta mhiko nemirairo yese yavainge vaudzwa kuti vazotevedzere zuva iri nyangwe vamwe vavo vasina kuzvikoshesa. Izvi zvinoratidza chido chake chekutsigira zvinangwa zvehondo pamwe chete nevatungamiri vayo.
Vakomana vaviri vanosangana naKuda muchitima achienda kwaMutare paanenge achibva kuchikoro vanoratidza kuti vakanga vada zvehondo izvo zvainzwikwa nenyaya dzavaitaura.
Kuda anoratidza kutsigira hondo paanobva kuchikoro achisvika magandanga aive mudunhu ravo aine hurongwa hwekutakura mapango newaya dzaida kuvakiswa kipi ndokubatsirana nevamwe vachinokanda zvinhu izvi mudhamu.
Mushure mekunge Kuda abatsirana nevamwe kurasa waya dzekipi anotanga kunzwa kuda hondo zvakanyanyisa. Anotaura achiti, “Pamazuva matatu iwayo ndakanga ndadzidza zvakawanda nezvehondo. Ini pachangu mweya wangu wakanga wapindwa nepfungwawo yekuda kuenda.” P.26
Kuda anoenda kuMozambique achisiira chikoro panzira achinoita zvidzidzo zvehondo zvinoratidza kuzvipira kwake munyaya yekusunungura Zimbabwe.
Kusavhunduka zvitunha kunoitwa naKuda kechipiri mushure mekunge aona vanhu vazhinji vainge vafa pakapiswa dzimba dzavo nemoto. Izvi zvinoratidza kuti akanga ashinga semunhu aida kurwa hondo.
Kuda anoita shungu dzekurwa hondo
paanoona vamwe vezera rake vaine pfuti vakachengetedza motokari yavaifamba nayo kuenda kuMozambique. Anonzwa shungu dzekuda kudzidzirawo kurwa hondo. Kusarudzwa kwaKuda achienda nevamwe kukamba 2 kwavaizonodzida hondo kunoita kuti afare chose sezvoakanga ave kunopinda muhondo chaimo. Kudzidziswa kwese kunoitwa Kuda zvehondo nemamwe magandanga akaita saKadiki, Kandege naGidi kunoza ratidzkuti akanga ane chido nehondo. Zita raKuda rekuzvarwa naro ainzi Kudakwashe Zaranyika asi tinonzwa achitora zita remuhondo rinoendernemusoro webhuku pamwe chete nechido chake chekurwa hondo achizuda Hondo. Matambudziko ese ainge asangana naKuda muZimbabwe kubva panguva yaaive kuchikoro kusvika ave kumusha kwavo akaita kuti ade hondo zvakapfuza. Anotsanangurira Komuredhi Kadiki kuti akanga agara achida zveo kubva kare chaiko asi achishaya nziradzekuti apinde muhondo. Kushingirira kumhanya, kudzidzira pfutikudzidza zvese zvematongerwo enyika nekufamba nzendo refu netsoka kunoitwa naKuda kunoratidza kuti munhu akanga akazvipira kurwa hondo kubva kumavambo kusvika kumagumo. Kuda hondo kwaKomuredhi Pedzi, Shotinevamwe vavo vanotungamira povho kuenda nayo kuMazambique uko yainopotera ichidzidziswa zvehondo kunotsigira musoro webhuku. Tinoenderera mberi nekupedzisa kupindirana kwemusoro webhuku nenyaya svondo rinouya.