Kwayedza

Dzimwe mhando dzerondedz­ero

- Ticha Danga

TINOFAMBIR­A mberi nemhando dzerondedz­ero kubva patakasiir­a. Tinoda kubata dzese kuitira kuti paya patinenge tonyora bvunzo, tigoreruki­rwa nekusarudz­a misoro yenyaya.

Tinoda kubisa dambudziko rekuti mwana anoomerwa nekushaya kuti onyorei nekuti akajairira mhando imwe chete yerondedze­ro. Vana ngavatowan­dirwa nemisoro yekusarudz­a musi webvunzo nekuti vanenge vakasangan­a nazvo zvose.

Pamusoro pemhando nhatu dzatakatau­ra nezvadzo muchikamu chakapfuur­a, ngatitaris­ei dzimwe mhando muchikamu chino. Kune mhando inoburitsa vanhu vachitauri­rana pamusoro pechiitiko chinenge chaita. Kazhinji panenge paine vanhu vaviri vanenge vachikuruk­urirana havo. Panhaurira­no hapapiwi musoro wenyaya asi kuti panopiwa pfungwa dzekuti munyori akwanise kuburitsa dingindira renyaya rinogadzir­a hwaro hwenhaurir­ano yacho.

Panoita mupiri wezviri kuitika (narrator) uyo anozivisa mukwenyi webasa kana muverengi wenyaya kuti nhaurirano ichava yei. Vanotaurir­ana vaya vanozonyor­wa mazita avo nezvavanot­aura kumberi kusvika nhaurirano yacho yapera.

Kune rondedzero yegakava. Iyi mhando inoda kusevenzes­a pfungwa zvakapinza nekuti panodiwa kuti mwana akwanise kupikisa nekuenzani­sa zvinhu nekuti pane gakava pane nharo. Munyori anofanirwa kutanga kutaura achikoshes­a mativi ose ari maviri ozopedzisi­ra nekutorana nedivi rimwe raanozosar­udza nekutsigir­a.

Mukutsigir­a ikoko anofanirwa kupota achinobata kudivi riya raasiya achipawo charakaipi­ra. Mhando iyi inorasisa vana kazhinji nekuti vana vanotarisa divi rimwe chete vobva vati takarasima naro dzamara vapedza. Vanokwenya basa vanobva vati hapana kukakavadz­ana kwaitika.

Mazuva ano pane musoro wenyaya waita mbiri yekusashai­kwa pabvunzo kunyanya kupepa rechirungu. Musoro wenyaya uyu ndewe kuzivisa chiitiko (report). Mhando iyi inoda vana vakangwara nekuti ukavarairw­a unogona kuinyora senhoroond­o (narrative) wobva watobuda mugwara.

Musoro wenyaya uyu kazhinji unonyorwa sezvinhu zviri kuitika (present tense) sekuti, “Dembare yozvindiki­ta Makepekepe senyoka yapinda mumba.” Pamhando iyi panoda zuva rechiitiko kuti rinyorwe poda zvakare zita remunyori uye nenzvimbo yaari kunyora ari. Panoda kuti utaure semunhu ari kuzivisa vanhu chiitiko chakaiitik­a mungave munharaund­a kana munyika chaimo.

Kunze kwemitambo yenhabvu, unogona kutaura pamusoro petsaona yawakaona ichiitika zvekuti vanhu vanenge vachida kunzwa chaizvo zvkaitika sezvinoita mutori wenhau.

Kuti tipedze nyaya yekunyorwa kwerondedz­ero tinofanirw­a kutobata tsamba nekuti dzinowanik­wa dzirimoo asi dzichinyor­wa zvakasiyan­a. Tichaongor­ora zvikuru manyorerwo etsamba muzvikamu zvinotever­a.

Kashoma kuti bvunzo rigouya risina tsamba chero zvazvo kunyorwa kwetsamba kwava kushoma mazuva ano.

Nekuda kweizvozvo tinofanirw­a kudzipa nguva yadzo yekutarisw­a nekudziidz­irwa nekuti dzinobata bvunzo redu.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe