Dzimwe mhando dzerondedzero
TINOFAMBIRA mberi nemhando dzerondedzero kubva patakasiira. Tinoda kubata dzese kuitira kuti paya patinenge tonyora bvunzo, tigorerukirwa nekusarudza misoro yenyaya.
Tinoda kubisa dambudziko rekuti mwana anoomerwa nekushaya kuti onyorei nekuti akajairira mhando imwe chete yerondedzero. Vana ngavatowandirwa nemisoro yekusarudza musi webvunzo nekuti vanenge vakasangana nazvo zvose.
Pamusoro pemhando nhatu dzatakataura nezvadzo muchikamu chakapfuura, ngatitarisei dzimwe mhando muchikamu chino. Kune mhando inoburitsa vanhu vachitaurirana pamusoro pechiitiko chinenge chaita. Kazhinji panenge paine vanhu vaviri vanenge vachikurukurirana havo. Panhaurirano hapapiwi musoro wenyaya asi kuti panopiwa pfungwa dzekuti munyori akwanise kuburitsa dingindira renyaya rinogadzira hwaro hwenhaurirano yacho.
Panoita mupiri wezviri kuitika (narrator) uyo anozivisa mukwenyi webasa kana muverengi wenyaya kuti nhaurirano ichava yei. Vanotaurirana vaya vanozonyorwa mazita avo nezvavanotaura kumberi kusvika nhaurirano yacho yapera.
Kune rondedzero yegakava. Iyi mhando inoda kusevenzesa pfungwa zvakapinza nekuti panodiwa kuti mwana akwanise kupikisa nekuenzanisa zvinhu nekuti pane gakava pane nharo. Munyori anofanirwa kutanga kutaura achikoshesa mativi ose ari maviri ozopedzisira nekutorana nedivi rimwe raanozosarudza nekutsigira.
Mukutsigira ikoko anofanirwa kupota achinobata kudivi riya raasiya achipawo charakaipira. Mhando iyi inorasisa vana kazhinji nekuti vana vanotarisa divi rimwe chete vobva vati takarasima naro dzamara vapedza. Vanokwenya basa vanobva vati hapana kukakavadzana kwaitika.
Mazuva ano pane musoro wenyaya waita mbiri yekusashaikwa pabvunzo kunyanya kupepa rechirungu. Musoro wenyaya uyu ndewe kuzivisa chiitiko (report). Mhando iyi inoda vana vakangwara nekuti ukavarairwa unogona kuinyora senhoroondo (narrative) wobva watobuda mugwara.
Musoro wenyaya uyu kazhinji unonyorwa sezvinhu zviri kuitika (present tense) sekuti, “Dembare yozvindikita Makepekepe senyoka yapinda mumba.” Pamhando iyi panoda zuva rechiitiko kuti rinyorwe poda zvakare zita remunyori uye nenzvimbo yaari kunyora ari. Panoda kuti utaure semunhu ari kuzivisa vanhu chiitiko chakaiitika mungave munharaunda kana munyika chaimo.
Kunze kwemitambo yenhabvu, unogona kutaura pamusoro petsaona yawakaona ichiitika zvekuti vanhu vanenge vachida kunzwa chaizvo zvkaitika sezvinoita mutori wenhau.
Kuti tipedze nyaya yekunyorwa kwerondedzero tinofanirwa kutobata tsamba nekuti dzinowanikwa dzirimoo asi dzichinyorwa zvakasiyana. Tichaongorora zvikuru manyorerwo etsamba muzvikamu zvinotevera.
Kashoma kuti bvunzo rigouya risina tsamba chero zvazvo kunyorwa kwetsamba kwava kushoma mazuva ano.
Nekuda kweizvozvo tinofanirwa kudzipa nguva yadzo yekutariswa nekudziidzirwa nekuti dzinobata bvunzo redu.