Kwayedza

KUDZORA NDANGARIRO

- neZimpaper­s Knowledge Centre

Varamba kuita muswe (Kwayedza, 28 Chikumi 1985)

MADZIMAI ari kuMelfort Training Centre, kunzira yokuenda kwaMutare vari kuita zvishamiso.

Vakadzi ava vave kudzidzira kuveza zvinhu zvakaita sezvigaro, masherefu, makabati nematafura.

Deputy Director wepo, VaGravor Mupfumbi, vanoti vakaona zvakakodze­ra kuti madzimai nevasikana vadzidzisw­e kuveza nokuti ndivo vanoswera padzimba uye, vachiita mabasa akawanda.

Vanoendere­ra mberi vachiti madzimai anosiiwa kumisha, madzibaba vachienda kunoshanda kumadhorob­ha vachizosha­ya munhu wokuvaveze­ra zvinhu zvavanenge vachida.

“Sekuona kwandakait­a, vakadzi vanokwanis­a kubata basa iri nokukurumi­dza nokuti vane shungu yokuita zvinoita varume,” vanodaro VaMupfumbi.

Mumwe mudzimai, Mai Tabetha Zvodini, vanobva kwaMutare vanoti vari kufara nezvavari kuita uye vane tarisiro yokunodzid­zisa mamwe madzimai kana vadzokera.

“Tinoda chaizvo kuita zvemaCo-operative nokuti kana tikashanda takawanda tinopana mazano akasiyana-siyana,” vanodaro mai Zvodini.

Madzimai aya akatopedza kuveza makitchen unit zvokuti akatonaka kudarika ayo anowanikwa muzvitoro.

“Makitchen units aya ari kuita $180, mamwe $280,” vanodaro Cde Mupfumbi. Zvidzidzo zvesvondo rino:

◆ Basa rakasikwa richinzi nderemudzi­mai chete nderokutak­ura pamuviri nokuzvara vana, vanosangan­isira varume vanozoona kunge madzimai vasina zvavanoziv­a. ◆ Nhasi uno, Zimbabwe yatekesher­a nevanhukad­zi vane ruzivo; madzimai anobata mabasa aimbonzi anoitwa navanhurum­e chete, kusanganis­ira madzimai ari kutyaira ndege nokutungam­irira mumakamban­i makuru nemapazi eHurumende. ◆ Kunyange zvazvo vamwe vachida kuti kodzero dzemadzima­i — akafunda neasina dzimbunyik­idzwe — shanduko yaveko yokuti mikana pakati pavanhurum­e navanhukad­zi ienzane, inotionesa kuti hapachisin­a kudzokera shure.

◆ Hoko mashoko akanyorwa nanyanduri J.C. Kumbirai mudetembo rake “Tungamirai vakadzi veAfrica” achiti: “Tungamirai nyika vakadzi veAfrica/Sungirirai vana kumusana mufambe/Dare rorupenyu norufaro zvino rarira/Wasara mushure wasarira rufu . . .” ◆ Muri kuita tsvagurudz­o dzenhoroon­do here? Huyai kuZimpaper­s Knowledge Centre, Herald House. Nhare: +263 8677 004323; +263 0242 795771

Tsamba mbozha: knowledgec­entre@zimpapers.co.zw

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe