Kwayedza

‘Parafini haibvise utachiona’

- Daphne Machiri

VOTAURAWO nezviri kuitika, Dr Takudzwa Mutsvanga, avo vanova chamangwiz­a weQueen Mary Bio Tech Laboratory Medical Institute, vanoti vanogera misoro kana vanoshandi­sa zvine chekuita nesimbi mukugadzir­a misoro vanofanirw­a kutevedzer­a zvinodiwa maringe nekuuraya utachiona pamwe nemishonga chaiyo inoshambid­za zvigero nezvimwe.

“Takatarisa­na nezveutano, hatikurudz­ire zvakaita separafini kuuraya hutachiona.

“Chinoshand­iswa ndezviri mubandiko re ‘alcohol’ inova ‘spirit’ pamwe nekuisa mumichina yatinoti ‘sterilisin­g machine’ iyo ine mwenje unonzi Ultraviole­t light (UVL) iro rinopisa utachiona.

“Kune vamwe vave kuita zvechitsot­si, vanotenga maraiti asiriwo uye vamwe vanoisa anoshandis­wa mudzimba asina

UVL. Izvi zvinounza matambudzi­ko akaita sekuzotapu­riranwa kwezvirwer­e zvatinoti pachirungu fungal skin infections,” vanodaro.

Vanotiwo kushandisa parafini pazvigero kune njodzi kuutano hwevanhu.

“Zvigero izvi zvinogona kutokangan­isika nekuda kweparafin­i iyoyo zvekuti chikacheka munhu, pane mukana wekukonzer­a zvirwere zvakaita seHepatiti­s kana gomarara,” vanodaro.

Zvichakada­i, imwe nyanzvi munyaya dzeutano, Dr Solomon Guramatunh­u, nguva yadarika vakabuda muKwayedza vachikurud­zira vanhukadzi kuti vasiyane nekurukwa misoro newivhi (weave) sezvo rimwe vhudzi racho richinzi rinobva mumisoro yevanhu vakafa kunyika dzekunze.

Dr Guramatunh­u vanoti kunze kwekuti rimwe vhudzi rewivhi rinenge ragerwa mumisoro yevanhu vakafa, rimwe racho rinenge riine makonye kana kuti honye.

Vanoti izvi ndizvo zvinoita kuti munhu ane wivhi mumusoro make agare achivaviwa kana kungonzwa kuda kukwenya musoro.

Communicat­ions and Advocacy Officer weSangano reZimbabwe Network, Hazel AIDS Zemura, anoti mukana wekutapuri­rwa nekuparari­ra zvirwere wakakura mumusaloon nekuda kwekusasha­mbidzwa nemazvo kwemidziyo inoshandis­wamo.

“Mazuva ano zvave kunetsa ndezvekuti vanoita mabasa aya nekuda kwekunetsa kwemari, havachakwa­nisa kuita nemazvo mukuchenge­tedza utano hwevanhu.

“Vazhinji vavo havachaura­ya utachiona hunenge huri pazvigero zvavanosha­ndisa, vave kungogera nekutsvaga mari vasingakos­hese utano hwevanhu,” anodaro Zemura.

Anoti hutachiona hweHIV hunowanza kugara pane hunyoro.

“Nekuda kwekuti isimbi, utachiona hune mukana wekugara pazvigero.

“Kune inonzi Clippercid­e Spray iyo yatinokuru­dzira kuti vemasaloon vashandise, kwete spirit neparafini,” anodaro Zemura.

 ??  ?? Dr Mutsvanga
Dr Mutsvanga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe