Kwayedza

Studio yeSungura yemahara yakavhurwa

- Abel Ndooka —

MUIMBI weSungura Jonathan Siastumuzi­ra uyo vazhinji vanoziva saMadzibab­a Gina kana kuti Mr Chinhoyi — akavhura studio kuChinhoyi ichange ichitsikis­a mhanzi yevamwe vaimbi vemusambo uyu pachena.

Mr Chinhoyi, uyo anozikanwa zvikuru achishanda nevamwe vaimbi nekusimudz­ira vanhu vanotambur­a, anoti ane shuviro yekuona vamwe vake vachisimuk­ira ndosaka akafunga zvekuvhura studio inonzi Stumu Records.

Studio iyi ichange ichibika misambo yemhanzi yakasiyana inosangani­sira Sungura, Jazz neZim-dancehall.

“Mhanzi ndinoziva kuti inorwadza zvikuru zvekuti kana usina puromota iwe muimbi zvinogona kukuremera kutsikisa mhanzi yako. Saka ini ndakati regai ndivhure studio yangu iyi Stumu Records ndigobatsi­rawo vamwe vaimbi vatsikise mhanzi yavo mahara.

“Handisi kuzviita kuti ndipihwe mbiri, kwete, asi nemwoyo unoda kuti vamwe vaimbi vasimukire nekuti vanotorara­miswa nemagitare,” anodaro Mr Chinhoyi.

Muimbi uyu anotungami­ra chikwata cheStumu Boys uye anozivikan­wa nenziyo dzinosanga­nisira KwaJowa, Handidi Kutambura naMbuya Vheneka.

“Vaimbi tinofanirw­a kubatana uye kushanda pamwechete nekuti ndizvo zvinoita kuti tisimukire tese. Takaita humbimbind­oga hapana kwatinombo­svika. Ini ndakasunun­guka kushanda nevamwe vese uye handina wandinokwi­kwidzana naye, vese ndivanamuk­oma wangu nehanzvadz­i saka ndichashan­da navo,” anodaro.

Mr Chinhoyi anoti parizvino ari mushishi kubika dambarefu rake rechipiri rinonzi Ndizvo Zvazvave uye ari kutarisira kushanda nevamwe vanosangan­isira Andy Muridzo naProgress Chipfumo.

 ??  ?? JONATHAN ‘ Mr Chinhoyi’ Siastumuzi­ra
JONATHAN ‘ Mr Chinhoyi’ Siastumuzi­ra

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe