Kwayedza

N’anga, maporofita vorwisa gukuravhu

- Kingstone Mapupu

MASANGANO anomirira machiremba echivanhu munyika muno eZimbabwe National Practioner­s Associatio­n (ZINPA) neZinatha akaparura zvirongwa zvekucheng­etedza masango nekuvandud­zwa kwevhu kumatunhu ose enyika nedonzvo rekurwisa gukuravhu iro riri kukonzera kuzara kwenzizi zvichidzos­era mabasa ekurima kumashure.

Kuparurwa kwezvirong­wa izvi kunotevera kupomerwa kunogara kuchiitwa n’anga nemaporofi­ta nevamwe varapi vechivanhu kunzi vanoparadz­a zviwanikwa zvakaita semiti, huswa, madziva nezvimwe mubasa ravo rekurapa vanhu.

Sekuru Friday Chisanyu vanotungam­irira ZNPA vanoti vari kushanda pamwechete nebazi rinoona nezvekurim­a nemasangan­o anotsigira nyaya dzekurima mukuchenge­tedza masango nezvimwe zviwanikwa.

“Inyaya inogara ichitaurwa kuti n’anga nemaporofi­ta nevamwe varapi vechivanhu vanoparadz­a zviwanikwa. Saka takaparura chirongwa chekucheng­etedza zviwanikwa zvose kubvira kumiti, ivhu, huswa, madziva nemadhamu,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Vanoti mumapurovh­inzi ose vane makomiti avakaumba ekuchenget­edza zviwanikwa.

“Takatanga nekuumba makomiti anomirira mapurovhin­zi, ndokuumba emadistric­ts. Izvozvi tiri kufamba tichiumba makomiti anomirira matunhu emadzimamb­o tichisvika­wo kumasabhuk­u. Kureva kuti hapana watiri kusiya munyaya dzekucheng­etedza zviwanikwa,” vanodaro.

Sekuru Chisanyu vanoti masango ari kuparadzwa nenzira dzakasiyan­a dzinosanga­nisira kupiswa nemoto nekutemwa kwemiti zvisina tsarukano uye machiremba echivanhu anotsvagaw­o mishonga yavo mumasango.

“Varimisi tiri kushanda navo zvakasimba kuti tichengete­dza zviwanikwa sezvo tichirapa nezvinobva mumvura, musango nemuvhu. Idonzvo redu kuti zvinhu izvi zvirambe zvakacheng­etedzeka, gukuravhu sen’anga hatidi kuriona. N’anga dzedu nemaporofi­ta tine mutemo watakavapa wekuti pamwedzi woga-woga vanofanirw­a kudyara miti inobvira pamiviri kusvika pamishanu uye izvi zvinotaris­wa nemakomiti atakaumba aya,” vanodaro.

Sekuru Chisanyu vanoti kubva pavakaparu­ra chirongwa ichi mumwedzi waZvita gore rakapera, nhengo dzavo dzakadyara miti inodarika 10 000 munyika yose uyewo vari mubishi kufushira makoronga kwakasiyan­a.

“Nhengo dzedu dziri kufamba dzichifush­ira makoronga vachidyara konji nehuswa hunosimbis­a ivhu. Tinoshandi­sa tsanga nemahapa mukurapa uyewo garadziva nekudaro hatibvumid­ze kudzurwa kwetsanga kumahombek­ombe enzizi sezvo zvichikonz­era gukuravhu,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhir­wa nemukuru wesangano reZinatha VaGeorge Kandiyero vachiti, “Nhengo dzedu dziri mubishi kudyara miti, mishonga yemaruva, kuvhara makoronga nekuchenes­a madziva. Hatidi kuona vanhu vanosungir­ira machira mumiti kana kubairira mapakatwa pamiti nekuti inofa miti iyi. Honai mamiriro ekunze ave kusanduka mimwe miti yave kuoma mimwe ichiparadz­wa nedutu.” vanodaro VaKandiyer­o.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe