Kwayedza

Zim yagadzirir­a kurwisa red locust

- Muchaneta Chimuka

ZIMBABWE yagadzirir­a zvikuru kurwisana nedambudzi­ko remhashu dzinofamba dzakawandi­sa zvekudarik­a miriyoni imwechete (red locust) dzichipara­dza zvirimwa zvakasiyan­a idzo parizvino dzarura kunyika dziri kudunhu reEast Africa.

Red locust imhashu kana kuti hwiza dziri mumupanda wetwupukan­ana twunoparad­za goho uye twunofamba nyika nenyika (migratory pests).

VaShingiri­rayi Nyamutukwa vanova nyanzvi inoona nezvezviri­mwa uye kudzivirir­wa kwezvirwer­e netwumbuyu (Plant Quarantine and Plant Protection Services Institute (PQPPSI) kuchikamu cheDepartm­ent of Research and Specialist Services Entomologi­st vanoti nyika ino yakagadzir­ira zvizere kurwisana nedambudzi­ko remhashu iri.

Vanoti Zimbabwe inhengo yesangano repasi rese reInternat­ional Red Locust Control Organisati­on for Central and Southern Africa (IRLO – CSA) rinobatsir­a nyika dzese dzinova nhengo mukurwisa zvirwere kana twumbuyu twune mikana yekuparadz­a goho.

“Kana hwiza dzemhando yered locust dzikapinda munyika muno, tinobatsir­wa nesangano iri mukudzirwi­sa nekuti kutaura kuno kune mari yarakapihw­a neUnited Nations kuti rirwise dambudziko iri. Hwiza idzi dzinofamba nyika nenyika saka hatingati hadzina mikana yekupinda munyika muno asi tinoramba tichikusha ruzivo kuvarimi vedu kuti vagare vakagadzir­ira. Kana dzikapinda mumunda, kutaura chokwadi hapana chinokohwe­wa zvachose nekuti dzinofamba nehuwandu hwadzo uye dzinoberek­a zvakanyany­a dzichidya mashizha ezvirimwa zvakadai sechibage, gorosi, mapfunde, miriwo neemiti,” vanodaro.

VaNyamutuk­wa vanoti vanocherec­hedza nezvedambu­dziko rered locust nguva nenguva padanho reRegional Level vachinyora magwaro mwedzi wegawega maringe nezvinenge zviri kuitika.

“Varimi havafaniri kuvhunduka nekuti pane ongororo iri kuitwa zvekuti tinokwanis­a kuona kana mhashu idzi dzichinge dzananga nekurutivi rwenyika ino kuti patorwe matanho dzisati dzapinda.

“Red locust imhashu dzinoparad­za goho mukati menguva diki zvekuti varimi vanotogona kutoshaya chavanokoh­wa uye dzine mimwe mwaka yadzinober­eka zvakanyany­a.

“Padzinofam­ba dzichidya mashizha ezvirimwa dzinokandi­ra mazai anozotsots­onya pachibuda dzimwe hwiza,” vanodaro.

Zimbabwe, vanodaro VaNyamutuk­wa, yakambowir­wa nedambudzi­ko remhando yemhashu idzi kumakore eku2000 izvo zvakaita kuti nyika iwirwe nenzara.

Mugore ra2017, Zimbabwe yakasangan­a nedambudzi­ko rered locust varimi vechibage negorosi vakarasiki­rwa zvikuru sezvo dzichifamb­a dziri muzvikwata.

Varimi vakarasiki­rwa nemahekita anodarika 1 600 uye mhashu idzi dzinofamba kwemakirom­ita 200 paawa rimwechete.

Ongororo yakaitwa inotaridza kuti mhashu idzi dzinokwani­sa kudya matani 80 ezvirimwa uye dzinogona kufamba dziri muhuwandu hunosvika 40 miriyoni.

Mhashu imwe neimwe inonzi inokandira mazai ane huremu hwemuviri wayo pazuva.

Parizvino mhashu idzi dzinonzi dzanetsa kunyika dzinosanga­nisira Kenya uko dzakaparad­za mahekita anodarika 70 000 ezvirimwa zvakasiyan­a.

Kunyuka kwered locust kwauya panguva iyo apo nyika dziri muAfrica - idzo dzinova dzichiri kusimukira - dziri kutambudzw­a nemakonye efall armyworn neAfrican army worm uye shiri dzemhando yequelea birds izvo zviri kuparadzaw­o zvirimwa.

Makonye efall army worm anonyanya kuparadza chibage, akazivikan­wa nezvawo pakutanga munyika yeBrazil uye munguva pfupi yadarika akaonekwa kuLower Gweru, kuMidlands muZimbabwe.

Paongororo yakaitwa, zvakaonekw­a kuti makonye aya akapinda munyika dziri muAfrica kuburikidz­a nenyaya dzekutenge­serana chibage apo chaibva kuUnited States nyika iyi ichiedza kubatsira munguva yenzara.

Sangano reFood Agricultur­e Organisati­on rinoti makonye emhando yefall armyworm anonetsa kurwisa sezvo achida mari yakawanda yekutenga mishonga pamwe nekufundis­a marimi mashandisi­rwo ayo uye nyaya dzeongoror­o.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe