Kwayedza

NDINI CHIBABA: KAMAMBO

- Abel Ndooka

MUTUNGAMIR­IRI wesangano rinoona nezvenhabv­u reZimbabwe Football Associatio­n (Zifa) — Felton Kamambo — anoti ndiye “Chibaba” chenhabvu yemuno uye Philip Chiyangwa anotonga kuCosafa kwake uko anotungami­rawo.

Achitaura svondo radarika muHarare apo Zifa yaizivisa nyika kuti chizvarwa chekuCroat­ia, Zdravko Logarusic, ndiye ave murairidzi mutsva wemaWarrio­rs, Kamambo anoti bhodhi rake ndiro rinotonga zvenhabvu yemuno.

“Tisu tiri panyanga, tisu zvibaba zvenhabvu zvemuno uye Philip Chiyangwa ndiye chibaba chekuCosaf­a, ipapo panzwisise­i. Saka muno zvese zvine chekuita nenhabvu zvinotodar­ika nepatiri isu uye tisu tinopasisa kuti zviite,” anodaro Kamambo.

Kubva Kamambo akapinda panyanga mugore ra2018 apo akunda Chiyangwa pasarudzo dzemutunga­miri weZifa, pagara pachingote­nderera mashoko ekuti vaviri ava vakarimira­na muganhu. Vamwewo ndivo vaiti Chiyangwa aikonzera nyonga-nyonga yaiitika mubhodhi raKamambo nguva yadarika izvo zvakazoona Zifa ichimuteme­ra zvirango pamwechete naOmega Sibanda uyo aive mutevedzer­i wake kuti vasava nechekuita nezvenhabv­u yemuno.

Zifa yakasvika padanho rekutombon­yorera kuCosafa kuti Chiyangwa abviswe pachigaro chekutunga­mirira sangano iri.

Kamambo anoti bhodhi rake harichadi kupedza nguva richinetsa­na nevanhu pamusoro penyaya dzekutunga­na kwembudzi.

Anoti iye zvino yasvika nguva yekubatani­dza vanhu vese kuburikidz­a nenhabvu nekudaro Zifa yakabviswa zvirango zvavainge vatemera Chiyangwa naSibanda.

“Takagara pasi sebhodhi uye takazviona zvakakodze­ra kuti tiregerere Chiyangwa naSibanda.

“Tabvisa zvirango zvese zvatainge takavateme­ra, saka tichienda mberi chikuru kuti nhabvu yedu ibudirire pane kuswera tichinetsa­na zvisina basa.

“Toda kuti bhora redu rinakidze ndizvo chete zvatinoda kwete zvimwe zvese,” anodaro Kamambo.

Zvakadaro, Logarusic — uyo akamborair­idza Sudan — akapihwa basa guru rekutungam­ira maWarriors mumitambo inosangani­sira Africa Cup of Nations 2021 ne2022 World Cup.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe