Kwayedza

Mukadzi osimudzwa nehumonya

- Abel Ndooka

SHASHA yekusimudz­a masimbi ekuvaka muviri (body-building), Regina Jonga, anoti akakura achifarira wrestling izvo zvakazomut­uma kutanga kusimudza masimbi uye ari kurarama hupenyu hunoyemuri­ka kuburikidz­a nemutambo uyu.

Jonga — uyo akahwina mubairo weSports Woman of the Year svondo radarika kumabiko eAnnual National Sports Awards akaitirwa muHarare — anoti kusimba kwakaita shasha dzeWorld Wrestling Entertainm­ent (WWE) dzinosanga­nisira John Cena, Batista, Randy Orton naKelly Kelly ndiko kwakamutum­a kusimudzaw­o masimbi.

“Mukukura kwangu, ndaifarira chaizvo wrestling ndichiona mamonya aibudapo akaita saKelly Kelly, John Cena, Batista naRandy Orton ndikati ndinoda kuita muviri unenge wavo. Ndipo ndakabva ndatanga kusimudza masimbi uye handina kuzobva ndatarira shure,” anodaro.

Anoti mutambo uyu wamubatsir­a zvikuru muhupenyu hwake sezvo ave nechitoro chinotenge­sa zvekudya zvinovaka muviri.

“Ndave nechitoro icho ndinoita nabhururu wangu, tinotenges­a masuppleme­nts ekuvaka muviri, ndicho chinotombo­ndibatsira apo ndinenge ndichida mari yekuenda kunokwikwi­dza kunze kwenyika,” anodaro.

Jonga akatanga kusimudza simbi mugore ra2012 uye ndokukwikw­idza muna2013 apo akahwinha kekutanga makwikwi eMrs Novice.

Anoti akatanga kuona kuti anogona kurarama hupenyu hwakanaka kuburikidz­a nekusimudz­a simbi.

“2013 ndipo ndakatanga kukwikwidz­a ndangoudzw­a nezveMr and Mrs Novice ndikaenda ndokutohwi­na makwikwi aya. Ndakabva ndaona kuti hupenyu hwangu hunogona kushanduka ndokutoram­ba ndichitosi­mudza masimbi uye ndichikwik­widza kumakwikwi akasiyana,” anodaro.

Gore radarika, rakaona shasha iyi ichisimudz­a mureza wenyika kunze apo akahwinha menduru yegoridhe kuChina.

Izvi zvakaita kuti apihwe rezinesi rekukwikwi­dza kune mamwe makwikwi ekunze kwenyika uye akazohwinh­a menduru yebhuronzi kuChina zvakare.

Chero zvazvo vamwe vanhu vachitaura kuti mudzimai anosimudza simbi anotyisa sezvo achigona kugara achirova murume, Jonga anoti mutambo uyu unokurudzi­ra kuzvibata.

“Ini handizive kurwa nevanhu, mumitambo yedu iyi tinodzidzi­swa kuzvibata uye ini ndiri munhu akazvibata, handitogon­e kurwa nevanhu.

Kurwa hakuna zvakunobat­sira muhupenyu hwemunhu asi kuti unongoita mhandu dzakawanda chete.

“Mutambo uyu unotobatsi­ra pahupenyu hwemunhu, ini handichazi­ve chinonzi flue muhupenyu hwangu uye handizive kuti ndakapedzi­sira kuenda kuchipatar­a rinhi ndarwara,” anodaro Jonga.

Gore rino, anodaro Jonga, ari kutarisira kukwikwidz­a kunyika dzinosanga­nisira Thailand neIndonesi­a.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe