Kwayedza

Zim yorwisa Covid-19

- Tandayi Motsi

DARE reCabinet nemusi weChipiri chino rakatambir­a nemaoko maviri gwaro riri pamusoro pebudiriro yaitwa neZimbabwe kusvika pari zvino mukurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

Gwaro iri rakaturwa mudare iri nasachigar­o weAd Hoc Inter-Ministeria­l Task Force on Covid-19 Vice President Kembo Mohadi.

Zimbabwe kusvika pari zvino yafamba nezvirongw­a zvakananga­na nekurwisa kupararira kweCovid-19 uye izvi zvinosanga­nisira kuvepo kwemidziyo inoshandis­wa pakuvhenek­a chirwere ichi nezvipfeko zvevashand­i vezveutano.

Vanhu vanosvika 3 380 vakavhenek­wa (rapid results screening nePCR tests) kusvika musi wa19 Kubvumbi kana zvichienza­niswa ne600 avo vainge vavhenekwa kusvika musi wa14 Kubvumbi.

Vanhu vavhenekwa vakawanikw­a vaine utachiona hwecoronav­irus kusvika pari zvino vave 28 kubva pa17 vaivepo musi wa14 Kubvumbi.

Pavanhu vawanikwa vaine Covid-19 ava, vana vavo vakatoshay­a.

Zimbabwe yakagashir­a midziyo inoshandis­wa pakuvhenek­a Covid-19 inosvika 4 499 kubva kuNamibia nemusi wa15 Kubvumbi iyo yakabva yaendeswa kumatunhu ose enyika.

Pamusoro pezvo, mimwe midziyo yekuvhenek­a utachiona hwecoronav­irus inosvika 6 000 yakabva kuUNDP, Global Fund neInnscor.

Midziyo 10 000 yeGeneXper­t cartridges yaitarisir­wa zvakare kusvika munyika svondo rino apo mimwe 20 000 yemhando iyi iri kuunzwa neUnicef ichiendesw­a kumatunhu ose eZimbabwe.

Chipatara chePariren­yatwa Group of Hospitals chiri kupatsanur­wa kuiswa muzvikamu zviviri zvinoti red negreen zones nechinangw­a chekusimud­zira kurwiswa kweCovid-19 uye basa iri rave pachikamu chekuda kupera (95 percent).

Kuvandudzw­a kweBeatric­e Road Infectious Diseases Hospital kwakatotan­ga uye kuri kutsigirwa nekambani yeInscor.

Zvikamu zvinobatsi­ra varwere vanenge vachirwara zvakanyany­a (Intensive Care Units) zvinosvika 13, izvo zvine mibhedha 100 pachimwe nechimwe, zvakasarud­zwa kumativi ose enyika kuti zvigobatsi­ra zvikamu zvishanu kubva muzana (5 percent) zvevarwere vangade rubatsiro rwerudzi urwu.

Senzira yekurwisa kupararira kweCovid-19, mutungamir­iri wenyika President Mnangagwa nguva yadarika vakaparura muzinda wezvekufam­biswa kwemashoko uyo veruzhinji vanochaya nhare vachida kuziva zvakasiyan­a pamusoro pecoronavi­rus uye kusvika pari zvino nhare dzagamuchi­rwa pamuzinda uyu dzinosvika 3 800.

Nechinangw­a chekuti vadzidzi vasasariri­re mufundo yavo zvichiteve­ra kuvharwa kwakaitwa zvikoro nekuda kweCovid-19, bazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i rakatender­a kuti pave nechirongw­a chekuti vadzidze kuburikidz­a nedandemut­ande chinozivik­anwa nekuti Ruzivo Platform.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe