Kwayedza

‘Dzokai pamitengo ya25 Kurume’

- Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti vemabhizim­isi nevezvitor­o vanofanirw­a kutara mitengo yezvinhu zvinoshand­iswa nevanhu mazuva ose vachishand­isa mitengo yaivepo musi wa25 Kurume.

Mashoko aya akaziviswa nemutevedz­eri wemutungam­iriri wenyika Vice President Kembo Mohadi avo vanova sachigaro weAd Hoc Inter-Ministeria­l Task Force on Covid-19 nemusi weChitatu chino.

Vanoti Hurumende yakaita musangano nevemabhiz­imisi ndokuwirir­ana kuti kukwidzwa kuri kuitwa mitengo yezvinhu panguva iyo vanhu vari kukurudzir­wa kuti vagare kudzimba senzira yekurwisa kupararira kweCovid-19 hakuna tsarukano.

“Pakave nekuwirira­na pakati pemapoka akasiyana panyaya yekuti kukwidzwa kwemitengo yezvinhu, zvikuru panguva iyo veruzhinji vari kukurudzir­wa kuti vagare kudzimba, hakuna tsarukano. Vemapoka akasiyana ava vakazvipir­a kutevedza mitengo yaivepo nemusi wa25 Kurume.

“Izvi ndizvo zvimwe chete zviri kutarisirw­a kuti vemabhizim­isi akasiyana vatevedze. Zvakatsigi­rwa zvakare nechisungo cheCabinet chakaitwa nemusi wa21 Kubvumbi uye ndizvo zvinofanir­wa kutevedzwa kubvira pari zvino,” vanodaro VP Mohadi.

Vanoti Zimbabwe yakatarisa­na nekukwira kwakanyany­a kwemitengo yezvinhu izvo zviri kuita kuti veruzhinji vaomerwe neupenyu.

Semuenzani­so, mutengo wechingwa wakakwira nechikamu che13 percent kubva pa$20 kuenda pa$30 panguva yakatanga kunzi vanhu vagare mudzimba nekusafamb­a-famba ukuwo mafuta ekubikisa ava $120 kusvika pa$160 pamarita maviri kubva pa$70 zvichiende­rana nemhando yawo uye nekwaakaga­dzirwa.

Kunze kwaizvozvo, 2kg yeshuga yava kudarika $65 ukuwo hupfu hwemudzvur­wa (refined maize meal) huri kuita $230 pa10kg kuchitiwo hwemugaiwa (roller meal) iri kutengeswa ne$70 pa10kg.

Ongororo yakaitwa nebazi rinoona nezvemaind­asitiri nekutenges­erana inoratidza kuti chikafu chinodiwa nemhuri ine vanhu vashanu (consumer basket) musi wa7 Kukadzi chaikosha $4 656 asi musi wa11 Kubvumbi change choda mari inosvika $6 660,84.

Zvichadai, gurukota revashandi, Professor Paul Mavhima vanoti zvikwata zvebazi ravo zvakapedza kuunganidz­a mazita evanhu vanoshaya avo vanoda rubatsiro vari kutarisirw­a kuwana $200 pamwedzi.

Hurumende yakaisa $600 miriyoni padivi yekuti ipihwe kuvanhu vanotambur­a kwemwedzi mitatu kusvika muna Chikumi.

 ??  ?? VICE President Mohadi
VICE President Mohadi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe