‘Dzokai pamitengo ya25 Kurume’
HURUMENDE inoti vemabhizimisi nevezvitoro vanofanirwa kutara mitengo yezvinhu zvinoshandiswa nevanhu mazuva ose vachishandisa mitengo yaivepo musi wa25 Kurume.
Mashoko aya akaziviswa nemutevedzeri wemutungamiriri wenyika Vice President Kembo Mohadi avo vanova sachigaro weAd Hoc Inter-Ministerial Task Force on Covid-19 nemusi weChitatu chino.
Vanoti Hurumende yakaita musangano nevemabhizimisi ndokuwirirana kuti kukwidzwa kuri kuitwa mitengo yezvinhu panguva iyo vanhu vari kukurudzirwa kuti vagare kudzimba senzira yekurwisa kupararira kweCovid-19 hakuna tsarukano.
“Pakave nekuwirirana pakati pemapoka akasiyana panyaya yekuti kukwidzwa kwemitengo yezvinhu, zvikuru panguva iyo veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vagare kudzimba, hakuna tsarukano. Vemapoka akasiyana ava vakazvipira kutevedza mitengo yaivepo nemusi wa25 Kurume.
“Izvi ndizvo zvimwe chete zviri kutarisirwa kuti vemabhizimisi akasiyana vatevedze. Zvakatsigirwa zvakare nechisungo cheCabinet chakaitwa nemusi wa21 Kubvumbi uye ndizvo zvinofanirwa kutevedzwa kubvira pari zvino,” vanodaro VP Mohadi.
Vanoti Zimbabwe yakatarisana nekukwira kwakanyanya kwemitengo yezvinhu izvo zviri kuita kuti veruzhinji vaomerwe neupenyu.
Semuenzaniso, mutengo wechingwa wakakwira nechikamu che13 percent kubva pa$20 kuenda pa$30 panguva yakatanga kunzi vanhu vagare mudzimba nekusafamba-famba ukuwo mafuta ekubikisa ava $120 kusvika pa$160 pamarita maviri kubva pa$70 zvichienderana nemhando yawo uye nekwaakagadzirwa.
Kunze kwaizvozvo, 2kg yeshuga yava kudarika $65 ukuwo hupfu hwemudzvurwa (refined maize meal) huri kuita $230 pa10kg kuchitiwo hwemugaiwa (roller meal) iri kutengeswa ne$70 pa10kg.
Ongororo yakaitwa nebazi rinoona nezvemaindasitiri nekutengeserana inoratidza kuti chikafu chinodiwa nemhuri ine vanhu vashanu (consumer basket) musi wa7 Kukadzi chaikosha $4 656 asi musi wa11 Kubvumbi change choda mari inosvika $6 660,84.
Zvichadai, gurukota revashandi, Professor Paul Mavhima vanoti zvikwata zvebazi ravo zvakapedza kuunganidza mazita evanhu vanoshaya avo vanoda rubatsiro vari kutarisirwa kuwana $200 pamwedzi.
Hurumende yakaisa $600 miriyoni padivi yekuti ipihwe kuvanhu vanotambura kwemwedzi mitatu kusvika muna Chikumi.