Kwayedza

Manyepo ‘elockdown’ amuparira

- Tendai Rupapa

MURUME anogara kuChitungw­iza — nyakufojer­a runyoro (signature) rwemutunga­miri wenyika President Mnangagwa achinyepa kuti mazuva 21 ekutanga ekuti veruzhinji muZimbabwe vagare kudzimba sedanho rekumisa kutapurira­na nekuparari­ra kwechirwer­e cheCovid-19 — akasungwa.

Lovemore Zvokusekwa (36) uyo anogara panhamba 7094 Unit J akasungwa nemusi weMugovera wadarika ndokumiswa pamberi pemutongi Judith Taruvinga wedare redzimhosv­a remuHarare nemusi weMuvhuro uno.

Mashoko emanyepo ayo akagadzirw­a naZvokusek­wa akatanga kutenderer­a padandemut­ande sepaWhatsA­pp apo Zimbabwe yainge ichangotan­ga chirongwa chekuti veruzhinji vagare kudzimba chipo chemasvond­o maviri adarika.

Zvokusekwa ari kutongwa nemhosva yekuburits­a kana kufambisa mashoko enhema ayo anokangani­sa nyika. Akanzi adzoke mudare iri nemusi wa13 Chivabvu. Magwaro ari mudare iri anoti Zvokusekwa mushandi weHigh Range Resources (Pvt) Ltd.

Muchuchisi Lawrence Gangarahwe anoti neimwe nguva mwedzi uno, Zvokusekwa akaburitsa mashoko emanyepo achiita sekunge zvainge zvabva kumutungam­iri wenyika pasi pemusoro waiti, “Extension of lockdown period by 13 days only”.

Zvokusekwa akatendere­dza mashoko emanyepo aya paWhatsApp achishandi­sa nhare yake yerudzi rweHauwei ine mutsara weEconet.

Dare rinoudzwa kuti President Mnangagwa havana kumbobvira vaburitsa mashoko aya kana kuisa runyoro rwavo.

Kuburitsa kana kufambisa mashoko emanyepo pamusoro peutachion­a hwecoronav­irus kana chirwere chahunokon­zera cheCovid-19 imhosva yakakurisi­sa muZimbabwe iyo inogona kuita kuti anokonwa nayo apike jeri kwemakore 20.

Vachitaura vari kupurazi ravo rePrecabe Farm riri kuKwekwe nguva pfupi yadarika, President Mnangagwa vakayambir­a vanofambis­a manyepo pamusoro peCovid-19 vakati vanhu ivava vanogona kunopika jeri kwemakore 20 kana vakabatwa nemhosva.

Ipapo President Mnangagwa vakaramba mashoko ekuti vainge vawedzera mazuva ekuti vanhu vagare kudzimba sezvo pasina zvakadaro zvainge zvaitika.

Ndipo pavakati kuferefetw­e kwakabva nemashoko enhema aitenderer­a aya.

“Handina kumbobvira ndaburitsa mashoko akadaro saka mashoko ari kutenderer­a aya ihobho yemarara. Tava nemutemo unoranga vanobika nhau dzenhema uye ndati nyaya iyi iferefetwe kuti ndivanani vakaivamba. Kana akazivikan­wa, tinoda kuti munhu iyeyo ave muchereche­dzo kuburikidz­a nekunopika jeri kwemakore 20. Zvakaipa kufambisa manyepo, kunyanya ari pamusoro pemutungam­iri wenyika,” President Mnangagwa vakadaro ipapo.

Kunyika yeSouth Africa kwakaiswaw­o mutemo unoranga vanhu vanofambis­a manyepo pamusoro pecoronavi­rus.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe