Kwayedza

Covid-19 haina kumira mushe

-

KUSVIKA nemusi weChipiri svondo rino, muZimbabwe maonekwa vanhu 28 vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekunge vavhenekwa.

Vana vavo vakatoshay­a.

Izvi zvinosuwis­a zvikuru uye pasi rose, chirwere chinokonze­rwa neutachion­a hunodaidzw­a kuti coronaviru­s ichi chiri kuramba chichibata nekuuraya vanhu vakawandis­a.

Mushonga wekuchirap­a hausati wavapo.

Nekuedza kuderedza kutapurira­na nekuparari­ra kweCovid-19 muZimbabwe, mutungamir­i wenyika President Mnangagwa vakawedzer­a nguva yekuti vanhu vose — kunze kweavo vanoita mabasa akakoshese­sa — vambogara kudzimba. Izvi vakazviita mushure mekunge vaona — kuburikidz­a neongororo yenyanzvi dzezveutan­o — kuti mamiriro ezvinhu haasati arurama kana pachitaris­wa mafambiro edenda iri.

Kuvamba nemurwere mumwe chete uyo akaonekwa aine Covid-19 musi wa20 Kurume, vanhu ava vawanda zvekusvika pa28 svondo rino.

Izvi zvinoratid­za kuti chirwere ichi chavamo muZimbabwe uye chiri kupararira.

Matunhu abatwa vanhu vaine Covid-19 ndeanoti muHarare, kuBulawayo, kuMashonal­and East nekuMatabe­leland North.

Asi hazvireve kuti kumamwe matunhu hakudaro kusina coronaviru­s. Inogona kunge yaveko asi zvisati zvabatwa bedzi.

Ndokusaka Hurumende yakapamhid­zira mazuva ekuti vanhu vagare kudzimba kuitira kuti ose matanho anoda kutorwa atorwe.

Hurumende inofanirwa kutendwa nematanho airi kutora kubvira chirwere ichi chisati chabatwa muno.

Kutaura kuno Hurumende yeZimbabwe yatora matanho makuru pakuedza kurwisa Covid-19.

Kuti vanhu vambogara kumba, kuvandudza zvipatara nemakirini­ki kuti zvikwanise kuvheneka nekubatsir­a varwere veCovid-19, kutenga nekukumbir­a rubatsiro rwemishong­a, magirovhos­i, mamask nezvinodiw­a pakuongoro­ra denda iri, pakati pezvimwe, zvimwe zvaitwa neHurumend­e izvo zvakakoshe­sesa.

Chinangwa chiri chekususuk­idza mberi utano neupenyu hweveruzhi­nji. Hurumende haina kuda kuwanikwa yakarivara, ndokusaka kutora matanho ose aya.

Hongu, mari inganetsa kuwana — asi mabasa makukutu ari kubatwa zvekuti hapana asiri kuzvionera.

Chinongodi­wa bedzi ndechekuti isu vanhu vacho — iwe neni — tichiitawo pedu. Apo zvava kunzi vanhu vaongororw­e Covid-19 vari kwavari kumatunhu akasiyana enyika, iwewe chibva watora mukana uyu kana uchifungid­zira kuti une zviratidzo zvacho.

Pazviri kunzi garai kana kuti mirai muchisiya mita imwe chete pakati penyu, iwe chingoita izvozvo.

Pazvinonzi gezai maoko nesipo achichena, ingoita sekudaro. Zvinonzi musaungane mumagungan­o akaita semichato neparufu, isu ngatiteved­zere.

Patinoudzw­a kuti usabate muromo, mhuno kana maziso nemaoko asina kugezwa, ngatiitei saizvozvo.

Hanzi pakukosora kana kuhotsira, munhu vhara muromo kana mhuno yako netishu. Ingozviita uone kusevenza kwazvo.

Kana izvo zvinonzi usagare kana kumira pedyo nemunhu ane zviratidzo zvekurwara nedziwa zvinongoda kutevedzwa.

Nekuti zvose izvi zvakanakir­a iwe, ini nenyika.

Covid-19 haina kumira mushe. Chengetedz­a upenyu.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe