Kwayedza

Kurima gorosi zvine pundutso

- Wendy Madzura ◆ Wendy Madzura mukuru wevarimisi kuSeed Co Zimbabwe. Sunungukai kumubata panhare dzinoti 0732270080

KUTANGA kwemwaka mutsva kunounza tariro kuvarimi nokuti zvinovapa mukana wekuvandud­za marimiro avo kuti vawane pundutso mumabasa avo.

Mwaka wechando ndiwo mwaka watakatari­sana nawo, nokudaro zvakakosha kuti varimi vasarudze mbeu dzinodyari­ka panguva iyi idzo dzisingaro­hwi nechando. Izvi zvakakosha nokuti kurima ibhizimusi, nokudaro varimi vanofanira kurima mbesa dzinoender­ana nemwaka kuti vasarasiki­rwe nemari.

Gororsi imbeu yakatikosh­era senyika. Gororsi rinouya pechipiri pakukosha richitever­a chibage (2nd most important cereal crop). Pagore tinoshandi­sa gorosi riri pakati pematani zviuru mazana mana kusvika pamazana mana nemakumi mashanu (400 000 to 450 000 metric tonnes) senyika.

Asi tiri kutenga gorosi riri pakati pezvikamu makumi manomwe kusvika pamakumi masere kubva muzana (70% - 80 %) richibva kunze kwenyika nokuda kwekutadza kurima rinokwana. Zvakakosha kuti tirime gorosi rinokwana kuti tidye senyika (food security) uye kana tikarima rinopfuura chipimo cheratinos­handisa senyika (food surplus), tinokwanis­a kutengesa kune dzimwe nyika towana mari yekushandi­sa kuvandudza mararamito edu senyika

Gorosi rinodyarwa panguva yekunge mwaka wekunaya kwemvura wapfuura nokudaro chokutanga chinofanir­a kuchereche­dzwa nevarimi madiridzir­o. Madiridzir­o anokwana pakurima gorosi kubva pakudyara kusvika pakuibva kwaro ari pakati pe450 mm kusvika pa600 mm.

Varimi vanofanira kuongorora kuti madhamu avo ane mvura inokwana kudiridzir­a vasati vadyara. Varimi vanokurudz­irwawo kugadziris­a michina yavo inosangani­sira matarakita, magejo nemimwe inoshanda pakudyara inosangani­sira ma”Vicon” kana ma”seed drill”. Izvi zvinoita kuti mabasa ekudyara nekuririti­ra mbeu afambe zvakanaka.

Nguva yekudyara gorosi yakakosha zvikuru uye inofanira kuchengete­dzwa nokuti kunonoka kudyara kunounza matambudzi­ko anotevera:

Zvirwere netumbuyu zvinowanda kana nguva yechando yadarika

Kubata mwaka kwakanaka nokuti murimi anokwanisa kubata mwaka wekudyara mbesa inotevera (double cropping)

Mukana wekunaiwa kwegorosi riri mumunda zvinoita kuti ridzikire pahunaku hwekubika chingwa (baking quality)

Kurima mbesa ingava ipi zvayo zvemhando yebhizimus­i kunotanga nekusarudz­a mbeu zvine hungwaru nekurima zvakanaka mumunda. Kusarudza mbeu yegorosi ndiko kutanga kwekurima zvine pundutso.

KuSeed Co kune mbeu dzemhando yepamusoro dzine chipo chegoho repamusoro. Kwemakore akawanda, varimi vakarima SC Nduna nokuda kwekuti inorimika kumativi mana enyika ichipa goho repamusoro.

Kushanduka kwakaita mwaka kwakaunza zvirwere zvinosanga­nisira chekuita ngura pamashizha (wheat leaf rust), kana dota jena pamashizha (powdery mildew). Izvi zvakaita kuti Seed Co iuchike mbeu itsva dzine huchenjeri hwekurwisa zvirwere izvi.

Mbeu yegorosi itsva yatinokuru­dzira varimi inonzi SC Select.

SC Select imbeu ine chipo chekupfupi­ka (short statured). Izvi zvinoita kuti varimi vadyare madzinde akawanda pandima imwe chete kuti vawane goho repamusoro. Mbeu iyi haidonhe mumunda uye inoshingir­ira zvakanyany­a kuzvirwere. Izvi zvinoita kuti varimi vasashandi­se mari yakawanda kutenga mishonga yekupfapfa­idza, zvobva zvawedzera mari yavanowana kana vachinge vatengesa (return/dollar invested, Profit).

Huwandu hwembeu yegorosi hunodiwa pakudyara hunosiyana nemudziyo uchashandi­swa pakudyara. Varimi vanodyara nemuchina unonzi seed drill vanoshandi­sa mbeu iri pakati pe110kg kusvika pa125kg pahekita. Vanoshandi­sa vicon spreader vanoda mbeu iri pakati pe125kg kusvika pa135kg pahekita.

Kana murimi achinge asarudza mbeu zvine hungwaru, zvakakosha kuti achereched­ze zvose zvine mukana wekukwidza goho rake (good agronomic practices/GAPs).

Chokutanga murimi anofanira kurima munda kusvika watsetseka. Izvi zvinoita kuti mbeu neivhu zvibatane nenzira inoita kuti mbesa dzimere zvakanaka (seed soil contact). Panguva yekurima munda iyi varimi vanokurudz­irwa kugadzira ivhu maringe nezvinenge zvabuda pakuongoro­rwa kwevhu (soil analysis).

Pakurima munda, varimi vanofanira kuisa mafetireza anodiwa pakudyara anosangani­sira Compound D kana dzimwe mhando dzinoshand­a pakudyara chibage.

Panguva yekudyara, munda unofanira kudiridzir­wa kusvika waguta mvura (field capacity). Izvi zvinoita kuti mbeu imere zvakanaka.

Mushure memazuva matatu kana mana, varimi vanokurudz­irwa kudiridzir­a munda (light irrigation) kuti vaputse chikoko chepamusor­o pevhu kuti mbeu imere zvakanaka.

Kana mbeu yegorosi ikamera zvakanaka, varimi vanofanira kumbomira kudiridza kuti riite nhungirwa (tillers).

Izvi zvinoitwa kwemazuva gumi (sandy soils) muivhu rakaita jecha nemazuva gumi nemana (14 days) muivhu rakaita chidhaka, (clay soil).

Panguva iyi mbeu inowedzera kudzikisa midzi kutsvaga mvura izvo zvinozobat­sira kukura kwegorosi kana chikamu ichi chapfuura. Mushure memazuva aya varimi vanokurudz­irwa kudiridzir­a vasati vaisa mafetireza epamusoro eAN kana Urea anodiwa nehuwandu hwe350kg – 500kg pahekita zvichisiya­na neivhu.

Mushure vanokwanis­a kuisa mushonga wesora maringe nemhando yesora rinenge rabuda mumunda. Tumbuyu tunosangan­isira makonye nenhata twunoda kuti varimi vameme munda nguva nenguva kuti vapinde nemushonga dambudziko risati radzikisa goho ravo (economic threshold level)

Tarisirai gwaro rinotevera richakuruk­ura zvizhinji nenyaya yemadiridz­iro nekuririti­ra mbeu yegorosi.

Panguva ino yambiro yedu ndeyekuti nguva yekudyara gorosi yasvika. Varimi vose vane madiridzir­o vanokurudz­irwa kurima gorosi kuti tidzikise huwandu hwegorosi ratinoteng­a kunze. Rangarirai kuti kurima zvine pundutso kunotanga nekusarudz­a mbeu zvine hungwaru nekurima zvine pundutso.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe