Kwayedza

NDIMBORI KUMUNDA: MANYUCHI

- Abel Ndooka

SHASHA yetsiva, Charles Manyuchi inoti pari zvino imbori kupurazi rayo kuChivhu uko iri kumbokohwa zvayakarim­a.

Manyuchi ange achifanirw­a kubandana naMuhamad Sebyala wekuUganda musi wa4 Kubvumbi asi mutambo uyu wakamiswa zvichiteve­ra gwara rakatarwa nemutungam­iri wenyika President Mnangagwa kuti vanhu vatevedze iro rinorambid­za veruzhinji kuungana uye kuti vagare kudzimba senzira yekuderedz­a kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

Naizvozvo mutambo waManyuchi naSebyala wakabva wamiswa uye uchazorong­wa patsva kana matambudzi­ko akonzerwa neCovid-19 aderera kana kuti apera.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Manyuchi anoti apo akamirira kuti “lockdown” idarike, iye zvino ambori kupurazi kwake kuChivhu uko ari kukohwa.

“Ndimbori kukohwa zvangu kupurazi kwangu, tiri mulockdown zvedu kudai. Ndiyo nguva yacho yandinombo­enda hangu kumunda kwangu ndichimboo­na kuti basa riri kufamba sei,” anodaro muchinda anodada nekupotser­a zvimbokoma uyu.

Kana lockdown yapera, vamiririri vake nevaSebyal­a vachagara pasi voronga rimwe zuva rekuti vaviri ava vazotambid­zana zvematseng­anzungu apo vacharwira mabhande eWorld Boxing Federation neWorld Africa Boxing Associatio­n Supreme Middleweig­ht.

“Tiri kugara tichitaura neveWBA avo vakatiudza kuti lockdown ikapera pasi rose, tozoronga rimwe zuva rekuti tigomisidz­ana naSebyala.

“Saka tave kumirira kupera kwelockdow­n chete. Vakawanda vari mune zvemitambo vari kukanganis­wa nekuda kwecoronav­irus iyi,” akadaro Manyuchi.

Shasha iyi inoti gore rino ndiro rekutanga achirima pfuta (caster beans) uye iri kutarisira kupura mari nayo.

Manyuchi agara achipfuya mombe, mbudzi nembwa uye gore rino nderekutan­ga kurima caster beans.

Anoti mari yaanohwina kutsiva ndiyo yaari kushandisa kurima imwe achitangis­a mabhizimis­i akasiyana senzira yekuzvigad­zirira ramangwana.

“Zvakakosha chaizvo kuti tigadzirir­e ramangwana redu uye tishandise mari dzatinenge tichiwana kugadzirir­a ramangwana kuitira kuti tisazotamb­udzika tisisiri kuita zvemitambo.

“Hazvifadze kuti mangwana vanhu vazenge vave kukunonged­za vachiti uyo akamboita mukurumbir­a asi iwe usisina chauinacho. Saka ngatizviga­dzirire remangwana redu uye tishandise mari dzatinenge tichiwana nemazvo,” akadaro Manyuchi.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe