Kwayedza

Upenyu mberi, mitambo mumashure: PSL

- Abel Ndooka

SANGANO rePremier Soccer League rinoti harizive kuti nhabvu ichatambwa here mwaka uno wa2020 sezvo iye zvino isiri nguva yekufunga zvemutambo, asi kuchengete­dza utano neupenyu hwevanhu.

Kare mwaka wenhabvu unozivikan­wa uchitanga kupera kwaKurume kana kutanga kwaKubvumb­i.

Asi mitambo yegore rino yakambomis­wa senzira yekutevedz­era gwara rakatarwa nemutungam­iri wenyika President Mnangagwa rekuti vanhu vose vasaungane uye vagare kudzimba senzira yekudzivir­ira kutapurira­na nekuparari­ra kwechirwer­e cheCovid-19 icho chinokonze­rwa neutachion­a hunodaidzw­a kuti coronaviru­s.

Zvichiteve­ra kuwedzerwa kwakaita mazuva e“lockdown” nemutungam­iri wenyika svondo rino, mutauriri wePSL, Kudzai Bare anoti ino haisi nguva yekumbofun­ga zvekuti nhabvu inotanga riinhi sezvo vanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 uye vamwe vachifa nacho.

“Isu tiri kutevedzer­a danho rakatorwa nemutungam­iri wenyika President Emmerson Mnangagwa rinoti vanhu vasaungane uye vagare kudzimba dzavo senzira yekuderedz­a kupararira kwechirwer­e checoronav­irus.

“Vanhu vari kufa nechirwere ichi saka zvakakosha kuti veruzhinji vagare vakachenge­tedzeka nguva dzose kuitira kuti Covid-19 isapararir­e. Isu sePSL, hatikwanis­e kutaura nezvekutan­ga kwenhabvu iye zvino nemamiriro akaita nyika nekuda kwecoronav­irus, chikuru kuti vanhu vachengete­dzeke nguva dzose,” anodaro.

Anoenderer­a achiti kana chirwere ichi chapera, ndipo pavachazor­onga kuti nhabvu inotanga here uye vanenge vachitaris­a nepanenge pava nenguva.

“Kana lockdown yapera uye pava nehumboo hwekuti chirwere checoronav­irus hakuchisin­a, ndipo tinotanga kuronga kuti mitambo ichitanga, asiwo tichataris­a kuti gore rinenge rafamba zvakadii.

“Iye zvino tinongokur­udzira vanhu kuti ngavange vakachenge­tedzeka nguva dzose vari mumba, vasafunge zvenhabvu. Upenyu ndihwo hwakakosha nguva dzose,” anodaro.

Zviri kuitwa nePSL izvi ndizvo zviri kumamwe masangano enhabvu pasi rose uko mitambo yakamira kutambwa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe