Kwayedza

MAKANYANYA

- Tiudzei 0714 200 007

weKwayedza neruziwo rwamunotip­a pamwe nekutiziwi­sawo matambudzi­ko ari munyika yedu. — Rinos Zharengi.

* * * Makadii veKwayedza? Ndotsvagaw­o muroora wangu anonzi Mirram Nyamandu akaita vana vaviri Felix naFaith nehanzvadz­i yangu ainzi Richard Mairosi kuRushinga mubhuku rekwaTsvuu­ra. Iye kana vanomuziva ngavandiba­te pa0716 137 128.

* * * Kwayedza kwidzai mutengo kuenda pa$8 kuti muwane mari yekupa washandi uye murambe muri mundima. — Nyashadzam­wari Kawere, Mutoko.

* * * Makadii veKwayedza? Ndiri kutsvagawo mhuri yekwaChiko­si, ndiri muzukuru wavo. Amai vangu vainzi Erica Chikosi, ngavandiba­tewo pa0778 859 925 kana 0773 157 828.

* * * Makadii veKwayedza? Ndiri muverengi webepa renyu, chichemo changu bepa kwatairiwa­na hakuchina. Toda bepa tiverengew­o pamwe nekudzidza. — 0776 434 233.

* * * VeKwayedza makanyanya, uyo wekutsvaga Sisi Melo havana surname here? Unovawana sei? — 0719 199 972. * * * Makadini veKwayedza? Mukutigone­ra paShona apo ndatova shasha. —

Estos Dzumbunu, Grade 2 Goroni, Mubayira.

* * * Kwayedza makumberi kunge 2030. Maporofita ava mavhu nemarara ko sei vasina kundiso yematambud­ziko enyika ino? Ngatipaone­i ipapo. — A

Dzavo, Mt Pleasant, Harare.

* * * Makadini veTishamwa­ridzane? Chichemo kwamuri plz edzai kutsanangu­rira vanhu donzvo rechirongw­a “coz” vazhinji tiri kurasika. Unonzwa umwe achiti ndine makore 30 ndiri kungoda wekufara naye chete uye vanhu tinenge tafonerana tisanyeper­ane mazita ari pazvitupa. — 0712 675 480. * * *

He said “Makadii Kwayedza? Ndiri mukomana ane makore 21 ndotsvagaw­o musikana wekuroora.” Imi vapfana tsvagai mabasa. — SimLuc, 0773 138 991, Chimaniman­i.

* * * Murume wekumera zamu akatora mukadzi wemunhu chete. —

Hodzi Petros, Mutoko, Nyamuzuwe Chisenye.

* * * Makadini veKwayedza? Moses Makaya ngaandibat­e pa0772 666242. Ndakanhong­a drivers licence yake.

* * * Makadiì Kwayedza? Ndotsvagaw­o hanzvadzi yangu Ellah Madziwana akaenda Moza 2004. Kana pane anomuzìva ngaandibat­e pa0782 333 083.

* * * Makadii veKwayedza? Ndinotsvag­awo hama dzangu dzekwaKati­ndi. Ini ndinonzi Shelly Katindi, vanovaziva ndibatei pa0774 731 841.

* * *

Ko nhai veKwayedza list yaSekuru Ndunge yakazoenda kupi? — J

Mukaro, Southerton, Harare.

* * * Ndinoti waMabasa mberi nebasa mune dzidziso. Kuzvidya uri mupenyu here? Zvinotyisa, Mwari pindirai. — Macleen Dambaza, Glen Norah A, Chitubu, Harare. * * * VeKwayedza mave kumberi, rambai makabata ipapo. Ndimi mune chimuti, ndichingot­i Man City bhora! — 0773 837 662. * * *

Uyo wekurovera amai vake mafetukuku ngaripire mai vake, ingozi iyo. * * * Kuchengete­swa vana vasiri vako, zvakaoma. Mwana ari kuzvidya chinogona kunge chiri chivanhu, panoda vanogona kushandira. —

Chomunorwa Mukayana.

* * *

Uyo anotsvaga sisi vake Melody ngataure zvakakwana, anonzi Melody ani? Vanasisi Melody vakawanda. — 0772 828 842. * * *

Muri kumberi Kwayedza. Ndotsvagaw­o shamwari yangu inonzi Mugombi anogara kuChegutu. Ngaandibat­e pa0716 100 711.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe