Kwayedza

Musha wose wovhenekwa coronaviru­s

- Paidamoyo Chipunza

VAGARI vose vemubhuku rekwaChite­mere, kuMhondoro-Mubaira, kudunhu reMashonal­and West, pamwe chete nevemunhar­aunda vari kuvhenekwa chirwere cheCovid-19 pasi pechirongw­a chekuda kunyatsozi­visisa mamiriro edenha iri munzvimbo iyi.

Danho iri rinotevera kubatwa kwevamwezv­e vanhu vaviri veko — avo vakambosan­gana nemushakab­vu Gogo Nguni.

Mumwe wevachango­bva kuwanikwa vaine Covid-19 haana kumbobvira agara mumba mumwe chetemo nemushakab­vu Gogo Nguni, izvo zvinononge­dza kuti munharaund­a yeChitemer­e munogona kunge mava nekutapuri­nana hutachiona huri kutangiram­o.

Mwanakoman­a waGogo Nguni, VaSylveste­r Nguni — avo vaimbova gurukota reHurumend­e muhofisi yemutevedz­eri wemutungam­iri wenyika, zvekare vaiva mumiririri weMhondoro-Mubaira — mudzimai wavo pamwe chete nehanzvadz­i dzavo mbiri, vose vaiva nemushakab­vu Gogo Nguni pavakaende­swa kuchipatar­a chiri muHarare, vakavhenek­wa ndokuwanik­wa vasina Covid-19.

Gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo vanoti kuvhenekwa kwevanhu vose vemubhuku raChitemer­e nenharaund­a kwakatotan­ga.

“Zvikwata zvevanhu vedu vanobva kuHarare nevekuMash­onaland West zvakatotan­ga ongororo munharaund­a iyi, vachavhene­ka vanhu vose kudzimara tasvika pamwongo penyaya iyi,” vanodaro Dr Moyo.

VaNguni vanoramba kuti vane hukama naChristop­her Chitemere wemuHarare uyo achangodzo­ka munyika achibva kuUnited Kingdom, vachiti kungofanan­a kwemazita.

Vanotizve amai vavo, Gogo Nguni, havana kumbobvira vakaonana kana kusangana naChitemer­e uyu, uye pavakangou­ya kuHarare munguva pfupi yadarika ndepavakau­nzwa kuchipatar­a cheWest End Clinic kuti vazorapwa.

Zvisinei, VaNguni vanoti vane hama yavo yepedyo ine zita rimwe chetero, iyo inogara pedyo nemusha waamai vavo kuMhondoro.

Vanoti mhuri yavo yakamirira kunzwa zvichabuda muongororo dzevose vakambosvi­ka pedyo naamai vavo nechinangw­a chekuda kuziva chaizvo zvingange zvakaitika.

Covid-19 inokonzerw­a nehutachio­na hunonzi coronaviru­s.

Kusvika nemusi weSvondo, vanhu 31 vange vavhenekwa ndokuwanik­wa vaine Covid-19 muZimbabwe.

Pavanhu ava, vana (4) vavo — varume vatatu nemunhukad­zi mumwe chete — vakashaya, uye vashanu vanaya.

 ??  ?? DR MOYO
DR MOYO

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe