Kwayedza

DeMbare, Bosso vorwisa Covid-19

- Abel Ndooka

ZVIKWATA zvenhabvu izvo zvinokwikw­idza muCastle Lager Premiershi­p zvakatora matanho ekubatana nemamwe masangano mukurwisa chirwere cheCovid-19 kuburikidz­a nezvirongw­a zvinosanga­nisira kupa chenjedzo yedenda iri.

Kwayedza yakaita hurukuro nezvimwe zvezvikwat­a izvi kusanganis­ira Dynamos, Highlander­s neFC Platinum izvo zvinotaura pamusoro pezvirongw­a zvazviri kuita munharaund­a yazvinobva.

Mukushi wemashoko kuDynamos FC, Tinashe Farawo anoti sechikwata, vari kushanda nevanhu vakasiyana mukupa chenjedzo kuvanhu pamusoro peCovid-19 achiti vatambi veDeMbare vari kuvashandi­sa kugadzira mavhidhiyo ayo vanotumira vanhu vachivayam­bira kuti vagare vakachenge­tedzeka.

“Isu sechikwata, tiri kupa chenjedzo kuvatsigir­i vedu kuti ngavagare vakachenge­tedzeka panguva ino, nekuti chirwere ichi chiri kupararira. Mukudaro, tine mavhidhiyo evatambi vedu vachitaura nezvechirw­ere ichi ayo tiri kugadzira tichitumir­a kuvanhu tichivapa yambiro.

“Tiri kushanda zvekare nemasangan­o akasiyana uye vamwe vanhu vakuru kuti tirwise denda iri uye tibatsire vatsigiri vedu panguva ino,” akadaro Farawo.

Mutevedzer­i wasachigar­o weHighland­ers, Modern Ngwenya anoti Bosso yakabatsir­a chimwe chipatara chekuBulaw­ayo nemari sedanho rekurwisa coronaviru­s uye vatambi vavo vari kubika mavhidhiyo ayo ane mashoko ari pamusoro pedenda rabata nekuuraya vanhu vakawandis­a pasi rose iri.

“Isu takabatsir­a chimwe chipatara nemari yekushandi­sa kutenga zvinodiwa mukurwisa coronaviru­s. Vatambi veduzve vari kubika mavhidhiyo ayo ane shoko rechenjedz­o ayo tiri kutumira kune veruzhinji,” anodaro Ngwenya.

Muhurukuro nemutaurir­i weFC Platinum, Chido Chizondo anoti sechikwata, vari kuita basa guru munharaund­a yeZvishava­ne nedunhu rose reMidlands kusanganis­ira kupa chenjedzo uye kupa masanitize­rs kuti veruzhinji vashandise kubvisa kana kuuraya hutachiona.

“Tine rudo nenharaund­a yatinobva saka tiri kuita mabasa akasiyana ekubatsira anosangani­sira kupa masanitize­rs uye kupakura chenjedzo pamusoro pechirwere ichi. “Chokwadi chirwere ichi chiriko uye chiri kuuraya vanhu saka isu sechikwata chevanhu chine vanhu pamoyo, tiri kuita zvose zvatinokwa­nisa kuti tibatsire vatsigiri vedu panguva ino,” akadaro Chizondo.

 ??  ?? TINASHE Farawo
TINASHE Farawo
 ??  ?? MODERN Ngwenya
MODERN Ngwenya
 ??  ?? CHIDO Chizondo
CHIDO Chizondo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe