Kwayedza

PWERE DZINODAWO MA‘MASK’

- Kingstone Mapupu naMalven Mugadzikwa

APO veruzhinji vari kutevedzer­a kurudziro yeHurumend­e nemasangan­o eutano inoti munhu wose anofanirwa kupfeka masiki (mask) pose paanenge ari paruzhinji kuitira kurwisa kutapurira­na nekuparari­ra kweCovid-19, kune rimwe zera revanhu risiri kuita izvi — vana.

Kupfeka masiki kunonzi neveutano kunoderedz­a mikana yekuti munhu atapurire kana kutapurirw­a hutachiona.

Pavanhu vabatwa vaine Covid-19 muZimbabwe pane mwana.

Covid-19 inokonzerw­a nehutachio­na hunodaidzw­a kuti coronaviru­s uho hunotapuri­ranwa nyore uye nekukasika muvanhu. Kutanga nemusi weMuvhuro, ruzhinji rwevanhu vari kufamba paruzhinji vari kunge vakapfeka mamasiki kana kushandisa mamwe machira kuzvivhara miromo nemhuno senzira yekuzvidzi­virira. Asi vamwe vana vari kungofamba kana kutamba vasina mamasiki.

Mutemo mutsva uyo wakadzikwa nemusi weMugovera wadarika unosunga avo vanobatwa vasina kupfeka mamasiki paruzhinji uye anokonwa nemhosva anobhadhar­iswa faindi yakakura kana kupotserwa mujeri.

Mutemo uyu wakananga kuti veruzhinji vapfeke mamasiki kuitira kuti Covid-19 isapararir­e muZimbabwe.

Sekutaura kwebazi rezveutano nekurerwa kwevana, kusvika nemusi weChipiri chino, vanhu 34 vange vawanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe mushure mekunge vaongororw­a.

Pavanhu ivava, vana (4) vavo vakashaya kuchiti vamwe vashanu vanaya.

Mudikidiki wevawanikw­a vaine Covid19 aiva mwana ane makore mana ekuzvarwa kuchiti akurisa ndewemakor­e 82 ekuberekwa.

Zvinoreva kuti coronaviru­s inokwanisa kubata mazera ose — kusanganis­ira pwere idzo dziri kungombeya dzisina kudzivirir­wa.

Asi ongororo yakaitwa neKwayedza nezuro muHarare inoratidza kuti vana, kunyanya pwere dzinotamba mitambo yakasiyana mumigwagwa, havasi kupfeka mamasiki kudzivirir­a Covid-19.

Mumisha inogara vazhinji, Kwayedza yaiona vana vachitamba vasina kupfeka mamasiki izvo zvinokwani­sa kuisa

◆ utano hwavo nehwevakur­u panyatwa.

Vamwe vevana ava vaitamba nhabvu, vachitadza kukoshesa kurudziro inoti vanhu vasaite chitsokots­oko kana kugumana nguva ino yeCovid-19.

Vashoma vaionekwa vaine mamasiki vainge vakaapfeka zvisirizvo — vamwe vakatoarem­bedza mumaoko kana muhuro.

Asi Hurumende inoti munhu wose — kusanganis­ira vana — anofanirwa kupfeka masiki kana ari paruzhinji.

Ongororo iyi yakaburits­awo kuti muzvitoro zvinotenge­sa mishonga muHarare hamuna mamasiki evana.

Dr Portia Manangazir­a, avo vanova director epidemiolo­gy and diseases control kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, pavakabvun­zwa nezvenyaya iyi vanotsinhi­ra vachiti:

“Ichokwadi, hakuna mamasiki evana. Asi vabereki ngavatsvag­e dzimwe nzira dzekuti vaone kuti vadzivirir­a vana vavo kubva kudenda iri nekuvapfek­edza mamasiki, kunyange edzimwe mhando.”

Zvakaonekw­awo kuti vana, kana dai vakaberekw­a kumusana, havasi kudzivirir­wa pavanenge vari paruzhinji sezvinodiw­a.

“Hatina mamasiki evana, atinawo anongova evanhu vakuru bedzi. Asi iwaya anokwanisa kudzorwa nekusungwa kuti apfekeke kuvana,” anodaro mumwe mushandi wemuchitor­o chemishong­a chiri pakati peguta reHarare apo akabvunzwa.

Muchitoro ichi maingova nemamasiki evanhu vakuru bedzi.

“Hameno, pamwe tichazoait­awo evana vadiki asi pari zvino hatina. Munoramba muchinzwa nesu,” anoenderer­a mberi achidaro mushandi uyu apo airatidza Kwayedza mamasiki evanhu vane zviso zvidiki ayo aanoti anokwanisa kudzorwa kuti akwane kuvana.

Mamasiki evakuru ari muzvitoro izvi akakura zvekuti vana vakada kuashandis­a anenge achivharir­a zviso zvavo. Mutengo wawo uri kutangira paUS$0.60 kusvika paUS$6 rimwe chete.

 ??  ??
 ??  ?? DR MANANGAZIR­A
DR MANANGAZIR­A

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe