Kusapfeka ‘mask’ kwava kusungisa
MUNHU kuenda panzvimbo yeruzhinji usina kupfeka masiki inokuvhara muromo nemhuno (face mask) yava mhosva inogona kukusungisa uchiendeswa kujeri kwenguva isingadarike gore kana kubhadhariswa faindi yakakura.
Izvi zvinotevera kudzikwa kwemitemo inotsigira zvisungo zvakaturwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa nemusi weChishanu wadarika apo vakazivisa kuti Zimbabwe ichaita mamwezve masvondo maviri veruzhinji vachigara kudzimba sedanho rekumisa kutapurirana nekupararira kwechirwere cheCopvid-19.
Nemusi weChishanu uyu, President Mnangagwa vakazivisa kuti pakati pemamwe matanho, munhu wose ava kusungirwa kupfeka masiki – ingava yekutenga kana yekugadzira kumba – pose paanobuda pamba pake achienda kunzvimbo dzine veruzhinji.
Nzvimbo dzeruzhinji dzinosanganisira mumigwagwa, kuzvitoro, muzvipatara, nhandare, mumabhawa, kumabasa nekumwe kwakawanda-wanda kusiri kumba kwako.
Mutemo mutsva unosungira veruzhinji kupfeka mamasiki wakabva waiswa nemusi weMugovera.
Izvi zvinoreva kuti kupfeka masiki pose paruzhinji wava murawo unofanirwa kutevedzwa uye vose vachatyora murawo uyu vanogona kusungwa vobvisiswa faindi yakakura kana kuenda kujeri kwenguva isingadarike gore.
Gweta guru reHurumende (Attorney-General) Advocate Prince Machaya vanotsinhira kuti avo vanowanikwa vasina kupfeka mamasiki paruzhinji vanokwanisa kuripiswa faindi kana kupotserwa mujeri.
“Wose munhu achawanikwa asina kupfeka masiki paruzhinji ari kupara mhosva uye anosungirwa kubhadhara faindi ye’level 12’ kana kunopika jeri kwenguva isingadarike gore. Iyi imhosva yakakura.
“Veruzhinji ngavazvizive kuti vanosungirwa kunge vakapfeka mamasiki pose pavari paruzhinji kuitira kuti vasasungirwe kutyora mutemo uyu,” vanodaro.
Pasi pemutemo mutsva uyu, mamasiki aya anokwanisa kuva ekugadzira vanhu voga.
Gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo vanoti munhu wose anofanirwa kupfeka masiki kana ari paruzhinji.
Vanoti masiki inokwanisa kungova chose-chose kubva kudhuku kana zvimwe zvinovhariridza muromo nemhuno.
“Tinodawo kuona vemabhizimisi maduku vachigadzira mamasiki kudzimba.
‘‘Tinoda kuti nyika izvimiririre panyaya dzemamasiki eruzhinji,” vanodaro Dr Moyo.
Dr Moyo vanoenderera mberi nekutsanangura: “Pose panobva munhu pamba, anofanirwa kunge akapfeka masiki pasina kukundikana nekuti tiri kuda kuderedza kutapurirana (kwecoronavirus). Ndicho chinangwa chacho ichochi.
“Tiri kuzviita nenzira mbiri; gara mumba kana kuti worega kubuda kunze. Kana wafunga kubuda kunze, wozviita nenzira inoderedza kutapurirwa hutachiona naizvozvo unofanirwa kunge wakapfeka masiki.
“Tiri kukurudzira vezvitoro kana vamwe mumaindasitiri kuti musabatsire kana kutengesera vanhu vanenge vasina kupfeka mamasiki. Hatidizve kuti zvitoro zvigume zvazara nemazana evatengi saka ngavapote vachironga vanhu vanopindamo.”
Nekuda kwemutemo mutsva uyu, vanhu vakawanda vakaonekwa neKwayedza muHarare nekuChitungwiza vainge vakapfeka mamasiki ekutenga kana kuti vakazviputira miromo nemhuno nemachira anosanganisira madhuku nemajuzi.
Vamwewo avo vaive kudzimba vaitoita sejee vachicheka zvigubhu zvemafuta ekubikisa kana zvemvura vopfeka.
Mapurisa eZimbabwe Republic Police vaimisa vedzimotokari nemabhazi vachiona kuti mutemo uyu watevedzwa.
“Yaangu ndakazvisonera ngega uye inoputira kumeso zvakanaka zvekuti handizeze kutapurirwa paruzhinji,” anodaro mudzimai akaonekwa nevatori venhau akazvimonera zimasiki rejira rezambiya kuChitungwiza.
“Ndiri kusekwa nevamwe asi ini handina basa nazvo, chakakosha kuzvidzivirira, Covid-19 iriko,”anodaro asi ndokuramba nezita rake achiita seanonyara.
Chimwe chitoro chikuru chiri kwaMakoni, kuChitungwiza chairambidza vanhu vainge vasina kupfeka mamasiki kupindamo.
Mumwe murume wechikuru akaonekwa achikumbira masiki yainge yabuda yakapfekwa nemumwe mukomana muchitoro ichi, ndokuipihwa achibva azopindawo aipfeka.
Kupanana mamasiki anenge ambopfekwa zvinonzi zvine njodzi huru sezvo zvichiita kuti vanhu vatapurirane hutachiona.
Anna Sango wemuHarare anoti mutemo mutsva unokurudzira veruzhinji kupfeka mamasiki wakanakira kuderedza kutapurirwa coronavirus.
“Iri idanho rakanaka zvikuru uye zvinoda kuti veruzhinji varambe vachipihwa ruzivo maererano nezvinodiwa mukurwisa chirwere ichi. Masiki yakanakira kuti mukufamba kune avo vatanga mabasa nevagara varimo vagare vakachengetedzeka, zvakae unosevenza vakafaranuka pasina kutyira kutapurirwa,” anodaro Sango.
Kana mutambi wemadhirama, Muchaneta, ari kupfekawo masiki kuitira kuzvidzivirira.
Covid-19 inokonzerwa nehutachiona hunonzi coronavirus, uye chirwere ichi chabata nekuuraya vanhu vakawandisa munyika dzakawanda dzepasi rose.
Hutachiona hwecoronavirus hunotapuriranwa nekukasika muvanhu uye Covid-19 chirwere chinouraya.
Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, muZimbabwe mange mava nevanhu 34 avo vakavhenekwa ndokuwanikwa vaine Covid-19.
Pavanhu ava, vana (4) vavo vakashaya vamwe vashanu ndokunaya.