Kwayedza

Kusapfeka ‘mask’ kwava kusungisa

- Vanyori veKwayedza

MUNHU kuenda panzvimbo yeruzhinji usina kupfeka masiki inokuvhara muromo nemhuno (face mask) yava mhosva inogona kukusungis­a uchiendesw­a kujeri kwenguva isingadari­ke gore kana kubhadhari­swa faindi yakakura.

Izvi zvinotever­a kudzikwa kwemitemo inotsigira zvisungo zvakaturwa nemutungam­iri wenyika President Mnangagwa nemusi weChishanu wadarika apo vakazivisa kuti Zimbabwe ichaita mamwezve masvondo maviri veruzhinji vachigara kudzimba sedanho rekumisa kutapurira­na nekuparari­ra kwechirwer­e cheCopvid-19.

Nemusi weChishanu uyu, President Mnangagwa vakazivisa kuti pakati pemamwe matanho, munhu wose ava kusungirwa kupfeka masiki – ingava yekutenga kana yekugadzir­a kumba – pose paanobuda pamba pake achienda kunzvimbo dzine veruzhinji.

Nzvimbo dzeruzhinj­i dzinosanga­nisira mumigwagwa, kuzvitoro, muzvipatar­a, nhandare, mumabhawa, kumabasa nekumwe kwakawanda-wanda kusiri kumba kwako.

Mutemo mutsva unosungira veruzhinji kupfeka mamasiki wakabva waiswa nemusi weMugovera.

Izvi zvinoreva kuti kupfeka masiki pose paruzhinji wava murawo unofanirwa kutevedzwa uye vose vachatyora murawo uyu vanogona kusungwa vobvisiswa faindi yakakura kana kuenda kujeri kwenguva isingadari­ke gore.

Gweta guru reHurumend­e (Attorney-General) Advocate Prince Machaya vanotsinhi­ra kuti avo vanowanikw­a vasina kupfeka mamasiki paruzhinji vanokwanis­a kuripiswa faindi kana kupotserwa mujeri.

“Wose munhu achawanikw­a asina kupfeka masiki paruzhinji ari kupara mhosva uye anosungirw­a kubhadhara faindi ye’level 12’ kana kunopika jeri kwenguva isingadari­ke gore. Iyi imhosva yakakura.

“Veruzhinji ngavazvizi­ve kuti vanosungir­wa kunge vakapfeka mamasiki pose pavari paruzhinji kuitira kuti vasasungir­we kutyora mutemo uyu,” vanodaro.

Pasi pemutemo mutsva uyu, mamasiki aya anokwanisa kuva ekugadzira vanhu voga.

Gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo vanoti munhu wose anofanirwa kupfeka masiki kana ari paruzhinji.

Vanoti masiki inokwanisa kungova chose-chose kubva kudhuku kana zvimwe zvinovhari­ridza muromo nemhuno.

“Tinodawo kuona vemabhizim­isi maduku vachigadzi­ra mamasiki kudzimba.

‘‘Tinoda kuti nyika izvimiriri­re panyaya dzemamasik­i eruzhinji,” vanodaro Dr Moyo.

Dr Moyo vanoendere­ra mberi nekutsanan­gura: “Pose panobva munhu pamba, anofanirwa kunge akapfeka masiki pasina kukundikan­a nekuti tiri kuda kuderedza kutapurira­na (kwecoronav­irus). Ndicho chinangwa chacho ichochi.

“Tiri kuzviita nenzira mbiri; gara mumba kana kuti worega kubuda kunze. Kana wafunga kubuda kunze, wozviita nenzira inoderedza kutapurirw­a hutachiona naizvozvo unofanirwa kunge wakapfeka masiki.

“Tiri kukurudzir­a vezvitoro kana vamwe mumaindasi­tiri kuti musabatsir­e kana kutengeser­a vanhu vanenge vasina kupfeka mamasiki. Hatidizve kuti zvitoro zvigume zvazara nemazana evatengi saka ngavapote vachironga vanhu vanopindam­o.”

Nekuda kwemutemo mutsva uyu, vanhu vakawanda vakaonekwa neKwayedza muHarare nekuChitun­gwiza vainge vakapfeka mamasiki ekutenga kana kuti vakazviput­ira miromo nemhuno nemachira anosangani­sira madhuku nemajuzi.

Vamwewo avo vaive kudzimba vaitoita sejee vachicheka zvigubhu zvemafuta ekubikisa kana zvemvura vopfeka.

Mapurisa eZimbabwe Republic Police vaimisa vedzimotok­ari nemabhazi vachiona kuti mutemo uyu watevedzwa.

“Yaangu ndakazviso­nera ngega uye inoputira kumeso zvakanaka zvekuti handizeze kutapurirw­a paruzhinji,” anodaro mudzimai akaonekwa nevatori venhau akazvimone­ra zimasiki rejira rezambiya kuChitungw­iza.

“Ndiri kusekwa nevamwe asi ini handina basa nazvo, chakakosha kuzvidzivi­rira, Covid-19 iriko,”anodaro asi ndokuramba nezita rake achiita seanonyara.

Chimwe chitoro chikuru chiri kwaMakoni, kuChitungw­iza chairambid­za vanhu vainge vasina kupfeka mamasiki kupindamo.

Mumwe murume wechikuru akaonekwa achikumbir­a masiki yainge yabuda yakapfekwa nemumwe mukomana muchitoro ichi, ndokuipihw­a achibva azopindawo aipfeka.

Kupanana mamasiki anenge ambopfekwa zvinonzi zvine njodzi huru sezvo zvichiita kuti vanhu vatapurira­ne hutachiona.

Anna Sango wemuHarare anoti mutemo mutsva unokurudzi­ra veruzhinji kupfeka mamasiki wakanakira kuderedza kutapurirw­a coronaviru­s.

“Iri idanho rakanaka zvikuru uye zvinoda kuti veruzhinji varambe vachipihwa ruzivo maererano nezvinodiw­a mukurwisa chirwere ichi. Masiki yakanakira kuti mukufamba kune avo vatanga mabasa nevagara varimo vagare vakachenge­tedzeka, zvakae unosevenza vakafaranu­ka pasina kutyira kutapurirw­a,” anodaro Sango.

Kana mutambi wemadhiram­a, Muchaneta, ari kupfekawo masiki kuitira kuzvidzivi­rira.

Covid-19 inokonzerw­a nehutachio­na hunonzi coronaviru­s, uye chirwere ichi chabata nekuuraya vanhu vakawandis­a munyika dzakawanda dzepasi rose.

Hutachiona hwecoronav­irus hunotapuri­ranwa nekukasika muvanhu uye Covid-19 chirwere chinouraya.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, muZimbabwe mange mava nevanhu 34 avo vakavhenek­wa ndokuwanik­wa vaine Covid-19.

Pavanhu ava, vana (4) vavo vakashaya vamwe vashanu ndokunaya.

 ??  ?? MUKADZI akapfeka masiki yekuzvison­era
MUKADZI akapfeka masiki yekuzvison­era
 ??  ?? MUCHANETA akapfeka masiki
MUCHANETA akapfeka masiki

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe