Kwayedza

Chirwere ichi chichiriko

-

ZIMBABWE iye zvino yapinda padanho rechipiri — Level 2 lockdown – rekurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19 icho kusvika pari zvino chabata vanhu vanosvika 34 muno.

Vana (4) vevanhu ava vakashaya kuchiti vashanu vavo vakatonaya. Pasi pechidanho chechipiri ichi — kusiyana nepakutang­a — Hurumende yakatender­a kuti makambani akakosha mukusimudz­ira upfumi hwenyika atange kushanda zvakare vashandi vachienda kumabasa.

Zvakakosha kuziva kuti Covid-19 ichiriko uye munhu wose anofanira kutora matanho ekudziviri­ra kupararira kwayo.

Pasi peLevel 2, Hurumende yakadzika matanho akasiyana nedonzvo rekudzivir­ira kupararira kwecoronav­irus iyo inokonzera Covid-19.

Matanho aya anosangani­sira kuti munhu wose anofanira kupfeka masiki kana ava kufamba achibva pamba pake achienda paruzhinji.

Mamasiki ane basa guru mukurwisa kupararira kweCovid-19 sezvo achiita kuti munhu anenge akapfeka asatapurir­we kana kutapurira vamwe utachiona hwecoronav­irus.

Hurumende yakatender­a veruzhinji kuti vapfeke mamasiki kunyangwe anogadzirw­a mudzimba kuburikidz­a nekusona uye nedzimwe nzira dzakasiyan­a.

Danho iri rinofanira kurumbidzw­a zvikuru zvichiteve­ra kudhura kuri kuita mamasiki mumafamasi nedzimwe nzvimbo dzaanoteng­eswa.

Asi, kune vamwe vasiri kukoshesa nyaya yekupfeka mamasiki vachiona sedambe.

Vamwe vari kuzopfeka mamasiki mushure mekunge vaona mapurisa inove tsika yakaipa zvikuru.

Nyaya iripo haizi yekutya mapurisa asi kudzivirir­a utano hwako kuti usatapurir­we kana kutapurira vamwe coronaviru­s.

Kune vamwe zvakare vari kuita mamasiki ekufamba vakaisa muhoro vasina kuvhara muromo nemhuno kunge sikavha.

Izvi handizvo sezvo masiki ichifanira kuvhara muromo zvose nemhuno.

Panyaya yekupfeka mamasiki iyi, vakawanda havazi kukoshesaw­o kupfekedza vana.

Kazhinji unoona mudzimai akapfeka masiki asi akabereka mwana kumusana anenge asina kupfeka masiki izvo zvinomuisa panjodzi yekutapuri­rwa Covid-19.

Kozoitawo vamwe vanhu vari kungoonekw­a vachingomb­eya-mbeya mungave mumaguta nedzimwe nzvimbo vasina chakati tsvikiti chavanenge vachifambi­ra.

Kwete, gara kumba kana usina zvakakosha zvauri kufambira nekuti hazvizobat­siri kuzodemba watapurirw­a chirwere.

Covid-19 haisi yekuita jee nayo kana tichitaris­a kuuraya kwairi kuita vanhu kunyika dzinosanga­nisira United States uko kusvika pari zvino kwafa vanhu vanodarika 60 000 nekuda kwecoronav­irus.

Chirwere ichi chatekeshe­ra pasi rose kureva kuti hachisarud­zi ganda remunhu kuti mutema here kana kuti muchena.

Ino inguva yekuti munhu wose apinde muhondo yekurwisa kupararira kweCovid-19 nekuti kana tikadaro tinokunda kupararira kwedenda iri.

Covid-19 irimo muno.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe