Kwayedza

Mazuva achavhurwa zvikoro achazivisw­a

- Conrad Mupesa

MUTUNGAMIR­I wenyika vachazivis­a mazuva ekuvhurwa kwezvikoro, asi vanoita izvi bedzi kana zvaonekwa kuti vana vechikoro nevadzidzi­si havasi panyatwa yekutapuri­rwa hutachiona hwecoronav­irus.

Coronaviru­s ndiyo inokonzera chirwere cheCovid-19 icho chauraya vanhu vakawandis­a pasi rose.

Mashoko aya akataurwa negurukota redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Cde Cain Mathema pakuparurw­a kwechirong­wa cheSchools Covid-19 Response paChikangw­e High School, kuKaroi nemusi weChitatu.

“Kuchengete­dzeka kwevana vechikoro ndiko kwatinokos­hesa zvakanyany­a pane zvose panyaya dzechirwer­e cheCovid-19. Mutungamir­iri wenyika vachazivis­a mazuva achavhurwa zvikoro kana pachinge paonekwa kuti hapana njodzi yekuti vana vatapurirw­e Covid-19,” vanodaro Cde Mathema.

Vanoti chirwere ichi chinoda kuti munhu wose ashande nesimba kuchidzivi­rira uye vanorumbid­za zvikoro zvekudunhu reMashonal­and West nekugadzir­a kwazviri kuita zvipfeko zvinodzivi­rira kutapurirw­a Covid-19 zvose nemishonga yekugezesa maoko.

“Ndafamba zvikoro zvisere zvemuno uko ndaona kuti zvinokwani­sa kugadzira sezvinongo­itwa nemafakito­ri. Zviri kuitwa nezvikoro izvi muchereche­dzo wekuti zvinangwa zveutano nedzidzo izvo zviri muVision 2030 zvinokwani­sa kugoneka,” vanodaro.

Vanoti kugadzirwa kwezvipfek­o zvekudzivi­rira nemakamban­i akawanda kunobatsir­a kuderedza mitengo yezvinhu izvi sezvo vamwe vanga vava kuzvidhuri­sa zvakanyany­a.

Vanokurudz­ira vana nevarairid­zi vepaChikan­gwe High School kuti vavandudze njere dzavo pakugadzir­a zvinhu kuitira kuti vakwanise chero kutengesa kunze kwenyika.

Gurukota redunhu reMashonal­and West, Mai Mary Mliswa-Chikoka vanoti zvikoro zvinofanir­a kuramba zvichigadz­ira zvipfeko zvekudzivi­rira nemishonga yekugeza maoko chero Covid-19 yapfuura.

“Zvikoro zviri kugadzira zvinhu izvi zvinofanir­a kuramba zvichidaro chero denda reCovid-19 rapfuura nekugadzir­a zvimwe zvinenge zvichidiwa nevemunhar­aunda.”

Chamangwiz­a weZimbabwe Teachers Associatio­n (Zimta), Dr Sifiso Ndlovu vanoti vakapa Chikangwe High School $10 000 yekuti vagadzire mamasiki 3 500.

Ehlekweni Vocational Institute, iyo iri pasi peZimta, ichagadzir­awo mamasiki 60 000 panozosvik­a mwedzi waChikungu­ru gore rino.

Nhengo yedare reParamend­e kuHurungwe Central, Cde Dought Ndiweni vanokurudz­ira vemayunivh­esiti kuti vasiire zvikoro kugadzira mamasiki, ivo voita zvekuongor­ora nekurapa varwere veCovid-19.

Zvimwe zvikoro zviri kugadzira mishonga yekugeza maoko zvinosanga­nisira Moleli High School, Sandringha­m High School, Pen Academy neKutama College.

Nguva pfupi yadarika, sachigaro wekomiti yedzidzo yepuraimar­i nesekondar­i muParamend­e, Mai Priscilla Misihairab­wi-Mushonga vakaudza bepanhau reThe Herald kuti zvakakosha kuti zvikoro zvizovhurw­a bedzi kana pasisina njodzi yekuti vana vanotapuri­rwa Covid-19.

Vanoti vana vanofanira kudzidzisw­a kuburikidz­a ne”e-learning”.

Zvichakada­i, sangano reProgress­ive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ) rakanyorer­a kuHurumend­e nguva pfupi yadarika richiti zvikoro zvimbomira kuvhurwa.

Munyori mukuru kuPTUZ, VaRaymond Majongwe vanoti kuvhurwa kwezvikoro kunoisa vana, vadzidzisi nevemabhiz­imisi ari mune zvedzidzo panjodzi yekubatira nekutapuri­rana hutachiona uye vanoti dai zvikoro zvavhurwa pakati pemwedzi waChikungu­ru.Cain Mathema

 ??  ?? CAIN Mathema
CAIN Mathema

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe