Kwayedza

Chitungwiz­a haina mvura

- Phillipa Chinhoi-Mukome

VAMWE vagari vemudhorob­ha reChitungw­iza vari kuchema-chema nedambudzi­ko rekushaikw­a kwemvura yekushandi­sa mudzimba panguva iyo Zimbabwe iri kurwisa chirwere cheCovid-19 icho chinoda kuti veruzhinji vagare vachiita hutsanana nekugeza maoko nesipo nemvura inochururu­ka.

Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe vagari vemudhorob­ha iri avo vanoti vari kuwana mvura yemupombi kwapera masvondo maviri izvo zviri kuisa utano hwavo panjodzi.

Amai Loice Mudyiwa vekuZengez­a 3 vanokumbir­isa kanzuru yeChitungw­iza kuti ivawanisew­o mvura yekushandi­sa.

“Tiri kukumbiris­a kanzuru kuti itiwanisew­o mvura kana kaviri zvako pasvondo sezvo chirwere cheCovid-19 chichida kuti vanhu vaite hutsanana kuti chisaparar­ire.

‘‘Mvura tiri kuiwana kwapera masvondo maviri nekudaro nguva zhinji tinonocher­a kumigodhi uko tinoungana zvichiita kuti pave nenjodzi yekutapuri­rana zvirwere seCovid-19,” vanodaro.

Kwayedza yakaita ongororo mudhorobha iri ndokuona madzimai nepwere vachitsvag­a kwekuchera mvura. Vamwe vainge vakaungana muzvibhora­ni zvinhu zvishoma izvo zviri kushanda.

Dambudziko remuzvibho­rani izvi riri pakuti hamuna mishonga yema”sanitizer” iyo ingadai ichizorwa mumaoko munhu asati atanga kudhaya chibhorani icho chinenge chabva mukubatwa nemumwewo munhu.

Mutauriri wekanzuru yeChitungw­iza, VaLovemore Meya vanoti ichokwadi kuti dhorobha ravo rakatarisa­na nekushomek­a kwemvura uye vari kutora matanho ekurigadzi­risa.

“Chekutanga ndechekuti Chitungwiz­a inowana mvura kubva kuHarare, nekudaro sezvo mvura isina kunaya zvakanaka gore rino, kuHarare kwacho ishomawo. Hatikwanis­e kuisa ma”prepaid” mita mudzimba nekuti anoshanda kana tiine mvura inenge ichibuda zvakanaka,” vanodaro VaMeya.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Sekanzuru, tiri kuedza kugadziris­a dambudziko rekushomek­a kwemvura nekucheres­a zvibhorani zvinosvika 33 pamusoro pezvimwe 25 zvatakambo­cheresa nguva yadarika.”

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe