Kwayedza

Zvinoita kuti munhu atame

- naWedzerai Nhemachena

DARE rino rinoda kukurukura nenyaya yekutama. Kutama kubva pane nzvimbo ine marwadzo nekuenda kune isina marwadzo kana ine marwadzo mashoma.

Zvino havasi vanhu vanotama chete, asi mhuka neshiri dzesango dzinotamaw­o. Mazuva ano macomputer programme anotama zvakare.

Chinhu chinosunga­nidza vanhu, mhuka, pamwe nezvinhu zvose zvinotama, kusagutsik­ana nenzvimbo yazviri panguva iyoyo, paine fungidziro yekuti zvichanoga­rika zviri nani kunzvimbo itsva.

Ngatitore mukomana kana musikana abva zera semuenzani­so. Vaviri ava vanotama kubva kumba kwevaberek­i vavo vachinotan­gisa musha wavo mutsva vaine fungidziro yekuti vachagara zvakanaka kupfuura zvavari nhasi uno. Asi tinoziva tose kuti nedzimwe nguva vaviri ava vanogona kutama zvakare vakaona hugaro hwavo husingavaf­adze, votsvaga zvimwe zvingavagu­tse.

Ngatiende zvakare pamusha paveswa moto nokuti kwatonhora. Gare-gare vanhu vakakomba choto vanosuduru­ka zvishoma nezvishoma kana moto wabatira zvakasimba pava nerimi rawo.

Ndizvo zvimwe chetezvo nepabasa. Kana muhoro ukaita mushoma, vanhu vanotama nokutsvaga kunobhadha­ra zviri nani. Kana mukuru webasa achitauris­a kana kushunguru­dza, vanhu vanotama pabasapo votsvaga kumwe vaine chivimbo chokuti havasangan­e nemukuru webasa ane pamuromo paHaruna zvakare.

Tikafamba zvakare nenyaya yekutama iyi, vamwe vanotama mumusha mavakarerw­a vachienda kure nevadiwa vavo pamusana pemitauro inosimuka pahukama hwavo. Vamwe vanotya kuti vangazosvi­ka pakugura hukama hwavo nehama kana vakaramba vagere padyo navo, saka kusuduruka kunovabats­ira kuchengete­dza hukama hwavo.

Vamwewo ndivo vanotama nokuda kwasabhuku mumusha, nokuti pachida sabhuku uyu akaoma mwoyo zvekuti vatami vanoona seasingago­ne kudzora mwoyo wake pazvinhu zvinokoshe­swa. Vamwewo vanotiza huori chaihwo nekutya kuti vangatadze kurera vana vavo zvakanaka mutsika nemagariro avanokoshe­sa.

Chenjedzo:

Kubva pasi chigare, shiri nemhuka pamwe nevanhu vanotiza nzara, chando, moto, vavhimi, nezvimwe zvakawanda munzvimbo dzavakajai­ra, vachienda kunzvimbo dzavasinga­zive, pachida kune dzimwe nyika. Zvino todiiko kana vamwe vanotiza varivo vane hunyanzvi hwekusimud­zira musha wedu? Mumutauro wevapwere vedu wanhasi vanoti ivo ndivo vane yese. Nokudaro isu tine yese ngatitsvag­e zvinoita kuti vatigere navo vasatsvage nzira dzekutama nadzo. Vakatama musha unoita dongo. Musha wedu, dunhu redu, kambani yedu pamwechete nenyika yedu zvinoda kushandirw­a kuti zvisaite matongo.

Wedzerai Nhemachena ndigodobor­i wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communicat­ion Studies). Anobata nemauniver­sity akawanda muZimbabwe.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe