Kwayedza

Bhora rinonakidz­a paine vatsigiri

- Abel Ndooka

MUTAMBI wechikwata chenyika cheZimbabw­e Warriors necheYeni Malatyaspo­r chekuTurke­y, Teenage Hadebe, anoti nhabvu hainakidze kutamba munhandare isina vatsigiri.

Mwaka wenhabvu weTurkish Super Lig – uko Hadebe ari kutambira – unotarisir­wa kudzoka mumasvondo ari kutevera.

Mitambo mizhinji pasi rose yambenge yakamiswa nekuda kwechirwer­e cheCovid-19 icho chaurauya vanhu vakawandis­a. Asi kutanga masvondo achangodar­ika, kune dzimwe nyika nhabvu yava kuita ichidzoka asi ichitambwa munhandare dzisina vatsigiri.

Muhurukuro dzange dzichiitwa kuTurkey, pane fungidziro huru yekuti mitambo yenhabvu yeko inogona kusimudzir­a musi wa12 Chikumi.

Achitaura neKwayedza ari kuTurkey, Hadebe anoti ari kufara kuti nhabvu yave kudzoka asi anoti zvikwata zvinofanir­wa kugadziris­a pavanotamb­ira kuti pange pakachena uye pakachenge­tedzeka panyaya dzeutano.

“Kunyangwe hangu ndiri kufara kuti tave kudzoka kuzotamba nhabvu zvekare, asi zvandaona nekudzidza zvange zvichityis­a. Vanhu vari kufa kunze uko, saka tinofanirw­a kunge takachenge­tedzeka uye takangwari­ra tichiteved­zawo mutemo nekurudzir­o dzeveutano.

“Ndanga ndasuwa nhabvu yangu nekuti ndiyo inondichen­geta, saka ndiri kutarisira kutamba zvakanaka zvekare,” anodaro.

Kunyangwe zvazvo achiti ari kutarisira kudzoka kwenhabvu, Hadebe anoti zvichamure­mera kutamba munhandare dzisina vatsigiri sezvo iye ange ajaira kutamba pamberi pechaunga chevanhu.

“Tajaira kutamba nhandare dzakazara nevatsigir­i vachitikuz­a. Zvino izvi zvitsva kwandiri, saka zvichandir­emera nekuti vatsigiri vanotipa manyuku-nyuku ekutamba zvakanaka.

“Asi totongojai­ra zviripo nekuti pakupera kwezuva tinofanirw­a kubata basa, uye tiine utano,” anodaro muchinda anoti kana achitamba kumashure kwechikwat­a chemaWarri­ors uyu anoita zvekusunga chishwe chaicho.

Svondo richangoda­rika nhabvu yakatanga kutambwa kunyika yeGermany asi munhandare dzisina vatsigiri.

Mimwe yemitemo yakaiswa mitsva ndeyekuti vatambi venhabvu havachaten­derwa kukwazisan­a nemaoko uye kana vakanwisa, pakupember­a havabvumid­zwe kumbundira­na.

 ??  ?? TEENAGE Hadebe
TEENAGE Hadebe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe