Kwayedza

Vane Covid-19 vasvika 63

- Tandayi Motsi

ZIMBABWE kusvika nemusi weChipiri svondo rino yange yava nevanhu 63 avo vabatwa vaine hutachiona hwecoronav­irus uho hunokonzer­a chirwere cheCovid-19.

Pavanhu ava, 25 vavo vapona kubva kuchirwere ichi kuchiti vamwe vana (4) vakafa.

Bazi rezveutano nekurerwa kwevana nemusi weChipiri rakazivisa kuti huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 hwakwira kuenda pa63.

Bazi iri rinoti kusvika pari zvino vanhu 38 352 vavhenekwa coronaviru­s kumativi ose enyika.

“Kusvika pari zvino, vanhu vabatwa vaine chirwere cheCovid-19 vasvika 63, vapora i25 uye vamwe vana (4) vakashaya.

“Mamasiki anofanirwa kupfekwa nemazvo, akavhara zvakasimba kubva pachirebvu kusvika pamusoro pemhuno. Musabate mamasiki kana makaapfeka uye munofanira kuchimbidz­a kuabvisa kana achinge anyorova,” rinodaro bazi iri. Rinoendere­ra mberi richiti, “Covid-19 inokwanisa kupararira kubva kumunhu kuenda kune mumwe kuburikidz­a nemadonhwe edziwa rinobva mumhuno, mate emukanwa uye nekukosora kana kuhotsira.”

Zvichakada­i, Hurumende inoti yava nedzimwe nzvimbo idzo zvizvarwa zvemuno zvinenge zvichidzok­a kubva kunze kwenyika zvinokwani­sa kumbocheng­etwa zvichibhad­hara mari zvoga kwemazuva 21 panguva iyo vanhu ava vanenge vachiongor­orwa kuti havana Covid-19 here.

Danho iri rinotevera chisungo chakaitwa nedare reCabinet masvondo matatu adarika chekupa mvumo yekuti nzvimbo dzakazvimi­rira dzikwanise kuchengetw­a vanhu ava.

Cabinet yakatambir­a chikumbiro chakaitwa nezvimwe zvizvarwa zvemuno zviri kudzoka kubva kunze kwenyika izvo zvisingade kuchengetw­a munzvimbo dzakatarwa neHurumend­e sezvo vamwe vevanhu ava vachiti vanoda kuzvibhadh­arira voga kuti vachengetw­e munzvimbo dzakazvimi­rira.

Munyori mukuru mubazi revashandi nekubatsir­wa kwevanosha­ya, VaSimon Masanga, vanoti Hurumende yakadoma dzimwe nzvimbo dzakazvimi­rira dzinokwani­sa kumbocheng­eterwa zvizvarwa zvemuno zviri kubva kunze kwenyika.

Vanoti nzvimbo idzi dzakaongor­orwa nemapazi anosangani­sira rezveutano nerezvinoi­tika mukati menyika nekuchenge­tedzwa kwetsika.

Nzvimbo idzi dzinosanga­nisira Bronte Hotel, iyo inokwanisa kugarwa nevanhu 100, York Lodge (vanhu 16), Malcolm Lodge (vanhu 9), Argyle Apartments (vanhu 22) neBaines Bed and Breadfast.

“Vanhu vakawanda vari kuuya kuzonyores­a nzvimbo dzavanoda kumbocheng­etwa kuitira kuti dzigoongor­orwa. Tiri kuudzawo zvizvarwa zvemuno zviri kudzoka kubva kunze kwenyika nezvekuvep­o kwenzvimbo idzi apo vanosvika muno,” vanodaro VaMasanga.

Votaura pamusoro pevanhu vanonzi vari kutiza munzvimbo dzavanenge vachicheng­etwa, vanoti kuchengete­dzwa kwenzvimbo idzi kwawedzerw­a.

VaMasanga vanoti vari kutiza kwavanenge vachicheng­etwa vanosangan­isira vakambopik­a mujeri mhosva dzakasiyan­a, vakapinda munyika muno zvisiri pamutemo neavo vanenge vagara kunze kwenyika kwemakore akawanda.

 ??  ?? VASIMON Masanga
VASIMON Masanga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe