Vane Covid-19 vasvika 63
ZIMBABWE kusvika nemusi weChipiri svondo rino yange yava nevanhu 63 avo vabatwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19.
Pavanhu ava, 25 vavo vapona kubva kuchirwere ichi kuchiti vamwe vana (4) vakafa.
Bazi rezveutano nekurerwa kwevana nemusi weChipiri rakazivisa kuti huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 hwakwira kuenda pa63.
Bazi iri rinoti kusvika pari zvino vanhu 38 352 vavhenekwa coronavirus kumativi ose enyika.
“Kusvika pari zvino, vanhu vabatwa vaine chirwere cheCovid-19 vasvika 63, vapora i25 uye vamwe vana (4) vakashaya.
“Mamasiki anofanirwa kupfekwa nemazvo, akavhara zvakasimba kubva pachirebvu kusvika pamusoro pemhuno. Musabate mamasiki kana makaapfeka uye munofanira kuchimbidza kuabvisa kana achinge anyorova,” rinodaro bazi iri. Rinoenderera mberi richiti, “Covid-19 inokwanisa kupararira kubva kumunhu kuenda kune mumwe kuburikidza nemadonhwe edziwa rinobva mumhuno, mate emukanwa uye nekukosora kana kuhotsira.”
Zvichakadai, Hurumende inoti yava nedzimwe nzvimbo idzo zvizvarwa zvemuno zvinenge zvichidzoka kubva kunze kwenyika zvinokwanisa kumbochengetwa zvichibhadhara mari zvoga kwemazuva 21 panguva iyo vanhu ava vanenge vachiongororwa kuti havana Covid-19 here.
Danho iri rinotevera chisungo chakaitwa nedare reCabinet masvondo matatu adarika chekupa mvumo yekuti nzvimbo dzakazvimirira dzikwanise kuchengetwa vanhu ava.
Cabinet yakatambira chikumbiro chakaitwa nezvimwe zvizvarwa zvemuno zviri kudzoka kubva kunze kwenyika izvo zvisingade kuchengetwa munzvimbo dzakatarwa neHurumende sezvo vamwe vevanhu ava vachiti vanoda kuzvibhadharira voga kuti vachengetwe munzvimbo dzakazvimirira.
Munyori mukuru mubazi revashandi nekubatsirwa kwevanoshaya, VaSimon Masanga, vanoti Hurumende yakadoma dzimwe nzvimbo dzakazvimirira dzinokwanisa kumbochengeterwa zvizvarwa zvemuno zviri kubva kunze kwenyika.
Vanoti nzvimbo idzi dzakaongororwa nemapazi anosanganisira rezveutano nerezvinoitika mukati menyika nekuchengetedzwa kwetsika.
Nzvimbo idzi dzinosanganisira Bronte Hotel, iyo inokwanisa kugarwa nevanhu 100, York Lodge (vanhu 16), Malcolm Lodge (vanhu 9), Argyle Apartments (vanhu 22) neBaines Bed and Breadfast.
“Vanhu vakawanda vari kuuya kuzonyoresa nzvimbo dzavanoda kumbochengetwa kuitira kuti dzigoongororwa. Tiri kuudzawo zvizvarwa zvemuno zviri kudzoka kubva kunze kwenyika nezvekuvepo kwenzvimbo idzi apo vanosvika muno,” vanodaro VaMasanga.
Votaura pamusoro pevanhu vanonzi vari kutiza munzvimbo dzavanenge vachichengetwa, vanoti kuchengetedzwa kwenzvimbo idzi kwawedzerwa.
VaMasanga vanoti vari kutiza kwavanenge vachichengetwa vanosanganisira vakambopika mujeri mhosva dzakasiyana, vakapinda munyika muno zvisiri pamutemo neavo vanenge vagara kunze kwenyika kwemakore akawanda.