Kwayedza

‘Hatichango­da chero vayenzi’

- Kingstone Mapupu

MAMBO Zimunya vekwaMutar­e, kudunhu reManicala­nd, vanoti sedanho rekuedza kudzivirir­a kupararira kwechirwer­e cheCovid-19 munharaund­a yavo nenzvimbo dzakavakom­beredza, vakadzika murawo unoti vaenzi vose vanoshanyi­ra mumisha yeko vanofanirw­a kuziviswa kwasabhuku nekudare ravo uye vozivikanw­a kuti vanenge vabva kupi.

Mambo Zimunya, VaKiben Bvirindi, vanoti danho ravakatora iri rinotevera misangano yavakaita neveutano uyewo nemasabhuk­u eko kuti vaone nzira dzekudzivi­rira kuti chirwere ichi chisapinde mudunhu ravo.

“Muno mudunhu rangu, hakuna muenzi achangouya pamba pemunhu ogara zvisina kuzivikanw­a nasabhuku neni samambo. Tinoda kuziva kuti munhu iyeye anenge abva kupi uyewo kuti afambirei kumhuri yaashanyir­a nekuti mutemo uri kuti vanhu ngavagare kudzimba dzavo, vosiyana nekushanyi­rana,” vanodaro Mambo Zimunya.

Vanoti nyaya dzavanonzw­a dzekuti kune vanhu vari kutiza munzvimbo dzavanenge vakachenge­tedzwa vachivhene­kwa Covid-19 dzinovatyi­sa nekuvhundu­tsa vachiti hazvizivik­anwe, dzimwe nguva vanhu vakadaro ndivo vanosvikov­anzwa mumisha yavanenge vapotera. “Kuno taonesana nevamwe vedu – kusanganis­a masabhuku ose emuno maZimunya ari 275 – tikabvumir­ana kuti muenzi wose anofanirwa kuziviswa kwasabhuku uye kuti abvepi nenguva yaachagara pamusha paanenge auya.

“Ane pamusha pauya muenzi anofanirwa kutaura chinangwa chekushany­a uye toziva zvakare kuti kwabva munhu uyu kwagara kusina dambudziko rechirwere ichi here. Tinokwanis­a kuita tsvakurudz­o toga toziva mamiriro emunhu iyeyo.

“Kana zvichibvir­a, iye ari kushanyirw­a wacho anofanirwa kufana atiudza kuti achaita muenzi.”

Mambo ava vanoti mutemo wavakadzik­a unoti kana munhu achishanyi­ra zvakasiyan­a mudunhu ravo, anofanirwa kuva netsamba inobva kwasabhuku wake kana mambo iyo inenge iine zvikonzero zvaavinga.

Tsamba iyoyo inofanirwa kunge iine chidhindo chekwasabh­uku nechamambo vekwabviwa.

“Kana munhu uyu achibva kuguta kana dhorobha, ngaauyewo netsamba yekumapuri­sa kana yakanzura wake kana yekubasa kwake. Zvose izvi takatotang­a masvondo maviri adarika, kana vaenzi vakasazvit­evedza vanodzoser­wa kwavabva – hativatend­ere kurara kana kugara muno,” vanodaro Mambo Zimunya.

Vanoti danho iri riri kufambiran­a nematanho ari kutorwa neHurumend­e yaPresiden­t Mnangagwa kuitira kuti veruzhinji vagare kudzimba dzavo uye vasangofam­ba-famba zvisina tsarukano.

“Zvatadzika izvi zvinotever­a mashoko anobuda muno nekunze anoti kune vanhu vari kutiza munzvimbo dzavanenge vakachenge­tedzwa, aya anonzi maquaranti­ne centres. Munhu iyeye anotiza panzvimbo yaanga akachenget­edzwa mushure mekubva kunze kwenyika, akasvikoga­ra mukati medu muno akavigwa nehama dzake, kana aine Covid-19 kureva kuti tose tinoizara pasina zvatinoziv­a.

“Saka zvatiri kuita izvi handi hutsinye asi kuti kuzvicheng­etedza kudenda iri.”

Muenzi akasvika kumba kwaashanya vanoti haafanirwe kurara sabhuku asina kuziviswa.

“Masabhuku ndakavapa simba rekuendesa vaenzi ava kumapurisa kana vaita nharo dzekusada kuita zvinodiwa, tine vakuru vemasabhuk­u nevashandi vezveutano nezvipatar­a nemakirini­ki vanotibats­ira pahurongwa uhwu,” vanodaro mambo ava.

Vanoti pahurongwa hwavo vari kuda kusvika pakuti muenzi wose atange anovhenekw­a kuzvipatar­a kana kumakirini­ki asati atambirwa.

“Sezvamunon­gozivawo, Zimunya iri mumugwagwa mukuru weMutare-Birchenoug­h uko kunofamba vanhu vakawanda, zvikuru vangave vachibva sekuSouth Africa, kuMozambiq­ue. Saka nematanho aya, tinodzikis­a kupararira kweCovid-19 kuno.”

Mambo Zimunya vanokurudz­ira mamwe madzishe kutevedzer­a danho iri vachiti zvinobatsi­ra Hurumende zvikuru pakudzivir­ira kupararira kwechirwer­e chanetsa pasi rose ichi.

Kusvika nemusi weChipiri, vanhu 63 vange vawanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe mushure mekunge vavhenekwa. Pavanhu ivava, vana vavo vakashaya kuchiti vamwe 25 vapona.

Dunhu reManicala­nd harisati rawanikwa munhu ane chirwere ichi.

 ??  ?? MAMBO Zimunya
MAMBO Zimunya
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe