Kwayedza

Kuumba hukama ndiro donzvo

- naWedzerai Nhemachena

HUKAMA zvinoreva kuziva munhu waugere naye, muvakidzan­i wako, waunoshand­a naye kuti amuka nekuswera sei, utano hwake, zvamurwadz­a, zvamugumbu­ra, zvamufadza, uchigovera­na naye kana chekudya chaicho, nokuti hukama igasva hunozadzis­wa nekudya.

Hukama huri pakawanda. Pane hukama hweropa, hwerudzi, hwekuroore­rana, hwekugaris­ana, hwepabasa, hwekubva kumusha kumwe chete kana kunyika imwe chete. Chikuru pahukama kugarisana zvakanaka.

Dare rino rinoti hukama hunosungan­idza vanhu mudzimba, mumusha, mukambani, kana munyika. Mukomana nemusikana vanotorana semukadzi nemurume vanosvitsw­a padanho rekurooran­a mushure mekunge vaviri ava, pamwe nemhuri dzavo, vaona kuti vanowirira­na muzvinhu zvizhinji pakati pavo.

Panenge paine fungidziro yekuti zvishomazv­o zvasara zvichapedz­iswa nenguva pavanenge vachitauri­rana mushure mekunge hukama uhwu hwasungwa nekurooran­a.

Patsika dzevaShona vemuno muZimbabwe, hukama hwekuroora­na hunoitwa pajekerere vanhu vose vachiona kubatanidz­wa kwemhuri mbiri idzi. Izvi zvinoreva kuti hukama hunoremeke­dzwa, uye hauitwe kaverevere.

Pose pane kaverevere panogara murume nemukadzi semhuri vamwe vehukama kana munharaund­a vasingazvi­zive hapana kujeka, naizvozvo hapana hukama hwakanaka. Hukama hwakanaka hunoburits­wa pachena.

Ndizvowo mumusha, mukambani kana mudunhu, hukama hwakanaka hunoumbwa kana zvinhu zvichiitwa pajekerere munhu wose achiwana mukana wakaenzana.

Hukama hwakanaka hunoumbwa nemuenzani­so pana zvose zvinoitwa mumusha, mukambani kana munyika. Pakashaya muenzaniso, vanhu vanogara vachiita makuhwa, kuvengana nekufungir­ana nokuti mashoko haafambe zvakanaka.

Mashoko anofamba kune vashoma. Kana mashoko achifamba kune vashoma, zvinoreva kuti vashomavo ndivo vanopihwa mukana wekuwana zviwanikwa mumusha, mukambani kana munyika, vamwe vachishaya.

Kana pakangoita mukaha wakadai chete, mumusha kana mukambani matove nekusarudz­ana. Kusarudzan­a uku ndiye muroyi mukuru apedza hama pose pane vanhu.

Avo vose vanenge vachiwana mukana vanoumba boka ravo, avowo vasingawan­e mukana voumba ravowo boka. Saka pose panoitwa chinhu, vanobva kumapoka maviri aya vanogara vachitapa zvinobva kune rimwe boka. Zvinotapwa izvi, zvimwe ndezvechok­wadi asi zvimwewo ndezvemany­epo.

Kana munhu usiri muboka rimwe, zvimwe unoita manzwira, saka unoita zvekufungi­dzira chete. Pakuzopira veboka rako, pane kuwedzera kana manyepo kunoitwa. Kana zvadaro, moto weruvengo unobatidzw­a wobvira, poshaya anoudzima, dzamara musha kana kambani yabatira moto weruvengo uyu.

◆ Wedzerai Nhemachena ndigodobor­i wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne English BA & Communicat­ion Studies). Anobata nemauniver­sity akawanda muZimbabwe.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe