Kwayedza

Usadye huroyi nekunyara

-

CHIRWERE cheCovid-19 chashungur­udza vanhu pasi rose.

Denda risati rawanirwa mushonga unorirapa iri harisarudz­e pakubata vanhu uye hariremeke­dze miganhu yenyika, rinobata vanhu vose — kubva kuvaduku kusvika kuvakuru — vatema nevachena zvose, varombo kana shoroma.

Kugona Covid-19 kutotevedz­era kurudziro dzeveutano, dzimwe dzacho dzinoda kuti veruzhinji vambosiyan­a nedzimwe tsika dzavagara vachiita.

Kutaura kuno muZimbabwe mawanikwa vanhu 63 vaine chirwere ichi mushure mekunge vavhenekwa.

Kuitira kuderedza kutapurira­na coronaviru­s — hunova hutachiona hunokonzer­a Covid-19 — vanhu vanokurudz­irwa kumbosiyan­a netsika dzekumhore­sana, kuungana separufu, kumbundira­na uye kugara kana kumira vari pedyo nepedyo.

Dzimwe dzetsika dziri kurambidzw­a dzagara dzakangoip­a nakare.

Kungosvipi­ra mate pose-pose, kukosora usina kuvhara muromo, kubata kumeso nemaoko asina kuchena nekungoita huchapa, itsika dzagara dzakaipa kubva Covid-19 isati yauya.

Dambudziko rine vamwe nderekureg­edza dzimwe tsika sekumhores­ana nekuungana pangava parufu.

Vamwe vangati tsika idzi dzinonetsa kudzisiya, asi nyaya iripo ndeye sarudzo pakati petsika nerufu.

Chokwadi ungasarudz­e kumhoresan­a nemunhu nemaoko nekuda kwenyadzi kana kuti kwetsika, asi wosara worwara?

Ko inga vamwe vanyarikan­i semukuwash­a naambuya vagara havambundi­rane kana kumhoresan­a nemaoko wani? Kusamhores­ana kwavo “chishanu” kunganzi kwakaipa kana kuti kunoshorek­a here?

Kana waona munhu anokutamba­nudzira ruoko achida kukumhores­a, iwe usamupe rwako ruoko. Unenge watomuyeuc­hidza kana kumupa chidzidzo chekuti mazuva ano hazvisi kuitwa. Unenge wakoshesa utano hwake nehwako kwete kuti wadada.

Kana pari parufu, musaungane muchidarik­a vanhu 50. Zviri nani kuzonobata maoko pane kunozara parufu, pedzezvo mobvapo matapurira­na coronaviru­s.

Chamagona chii?

Zviri nani vanhu vakutaure kana ukasvika parufu worega kubatana nevaripo maoko asi kungokumbu­rana navo muri kure nekure.

Vanotaura vachasara vachitaura nekuda kwekusaziv­a, asi vanenge vaita izvi vanenge vakoshesa utano hweruzhinj­i.

Zvakawanda zviri kunzi veruzhinji vaite mumazuva ano eCovid-19 izvo zvimwe zvacho zvinofungw­a nevamwe kuti hazviender­ane netsika dzavajaira kuita.

Hongu, tsika dzinoda kutevedzer­wa. Asika, zvinodawo kuyeuka kuti kuti utevedzere tsika hunge uri mutano kana kuti uri mupenyu.

Dzimwe tsika dzinoda kumbosende­kwa kure nekuti Covid-19 handi jee. Inouraya.

Usadye huroyi nekunyara!

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe