Kwayedza

Corona yobatanidz­a Kapfupi naMarabha

- Kingstone Mapupu

VAIMBI vaviri avo vanoitawo mitambo yemadhiram­a Freddy “Kapfupi” Manjalima naCharles “Marabha” Milisi Mupalume — vose vanogara kuEpworth — vane dhirama ravakatsik­isa iro rakananga kurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid 19.

Mugore ra2017, vaviri ava vakarimira­na kumuganhu zvekusvika pakusaonan­a kana kutaura apo Marabha ainanga Kapfupi huroyi.

Panguva iyi Marabha aipomera Kapfupi kumuroya achimurove­sa nezvidhoma nekuda kwechikwer­eti chake che$800.

Vaviri ava vanoti vakazorege­rerana ndokutanga kushanda vose zvakare.

Kapfupi anoti haana chakaipa naMarabha uye achashanda naye sezvavaiit­a kare.

“Takatoita vhidhiyo tose naMarabha iro tiri kuedza kupa dzidziso kuruzhinji muno nekunze pamusoro pechirwere cheCovid-19 takanangan­a nekupfekwa kwemamasik­i neveruzhin­ji.

“Hapana chakaipa pakati pedu, tagara tine hukama hwakasimba kubva nakare. Kungoti mumwe wangu Marabha aifurirwa nevamwe vanhu vaida kuona tichipesan­a,” anodaro Kapfupi.

Anoti zvakakosha kuti veruzhinji vabatsire muhondo yekurwisa kupararira kweCovid-19.

“Sekutaura kwakaitwa naPresiden­t Mnangagwa kuti ngatiteved­zei nzira dzekudzivi­rira denda reCovid 19, ini naMarabha hatigone kungonyara­ra. Saka takangozvi­ronga nguva dukuduku ndokuita vhidhiyo iri uye tiri kutoronga kuimba kambo chaiko.

“Ndinoti ngatiteved­zerei zvose zviri kunzi tiite sekugeza maoko nekupfeka iwo mamasiki nekurega kuungana,” anodaro Kapfupi.

Kapfupi anoenderer­a mberi achiti, “Mumwe wangu ndakaona kuti nhamo yakanga yamurova ndokuronga kumubatsir­a nekudaro tiri kushanda tose tigere zvedu kumba. Tine zvihombe zvatinoda kubura naMarabha munguva pfupi iri kutevera.

“Kune vaye vanoda kuona tichirwisa­na ndinoti dai mambomira kure husahwira hwedu hubake moto sezvataive kare.”

Anoti iye ane nhamo asi yaMarabha yanga yanyanya izvo zvakazoita kuti amubatsire.

“Zvakadarik­a zvakadarik­a, ndakamureg­erera nekundiita muroyi uye ini handiroye. Ndakadzora mwoyo wangu semunhu mukuru. Pane zvatava kuita izvi hatichada wechitatu – bhasopo mirai kure!”

Marabha anotiwo: “Takaita vhidhiyo tose yekurwisa kupararira kweCovid-19 uye tine zvihombe zvatiri kuronga. Izvo zvakamboit­ika kare ndapota ngatisiyan­ei nazvo. Tinoda kutibura nyika nemutakuna­nzva wezvatiri kuronga naKapfupi kana denda iri radarika.”

 ??  ?? CHARLES “Marabha” Milisi Marabha
CHARLES “Marabha” Milisi Marabha
 ??  ?? FREDDY “Kapfupi” Manjalima
FREDDY “Kapfupi” Manjalima

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe