Corona yobatanidza Kapfupi naMarabha
VAIMBI vaviri avo vanoitawo mitambo yemadhirama Freddy “Kapfupi” Manjalima naCharles “Marabha” Milisi Mupalume — vose vanogara kuEpworth — vane dhirama ravakatsikisa iro rakananga kurwisa kupararira kwechirwere cheCovid 19.
Mugore ra2017, vaviri ava vakarimirana kumuganhu zvekusvika pakusaonana kana kutaura apo Marabha ainanga Kapfupi huroyi.
Panguva iyi Marabha aipomera Kapfupi kumuroya achimurovesa nezvidhoma nekuda kwechikwereti chake che$800.
Vaviri ava vanoti vakazoregererana ndokutanga kushanda vose zvakare.
Kapfupi anoti haana chakaipa naMarabha uye achashanda naye sezvavaiita kare.
“Takatoita vhidhiyo tose naMarabha iro tiri kuedza kupa dzidziso kuruzhinji muno nekunze pamusoro pechirwere cheCovid-19 takanangana nekupfekwa kwemamasiki neveruzhinji.
“Hapana chakaipa pakati pedu, tagara tine hukama hwakasimba kubva nakare. Kungoti mumwe wangu Marabha aifurirwa nevamwe vanhu vaida kuona tichipesana,” anodaro Kapfupi.
Anoti zvakakosha kuti veruzhinji vabatsire muhondo yekurwisa kupararira kweCovid-19.
“Sekutaura kwakaitwa naPresident Mnangagwa kuti ngatitevedzei nzira dzekudzivirira denda reCovid 19, ini naMarabha hatigone kungonyarara. Saka takangozvironga nguva dukuduku ndokuita vhidhiyo iri uye tiri kutoronga kuimba kambo chaiko.
“Ndinoti ngatitevedzerei zvose zviri kunzi tiite sekugeza maoko nekupfeka iwo mamasiki nekurega kuungana,” anodaro Kapfupi.
Kapfupi anoenderera mberi achiti, “Mumwe wangu ndakaona kuti nhamo yakanga yamurova ndokuronga kumubatsira nekudaro tiri kushanda tose tigere zvedu kumba. Tine zvihombe zvatinoda kubura naMarabha munguva pfupi iri kutevera.
“Kune vaye vanoda kuona tichirwisana ndinoti dai mambomira kure husahwira hwedu hubake moto sezvataive kare.”
Anoti iye ane nhamo asi yaMarabha yanga yanyanya izvo zvakazoita kuti amubatsire.
“Zvakadarika zvakadarika, ndakamuregerera nekundiita muroyi uye ini handiroye. Ndakadzora mwoyo wangu semunhu mukuru. Pane zvatava kuita izvi hatichada wechitatu – bhasopo mirai kure!”
Marabha anotiwo: “Takaita vhidhiyo tose yekurwisa kupararira kweCovid-19 uye tine zvihombe zvatiri kuronga. Izvo zvakamboitika kare ndapota ngatisiyanei nazvo. Tinoda kutibura nyika nemutakunanzva wezvatiri kuronga naKapfupi kana denda iri radarika.”